Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Angadudzira Uprofita?

Ndiani Angadudzira Uprofita?

Ndiani Angadudzira Uprofita?

Mumazuva aAlexander Mukuru, pfundo rakasungwa naGordius rainzi ndiro rakaoma pane ose. Munhu aizosunungura pfundo iri aizonzi akachenjera uye abudirira zvikuru. * Zvinonzi Alexander akasunungura pfundo racho paakaricheka kamwe chete nepfumo rake.

KUBVIRA kare, vanhu vakachenjera vaisangogumira pakusunungura mapfundo akaoma chete asiwo vaiedza kududzira zvirahwe nouprofita uye kufanotaura zvaizoitika.

Zvisinei, kazhinji basa iri raiva rakavaomera. Somuenzaniso, vachenjeri vokuBhabhironi vakatadza kududzira mashoko akangoerekana anyorwa pamadziro omuzinda waMambo Bheshazari paaiita mutambo mukuru. Dhanieri muprofita waJehovha Mwari aiva akwegura uye aine mbiri yo“kusunungura mapfundo,” ndiye chete akakwanisa kududzira zvairehwa nouprofita hwacho. (Dhanieri 5:12) Uprofita hwacho uhwo hwaitaura nezvekuparara kwoUmambo hweBhabhironi, hwakazadzika usiku ihwohwo.—Dhanieri 5:1, 4-8, 25-30.

Chii Chinonzi Uprofita?

Uprofita hunowanzotsanangurwa huchinzi kufanoziviswa kwezvichaitika mune remangwana. Mukusiyana neizvi, uprofita hwechokwadi mashoko akafuridzirwa angava akaita zvokunyorwa kana kuti kutaurwa anenge achiratidza pachena zvinodiwa naMwari uye chinangwa chake. MuBhaibheri mune uprofita hunotaura nezvekuuya nokuoneka kwaMesiya, hwo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” uye hwokutongwa kwevakaipa naMwari.—Mateu 24:3; Dhanieri 9:25.

“Varume vakachenjera” vemazuva ano vanosanganisira nyanzvi dzesayenzi, dzezvoupfumi, dzoutano, dzezvematongerwo enyika, dzezvakatipoteredza nedzimwewo, vanoita zvokufungidzira zviitiko zveramangwana. Fungidziro idzodzo dzinonyanya kubudiswa mumaterevhizheni nemapepanhau uye voruzhinji vanovimba nadzo zvakanyanya. Asi idzi dzinongovawo fungidziro zvadzo dzinobva pazvinhu zvinenge zvamboitika uye dzinongovawo pfungwa dzevanhu. Uyewo, vanhu ava pavanotaura maonero avo kazhinji panova nevakawanda vanovapikisa. Nyaya yokufungidzira zvichaitika ine ngozi chaizvo nokuti munhu anogona kugara achingotya.

Kunobva Uprofita Hwechokwadi

Saka uprofita hwechokwadi hunobva kupi uye ndiani angakwanisa kuhududzira? Muapostora Petro akanyora kuti: “Hakuna uprofita hwoRugwaro hunobva chero mukududzirwa kwezvinhu chero kupi zvako kwakazvimirira.” (2 Petro 1:20) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kududzira’ rinoreva “mhinduro, kana kuti kubudisa pachena,” richipa pfungwa “yokusunungura chinhu chinenge chakambosungwa.” Ndokusaka Bhaibheri rinonzi The Amplified New Testament, richishandura mashoko aPetro kuti: “Hakuna uprofita hwoRugwaro hunogona kusunungurwa nemunhu.”

Ita souri kuona nyanzvi yokusunga mapfundo ichisunga pfundo rakaoma kusunungura. Kana pfundo racho rapera, munhu asina ruzivo rwokusunungura mapfundo anogona kuona masungirwo arakaitwa asi asingagoni kurisunungura. Saizvozvowo, vanhu vanogona kuziva zvinhu zvinozokonzera matambudziko akakura asi havanyatsozivi kuti zvinhu zvichaitika sei mune remangwana.

Vaprofita vekare vakafuridzirwa vakaita saDhanieri havana kuongorora zvaiitika panguva yavakararama kuti zvivabatsire kuziva zvaizoitika munguva yemberi. Kudai vaizoedza kududzira remangwana saizvozvo, taizoti uprofita ihwohwo zvinhu zvemumisoro yavo. Saka kwaizova kufungidzira kusingagoni kuvimbwa nako kunoitwa nevanhu. Asi Petro anoenderera achiti: “Uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”—2 Petro 1:21.

‘Kududzira ndekwaMwari’

Makore 3 700 akapfuura, kwaiva nevamwe varume vaviri vaiva mujeri kuIjipiti. Mumwe nomumwe akarota hope dzaishamisa. Sezvo vakanga vasingakwanisi kubvunza varume vakachenjera venyika yacho, vakataurira mumwewo musungwa ainzi Josefa hope dzavo vachiti: “Tarota hope, asi hatina mududziri.” Mushumiri waMwari Josefa akakurudzira varume vacho kuti vataure hope dzavo achiti: “Kududzira hakusi kwaMwari here?” (Genesisi 40:8) Jehovha Mwari chete ndiye anokwanisa kududzira uprofita sezvinongoitwawo nenyanzvi yokusunga mapfundo iyo inogona kusunungura mapfundo anonetsa. Haangambotadzi kuzviita nokuti ndiye akasunga kana kuti akataura uprofita. Zvine musoro kuti tivimbe naye pakududzira zvinorehwa nouprofita hwacho. Saka Josefa aitaura chokwadi paakataura kuti kududzira ndekwaMwari.

Saka ‘kududzira ndekwaMwari’ pakudii? Pane zvakawanda zvinoratidza izvozvo. Humwe uprofita hweBhaibheri hunotaurwa pamwe chete nokuzadzika kwahwo. Saka uhwu huri nyore kunzwisisa sezvakangoitawo mamwe mapfundo anogona kutsanangurwa nenyanzvi kuti anosunungurwa sei.—Genesisi 18:14; 21:2.

Humwe uprofita hunogona kuzivikanwa zvahunoreva kana tikaongorora kuri kubva nyaya nekwairi kuenda. Muprofita Dhanieri akamboratidzwa uprofita hwe‘gondohwe raiva nenyanga mbiri’ rakanga richiwisirwa pasi ne‘nhongo yaiva nemvere’ uyewo “nyanga yainyatsooneka pakati pemaziso ayo.” Nyaya yacho inoratidza kuti gondohwe raiva nenyanga mbiri raimirira “madzimambo eMedhiya nePezhiya” uye nhongo yaimirira “mambo weGirisi.” (Dhanieri 8:3-8, 20-22) Papera makore anopfuura 200 pashure pouprofita uhwu, ‘nyanga huru,’ kureva Alexander Mukuru, akatanga kukunda Pezhiya. Mumwe muongorori wenhoroondo dzekare anonzi Josephus akataura kuti Alexander paairwisa nyika dzaiva pedyo neJerusarema, akaratidzwa uprofita uhwu achibva abvuma kuti hwaitaura nezvake.

Pane zvimwewo zvinoratidza kuti ‘kududzira ndekwaMwari.’ Mushumiri waJehovha Mwari aiva akatendeka Josefa akakwanisa kunzwisisa zvairehwa nehope dzaitemesa musoro dzakarondedzerwa nevamwe vasungwa vaaiva navo mujeri, achibatsirwa nomudzimu mutsvene. (Genesisi 41:38) Vashumiri vaMwari vemazuva ano pavanenge vasinganzwisisi zvinorehwa nohumwe uprofita, vanonyengeterera mudzimu waMwari voshingaira kudzidza Shoko rake rakafuridzirwa. Vachitungamirirwa naMwari, vanogona kuwana mamwe magwaro anojekesa humwe uprofita. Mwari haaiti chishamiso chokuti vanhu vakwanise kududzira uprofita. Achishandisa mudzimu wake uye Shoko rake, anogona kuita kuti uprofita hwacho hujeke. Havadudziri uprofita vachishandisa zvakamboitika kare zvisiri muBhaibheri.—Mabasa 15:12-21.

‘Kududzira ndekwaMwari’ zvekare pakuti ndiye anosarudza kuti vashumiri vake vari pasi pano vanofanira kunzwisisa uprofita hwacho rini. Zvinorehwa nouprofita zvinogona kunzwisiswa zvisati zvazadzika, pazvinenge zvichizadzika kana kuti zvatozadzika. Sezvo Mwari ari iye akaprofita, anoziva nguva yake yaachaita kuti zvinorehwa nouprofita ihwohwo zvizivikanwe.

Panyaya yaJosefa nevamwe vasungwa vaviri, Josefa akadudzira hope dzacho pachine mazuva matatu. (Genesisi 40:13, 19) Josefa paakazomiswa pamberi paFarao kuti adudzire hope dzake, makore manomwe ezvokudya zvizhinji akanga ava kuda kutanga. Achibatsirwa nomudzimu waMwari, Josefa akadudzira hope dzaFarao zvokuti paifanira kuitwa urongwa hwokuzounganidza zvokudya zvizhinji izvozvo.—Genesisi 41:29, 39, 40.

Vashumiri vaMwari vanozonyatsonzwisisa humwe uprofita hwatozadzika. Zvinhu zvakawanda zvakaitika muupenyu hwaJesu zvakanga zvafanoprofitwa pachine mazana emakore asati aberekwa, asi zvakatozonzwisiswa nevadzidzi vake pashure pokunge amutswa. (Pisarema 22:18; 34:20; Johani 19:24, 36) Chokupedzisira, maererano naDhanieri 12:4, humwe uprofita hwaifanira ‘kunamwa kusvikira kunguva yokuguma, zivo yechokwadi payaizowanda.’ Tiri kurarama munguva chaiyo iri kuzadzika uprofita ihwohwo. *

Uprofita hweBhaibheri—Zvahunoreva Kwauri

Josefa naDhanieri vakataurira madzimambo epanguva yavo uprofita hwaiva nechokuita nevanhu uye umambo hwakasiyana-siyana. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakataura vachimiririra Jehovha, Mwari anofanozivisa zvichaitika. Uprofita ihwohwo hwakabatsira chaizvo vanhu vakahuteerera.

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zviri kuzivisa vanhu mashoko ouprofita, kureva mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye zviri kuudza vanhu kuti uprofita hwaJesu hwo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” huri kutozadzika. (Mateu 24:3, 14) Unoziva uprofita ihwohwo here uye zvahunoreva kwauri? Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kukubatsira kuti unzwisise uye kuti ubatsirwe nouprofita uhwu hweBhaibheri hwakakosha zvikuru.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ngano yevaGiriki inoti Gordius uyo akatanga kuita kuti pave neGordium, guta guru rePhrygia, aiva nengoro yakanga yakasungirirwa padanda nepfundo rainetsa kusunungura iro raizogonekwa chete nemunhu aizokunda Asia.

^ ndima 19 Ona nyaya dzinotevedzana dzinokurukura musoro uri pabutiro wokuti “Uprofita hweBhaibheri Hutanhatu Hwauri Kuona Huchizadzika” dziri muNharireyomurindi yaMay 1, 2011.

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Josefa naDhanieri pavaitsanangura uprofita vaiti kududzira ndekwaMwari