Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uori​—Hwapararira Zvakadini?

Uori​—Hwapararira Zvakadini?

“Kambani yedu ine rimwe basa rainoitira hurumende. Kazhinji tinopedza mwedzi miviri kana mitatu tisati tabhadharwa. Asi nguva ichangopfuura iyi ndakafonerwa nemumwe mushandi wehurumende. Akati kana tikamupa chiokomuhomwe aigona kuita kuti tikurumidze kubhadharwa.”—JOHN. *[1]

WAKAMBOITIRWA uori here? Pamwe hauna hako kuitirwa hwakafanana nehwataurwa pamusoro apa, asi panofanira kunge paine zvimwe zvakamboitika kwauri zvakonzerwa nouri.

Sangano rinonzi Transparency International rakaita ongororo yenyika 183 muna 2011 uye rakaona kuti panyika idzi, “zhinji dzacho dzaiva neuori hwakanyanyisa.”[2] Muna 2009, sangano iri rakanga raita imwe ongororo yakabudisa kuti uori hwakapararira chaizvo. Ongororo iyi inobudiswa gore negore yakati: “Zviri pachena kuti munyika yose hapana kusina dambudziko rouori.”[3]

“Uori kushandisa zvisizvo simba raunaro kuti ugutse dumbu rako. Hunorwadza vaya vanenge vachivimba newe vachitotiwo basa rako ndiro rinoita kuti vawane chouviri kana kuti mufaro muupenyu.”—TRANSPARENCY INTERNATIONAL[6]

Pamwe pacho uori hunogona kutourayisa. Somuenzaniso, magazini inonzi Time yakati “uori nokushaya hanya” ndizvo zvimwe zvakaita kuti pafe vanhu vakawanda chaizvo pakadengenyeka nyika yeHaiti muna 2010. Yakatiwo: “Zvivako  zvacho zvinongovakwa pasina mainjiniya uye vashandi vehurumende vanoongorora zvivako izvi vanopiwa chiokomuhomwe.”[5]

Pane chichapedza zvachose dambudziko rouori here? Kuti tipindure mubvunzo uyu tinofanira kutanga taziva zvacho zvinombokonzera uori. Tichazvikurukura munyaya inotevera.

^ ndima 2 Zita rakachinjwa.