Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Kuroora Kana Kuroorwa Ndiko Kunoita Kuti Munhu Afare Here?

Kuroora Kana Kuroorwa Ndiko Kunoita Kuti Munhu Afare Here?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti unofanira kuva muwanano kuti ugutsikane uye ufare here? Pakutanga zvingaita sokuti Shoko raMwari rinotsigira pfungwa iyoyo. Sei tichidaro?

Nhoroondo iri muna Genesisi inoratidza kuti Mwari akaona kuti zvakanga ‘zvisina kunaka’ kuti murume wokutanga Adhamu arambe ari oga. Saka Mwari akasika Evha kuti ave “mukwanisi” waAdhamu. (Genesisi 2:18) Shoko rokuti “mukwanisi” rinoreva chinhu chinozadzisa chimwe.[1] Ndima iyi ingaita kuti tigume tati kana munhu asiri muwanano ane chimwe chaasina. Panewo dzimwe nyaya dziri muBhaibheri dzinopa pfungwa yokuti kuva muwanano kunoita kuti munhu afare uye awane makomborero. Imwe yacho ndeyaRute.

Asi ndima idzi dzinoreva here kuti vaKristu vanganzwa sevasina chimwe chinhu, vangasafara uye havagutsikani kana vasina kupinda muwanano uye kuva nevana? Hatingadaro. Hapana mumwe munhu aigutsikana uye ainakidzwa noupenyu kupfuura Jesu. Asi akaramba asina kuroora kusvikira afa. Jesu akanga akachenjera kupfuura vanhu vose vakamborarama uye ndiye ainyatsoratidza maonero chaiwo anoita Jehovha, “Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11; Johani 14:9) Jesu akataura zvinofanira kuitwa nomunhu kuti afare, kana kuti akomborerwe munyika ino. (Mateu 5:1-12) Pane zvaakataura, hapana nyaya yewanano.

Saka Bhaibheri rinotaura zvinopesana here panyaya iyi? Kana. Patinofunga nyaya yewanano tinofanira kufunga nezvechinangwa chaJehovha. Kunyange zvazvo akaita kuti urongwa hwewanano hufadze, huite kuti vanhu vave pedyo nepedyo, uye vanyaradzane, dzimwe nguva aihuitira kuti azadzise zvaanoda. Somuenzaniso, chinangwa chaMwari kuna Adhamu naEvha chaiva chokuti ‘vaberekane, vawande, vazadze nyika.’ (Genesisi 1:28) Adhamu naEvha vaisagona kuzadzisa chinangwa chaMwari mumwe asipo. Asi vaitofanira kuzviita pamwe chete.

Saizvozvowo, Jehovha aiva nezvinangwa zvinokosha kurudzi rwaIsraeri izvo zvaakazadzisa achishandisa urongwa hwokuroorana uye kuva nemhuri. Aida kuti vanhu vake vawande kuitira kuti vasakurirwa nevavengi vavo. Aivawo nechinangwa chokuti rudzi rwaJudha rubereke Mesiya, uyo aizonunura vanhu vakatendeka pachivi norufu. (Genesisi 49:10) Saka vakadzi vechiIsraeri vakatendeka vaiona kuroorwa uye kubereka vana seropafadzo inokosha. Vaishungurudzika uye zvaivanyadzisa kana vasina.[2]

Ko mazuva ano? Murayiro waMwari wakapiwa makare-kare ‘wokuzadza nyika’ unosungira vaKristu vari kurarama iye zvino panyika izere nevanhu kuti varoorane uye vave nevana here? Aiwa.[3] (Mateu 19:10-12) Uprofita hwaiva nechokuita naMesiya hwakatozadzika, saka hapasisina rudzi kana kuti dzinza raizoberekwa Muponesi iyeye rinofanira kudzivirirwa naMwari. Saka vaKristu vanofanira kuona sei wanano uye kusaroora nokusaroorwa?

Chiripo ndechokuti zvose zvinogona kunzi zvipo zvinobva kuna Mwari. Sezvaunoziva, chipo chakanakira mumwe munhu chingasanakira mumwe. Wanano urongwa hutsvene hunogona kuita kuti pave norudo, ushamwari, uye mhuri yakatsiga. Asiwo Bhaibheri rinotaura kuti vaya vanoroora kana kuroorwa munyika ino ine vanhu vanotadza vachasanganawo nematambudziko, kana kuti “dambudziko munyama yavo.” Mwari haaoni kusaroora uye kusaroorwa sechinhu chinonyadzisa kana kuti chinoshungurudza. Asi Shoko rake rinoti kusava muwanano kune zvakwakanakira kupfuura kuva muwanano.—1 VaKorinde 7:28, 32-35.

Saka Bhaibheri rinotibatsira kuti tive nemaonero akanaka panyaya yewanano uye yokusaroora kana kusaroorwa. Jehovha, uyo akatanga wanano nemhuri, anoda kuti vashumiri vake vose vafare uye vagutsikane, vangava vari muwanano kana kuti vasiri.