Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudo Nemufaro Zvinowanikwa Here Panguva yeKrisimasi?

Rudo Nemufaro Zvinowanikwa Here Panguva yeKrisimasi?

“Zviri nyore kuerekana wava kumhanya-mhanya uchigadzirira mazororo. Zvinhu zvinoitwa panguva yezororo unopedzisira wava kuzviita kuti zvingopfuurawo uye hauwani nguva yakawanda yokuva nehama neshamwari nokuti unenge uine zvakawanda zvokuita. Pane kuti tifare sezvatinenge tichida, dzimwe nguva tinopedzisira pfungwa dzava kupishana.”—BRAD HENRY AIMBOVA GAVHUNA WEOKLAHOMA [U.S.A.], 23 DECEMBER 2008.

NGUVA yeKrisimasi painenge yava kusvika, nziyo, mafirimu nezvirongwa zvepaTV zvinoita kuti vanhu vafare uye vave nemanyukunyuku. Unofunga kuti chii chinonyanya kuita kuti vanhu vanzwe saizvozvo? Kuti kungava

  • Kuyeuka Jesu here?
  • Kunakidzwa nokupa vamwe zvipo here?
  • Kubatsira vanotambura here?
  • Kuwana nguva yokuva nehama here?
  • Kubatsira kuita kuti pave norugare here?

Sezvakataurwa naGavhuna Henry ane mashoko ari kuruboshwe, vakawanda vanopemberera Krisimasi havabudiriri kuita zvavanenge vachida zvataurwa pamusoro apa. Kazhinji panguva yeKrisimasi vanhu vanopedzisira vanyura mune zvokutengeserana, vanova nezvakawandisa zvokuita uye vanoguma vava kunetseka. Zvingaitika here kuti rudo nomufaro zvinotarisirwa nevanhu paKrisimasi zvivanzvenge?

Bhaibheri rinotikurudzira tose kuti tiyeuke Jesu Kristu, tive nerupo, tibatsire vanotambura uye tiwane nguva yokuva nevomumhuri medu. Rinotidzidzisawo zvatingaita kuti tigarisane nevamwe. Saka pane kutsanangura kuti sei vamwe vasingapembereri Krisimasi, * nyaya dzino dzinotaura nezvemusoro uri pakavha dzichakurukura mibvunzo inotevera:

  • Vamwe vanofunga kuti chii chinofanira kuita kuti vanhu vapemberere Krisimasi?
  • Sei vachitadza kubudirira kuita zvavanenge vachida panguva yeKrisimasi?
  • Ipfungwa dzipi dziri muBhaibheri dzakabatsira mamiriyoni evanhu kuti vawane chimwe chinhu chiri nani kupfuura Krisimasi?

^ ndima 10 Kana uchida kuona zvikonzero zviri muBhaibheri zvinoita kuti vamwe vasapemberera Krisimasi, ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti—Nei Vamwe Vanhu Vasingapembereri Krisimasi?”