Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri​—⁠Mufudzi

Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri​—⁠Mufudzi

“Achafudza makwai ake sezvinoita mufudzi. Achaunganidza makwayana noruoko rwake; uye achaatakura pachipfuva chake.”—ISAYA 40:11.

VAFUDZI vanotaurwa nezvavo kakawanda muBhaibheri, kubva mubhuku rokutanga raGenesisi kusvikira kune rokupedzisira raZvakazarurwa. (Genesisi 4:2; Zvakazarurwa 12:5) Varume vanonyanya kuzivikanwa vakadai saAbrahamu, Mosesi naMambo Dhavhidhi vaiva vafudzi. Munyori wepisarema Dhavhidhi akarondedzera zvakanaka chaizvo basa romufudzi akanaka nezvimwe zvaaifanira kuita. Uyewo pisarema rinorondedzerwa serakanyorwa naAsafi rinotaura nezvaDhavhidhi somufudzi wevanhu vaMwari vomunguva yekare.—Pisarema 78:70-72.

Jesu paaiva pasi pano, basa rokufudza rakanga richiri kukosheswa chaizvo. Jesu akazviti aiva “mufudzi akanaka kwazvo” uye kakawanda aitaura nezveunhu hwomufudzi akanaka kuti adzidzise zvidzidzo zvinokosha. (Johani 10:2-4, 11) Jehovha Mwari Wemasimbaose anofananidzwawo ne“mufudzi.”—Isaya 40:10, 11; Pisarema 23:1-4.

Mufudzi aifudza mhuka dzipi? Ndezvipi zvimwe zvaaiita? Uye tingadzidzei pavanhu ava vaishanda nesimba?

Makwai Nembudzi

Zvinofungidzirwa kuti vafudzi vomuIsraeri yekare vaifudza makwai akasiyana-siyana kusanganisira erudzi rwokuSyria ayo ane mvere dzakawanda nemazimiswe akakora [Ovis laticaudata]. Makondohwe erudzi urwu ane nyanga asi nhunzvi dzacho hadzina. Makwai aya haanetsi kufudza uye ari nyore kubatwa nezvikara kana kukuvadzwa.

 Vafudzi vaifudzawo mbudzi. Mbudzi dzacho dzose dzaiva noruvara rutema kana kuti rwakatsvukuruka. Zvaiva nyore chaizvo kuti dzikuvadzwe nzeve dzadzo refu idzo dzaigara dzichitambiswa-tambiswa sezvadzaikwira mujinga megomo dzichifura mashizha emiti yeminzwa.

Mufudzi aigara achiita basa rakaoma rokudzidzisa makwai nembudzi kuti zvimuteerere. Kunyange zvakadaro, vafudzi vakanaka vaiva nemwoyo murefu uye vainyatsotarisira zvipfuwo zvavo, vachitozvipa mazita azvaiziva.—Johani 10:14, 16.

Zvaiitwa Nomufudzi Paichinja Mwaka

Munguva yaiva pakati pechando nechirimo, zuva nezuva mufudzi aigona kuvhura zvipfuwo zvake mudanga raiva pedyo nemusha, oenda nazvo kumafuro aiva pedyo aiva neuswa hwakanga huchangotungira. Mwaka uyu ndiwo waibereka makwai nembudzi zvichiita kuti boka racho rikure. Panguva iyi ndipowo paiitwa basa rokuveura mvere dzemakwai uye iyi yaiva nguva inofadza zvikuru.

Munhu aigona kungova nemakwai mashoma. Saka aigona kutsvaka mufudzi wemaricho uyo aizobatanidza makwai acho nemamwe aaifudza. Vafudzi vemaricho vaizivikanwa nokusabata zvakanaka zvipfuwo zvevamwe asi zvavo vachizvibata zvakanaka.—Johani 10:12, 13.

Kana minda yaiva pedyo yakohwewa, mufudzi aigona kupinza makwai ake imomo kuti afure nhungirwa uye zvirimwa zvainge zvasarira pamashanga. Mumwaka wechirimo, vafudzi vaienda nezvipfuwo zvavo kumafuro aitonhorera aiva munzvimbo dzakakwirira. Vaipedza mwaka uyu vari kunze nezvipfuwo zvavo vachirara musango, zvipfuwo zvavo zvichifura mumawere ane mafuro akasvibira. Vaipedza usiku hwose vakarinda mapoka avo ezvipfuwo. Dzimwe nguva mufudzi aigona kuvharira zvipfuwo zvake mubako usiku kuitira kuti zvisadyiwa nemakava nemapere. Kana bere rikarira usiku zvokuti makwai aivhunduka, mufudzi aitaura nemakwai ake zvinyoro-nyoro kuitira kuti asatiza.

Manheru oga oga mufudzi aiverenga makwai ake uye aitarisa kana pane rinorwara. Kana ava mangwanani, aiashevedza uye iwo aibva amutevera kumafuro. (Johani 10:3, 4) Kana ava masikati, vafudzi vaienda kunoanwisa mvura kumadziva aiva nemvura inotonhorera. Kana madziva apwa, vaienda kunoacherera mvura kumatsime.

Kana chirimo chava kunopera, mufudzi aigona kuenda nemakwai ake mumipata uye munzvimbo dziri pedyo negungwa. Kana mvura yomuchando yatanga, mufudzi aidzokera kumba nemakwai ake kuti nguva yechando ipere  achiavharira mudanga. Izvi aizviitira kuti makwai asafa nechando nemvura yakasimba uye chimvuramabwe. Kubva muna November kusvika munguva iri pakati pechando nechirimo, vafudzi vakanga vasingarari kumafuro vachifudza makwai.

Zvaaishandisa Pabasa

Mufudzi aipfeka zvinhu zvisiri zvemaoresa asi zvakasimba. Aigona kupfeka jasi rakagadzirwa nedehwe remakwai raiva nemvere mukati kuti asanayiwa nemvura uye kuti asarohwa nechando usiku. Mukati ainge akapfeka nguo isina maoko. Aipfekawo hwashu mumakumbo kuitira kuti asachekwa nematombo kana kubayiwa neminzwa uye aimonera musoro wake nemucheka wakagadzirwa neshinda.

Mufudzi aiwanzoshandisa midziyo inotevera: Nhava kana kuti bhegi redehwe raiiswa zvokudya zvakadai sechingwa, maorivhi, michero yakaomeswa uye mukaka wakakora; tsvimbo yaaishandisa sechombo, yaigona kureba mita imwe chete uye kwainoperera kwainge kwakakora, kuine dombo rakapinza; banga; mudonzvo, uyo waishandiswa nemufudzi pakufamba uye pakukwira makomo; mudziyo wokuisira mvura; mudziyo wakagadzirwa nedehwe waigona kupetwa waaishandisa kuchera mvura mumatsime akadzika; chipfuramabwe chaaishandisa kupotsera matombo kumakwai nembudzi zvainge zvava kubuda muboka kuti zvidzoke uye kudzinga mhuka dzesango dzainyangira zvipfuwo; uye tsanga inonziwo mutopota iyo yaairidza kuti azvivaraidze uye adzikamise makwai.

Basa rose raiitwa nevafudzi raizoitawo kuti vawane zvinhu zvakadai semukaka nenyama. Mvere nematehwe zvaigadziriswa zvipfeko nehombodo uye zvaishandiswawo pakutenga zvimwe zvinhu. Mvere dzembudzi dzaikoswa kuita mucheka uye zvose makwai nembudzi zvaishandiswa sezvibayiro.

Muenzaniso Wokutevedzera

Vafudzi vakanaka vaishanda nesimba, vaigona kuvimbwa navo uye vaiva noushingi. Vaitoisa upenyu hwavo pangozi kuti vadzivirire makwai.—1 Samueri 17:34-36.

Saka hazvishamisi kuti Jesu nevadzidzi vake vakataura nezvemufudzi somuenzaniso wokuti vatariri vechiKristu vatevedzere. (Johani 21:15-17; Mabasa 20:28) Sezvaingoitwa nemufudzi womunguva dzinotaurwa muBhaibheri, vakuru vari muungano vanoedza chaizvo ‘kufudza boka raMwari ravanotarisira, vasingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; vasingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose.’—1 Petro 5:2.