Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvandinodzidza muBhaibheri

 MAKORE 3 ZVICHIDZIKA

Zvandinodzidza muBhaibheri

Kunze kuri kunaya.

“Hazviiti kuti ndibude panze.

Nei mvura isingamiri kunaya?”

Tadiwa anoshevedzera achinetseka.

Asi anoshamisika!

Zuva rinovheneka.

Mvura haichanayi.

Tadiwa anofara!

Tadiwa anomhanyira panze,

uye anoshamiswa nezvaanoona.

Tadiwa anoti,

“Ndanga ndisingazivi

kuti mvura inobva kuna Mwari

inoita kuti maruva akure!”

MIRAYIRIDZO KUVABEREKI

Kumbirai mwana wenyu kuti anongedze:

  • Hwindo
  • Tadiwa
  • Maruva
  • Shiri
  • Muti

Tsvagai zvinhu zvisiri nyore kuona.

  • Kapukanana
  • Ndege

Verenga Mabasa 14:17. Nei Jehovha akasika mvura?