Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unodavira Kuti Wakamborarama Kare Usati Waberekwa Here?

Unodavira Kuti Wakamborarama Kare Usati Waberekwa Here?

“Nyaya yokuti vanhu vanoraramazve kana vafa ndeyechokwadi, uye ichokwadi kuti vanhu vari kurarama iye zvino vakambofa ndokuzoberekwazve uye kuti mweya yevakafa iriko.”—PLATO, MUZIVI WECHIGIRIKI AKARARAMA MAKORE ANENGE 2 500 AKAPFUURA, ACHITAURA MASHOKO ASOCRATES.

“Mweya zvausiri muviri uye zvausingakwanisi kurarama wega usiri mumuviri, unogona kurarama mumiviri yakasiyana-siyana uchibuda mune mumwe uchienda mune mumwe.”—GIORDANO BRUNO, MUZIVI WOKUITALY, AKARARAMA KUMA1600.

“Hapana chinofa: vanhu vanoita sevakafa asi pane chimwe chiri mavari chinoramba chichirarama . . . vanenge vatori vapenyu, vakagwinya uye vava nemumwe muviri watisingazivi.”—RALPH WALDO EMERSON, MUNYORI WENHETEMBO WOKUAMERICA AKARARAMA KUMA1900.

WAKAMBOZVIBVUNZA here kuti umbori ani chaizvo? Wakambofungidzira here kuti wakamborarama kare usati waberekwa? Kana zvakadaro, hausi wega. Kubvira makare-kare, vanhu vakasiyana-siyana vakambozvibvunzawo mibvunzo yakadaro. Pavaitsvaga mhinduro, vamwe vakatanga kudavira dzidziso yokutama-tama kwemweya. Iyi idzidziso yokuti kana munhu afa, “mweya” usingaoneki unobuda mumuviri woberekwazve mune mumwe muviri, ungava wemunhu, wemhuka kana chirimwa chaicho, uye zvinogona kuramba zvichingoitika.

 Kunyange zvazvo vamwe vangadavira kuti izvozvo ndizvo zvinoitika, tingaziva sei kana zviri zvechokwadi? Shoko raMwari Bhaibheri rinotii? Kutanga, tinofanira kubvunza kuti, Dzidziso yacho yakambobva kupi?

Dzidziso Yokutama-tama Kwemweya Yakabva Kupi?

Vanyori venhoroondo nevanamuzvinadzidzo vanoti, vagari vemuBhabhironi yekare, guta rakavakwa makore anodarika 4 000 akapfuura, ndivo vakatanga kudavira kuti mweya haufi. “Vaongorori vezvechitendero vekuBhabhironi vaiva nezvakawanda zvavaifungidzira” nezvekusafa kwemweya, akadaro Morris Jastrow, Jr., mubhuku rake rinonzi The Religion of Babylonia and Assyria. Akatsanangura kuti vaBhabhironi vaidavira kuti, “rufu rwaiendesa munhu kune humwe upenyu. Hapana mubvunzo kuti vakatanga kudzidzisa nezvekusafa kwemweya nekuti vakanga vasingadaviri kuti munhu anenge asisipo kana afa.”

Kubvira ipapo, dzidziso dzokuti mweya unotama-tama uye unoberekwazve dzakatanga kudavirwawo mune dzimwe nyika. Vazivi vokuIndia vakatangawo dzidziso yokuti mararamiro anoita munhu ndiwo anotema kuti achava nemuviri wakaita sei pashure pekufa. Vazivi vechiGiriki vakakurumbira vakatanga kudavirawo kuti mweya unotama-tama, zvikazoita kuti ruzhinji ruzvidavirewo.

Mazuva ano, vanhu vakawanda vari munyika dzekuEurope neAmerica vava kufarira dzidziso yokutama-tama kwemweya. Vanhu vakakurumbira uye vechiduku vava kunyanya kufarira dzidziso netsika dzezvitendero zvokuAsia. Kwava nemabhuku akawanda uye nzvimbo dzepaIndaneti dzakawanda dzinotsanangura nezveupenyu hunodavirwa nevanhu kuti vakararama kare vasati vaberekwazve. Munyika dzakawanda mava kukurumbira inonzi past-life therapy. Munhu anoitwa kuti aite seakarara asi achigona kuona nekutaura, obva atanga kutaura zvavanoti ndizvo zvaiitika paupenyu hwaakamborarama asati aberekwazve kuti vaedze kunzwisisa utano uye unhu hwaava nahwo iye zvino.

Dzidziso Yacho Ndeyechokwadi Here?

Kunyange zvazvo vanhu vave vachidavira dzidziso yacho kubvira makare-kare, tinofanira kuwana mhinduro yemubvunzo unokosha chaizvo wokuti, Ndeyechokwadi here? Uyewo vaKristu vangada kuziva kana dzidziso yokutama-tama kwemweya ichienderana nezvavanotenda zviri muBhaibheri. (Johani 17:17) Sezvo Musiki wedu Jehovha Mwari ari iye Mupi woupenyu uye “Muzivisi wezvinhu zvakavanzika,” anozivisa zvinhu zvine chokuita noupenyu nerufu zvisingazivikanwi nevanhu. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Shoko rake Bhaibheri rinotaura chokwadi nezvenyaya yacho.—Dhanieri 2:28; Mabasa 17:28.

Kana tikanyatsodzidza Bhaibheri, tichawana zvinotaurwa naMwari kuti ndizvo zvinoitika kana tafa. Somuenzaniso, pana Genesisi 3:19, tinoona mashoko akataurwa naMwari kuna Adhamu naEvha pavasina kumuteerera. Mwari akati: “Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” Adhamu akaumbwa nevhu. Paakafa, akadzokera kuvhu. Mwari akataura zviri nyore kunzwisisa panyaya yacho. Saka munhu paanofa haaberekwi patsva semumwe munhu asi anenge asisipo. * Rufu noupenyu zvakasiyana zvachose kungofanana nokusiyana kwakaita kupisa nokutonhora, kuoma nokutota uye chiedza nerima. Vakafa havasisipo! Haufungi here kuti izvi zviri nyore kunzwisisa uye zvine musoro?

Saka panofanira kuva nezvikonzero zvinoita kuti vamwe vanhu vafunge kuti vakamborarama vasati vaberekwazve. Vanhu havasati vava kunyatsonzwisisa kushanda kunoita pfungwa dzevanhu kunosanganisira zvimwe zvinhu zvavanoita vakavarairwa uye zvimwe zvinokonzerwa nemishonga yavanoshandisa pakurapwa kana kuti nezviitiko zvinotyisa zvakaitika kwavari. Zviroto uye zviitiko zvokufungidzira zvinobva pane zvakawanda zviri mupfungwa  dzedu zvinogona kuita sezvinhu chaizvo zvakaitika. Dzimwe nguva madhimoni anoita kuti pave nezviitiko zvisinganzwisisiki zvobva zvaita kuti zvinhu zvenhema zviite sezvechokwadi.—1 Samueri 28:7-19.

Zviri muropa kuti vanhu vade kurarama uye kuziva ramangwana. Asi chido ichocho chakabva kupi? Bhaibheri rinotaura nezveMusiki richiti: “Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo [mevanhu].” (Muparidzi 3:11) Ndokusaka vanhu vaine chido chokurarama nokusingaperi.

Kana Musiki, Jehovha Mwari akaisa chido chokurarama nokusingaperi mumwoyo yevanhu, zvine musoro kuti aizotsanangurawo kuti chido chacho chaizozadziswa sei. Bhaibheri rinotaura nezvechinangwa choMusiki chokukomborera vanhu vanoteerera nokuvapa upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Munyori akafuridzirwa wemapisarema, Mambo Dhavhidhi akati: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Imwe dzidziso yemuBhaibheri inokosha chaizvo pakuzadzika kwechinangwa ichi chaMwari ndeyekumutswa kwevakafa.—Mabasa 24:15; 1 VaKorinde 15:16-19.

Kumuka Kwevakafa Itariro Yechokwadi

MuBhaibheri mune nyaya dzinotaura nezvevanhu vasere vakanga vafa ndokumutswa kuti vararame pasi pano uye vamwe vanhu vakatozviona zvichiitika. * Vanhu ava havana kuberekwazve asi vakamutswa kuvakafa. Hama neshamwari dzevanhu vakanga vafa ndokumutswa dzaitobva dzaziva munhu wacho ainge amutswa. Hapana panombonzi hama dzemufi dzakatsvaga pavacheche vachangozvarwa kuti dzione kana mumwe wavo aiva mweya wehama yavo yakafa ndokuberekwazve.—Johani 11:43-45.

Zvinonyaradza chaizvo kuti Shoko raMwari rinoratidza kuti vanhu vazhinji vakafa vachamutsirwa kuupenyu munyika itsva yaMwari, iyo ichatsiva nyika yakaipa iripo iye zvino. (2 Petro 3:13, 14) Iye zvino, Jehovha Mwari uyo asingakanganwi uye anoyeuka kunyange mazita enyeredzi dzose, anoyeuka mabhiriyoni evanhu vakafa. (Pisarema 147:4; Zvakazarurwa 20:13) Munyika yake itsva achamutsa vanhu vakararama nguva dzakasiyana-siyana uye vachaziva kwakabva madzinza avo, voziva madzitateguru avo. Iyoyo itariro inofadza chaizvo!

^ ndima 13 Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 6 chinoti, “Vakafa Vari Kupi?” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 18 Nyaya dzevanhu vasere vari muBhaibheri vakamutswa dzinowanika pana 1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21; Ruka 7:11-17; 8:40-56; Johani 11:38-44; Mabasa 9:36-42; 20:7-12. Paunenge uchiverenga nyaya dzacho, ona kuti vanhu vacho vaimutswa vamwe vanhu vachitozviona. Nyaya yechipfumbamwe inotaura nezvekumutswa kwaJesu Kristu.—Johani 20:1-18.