Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaiva Neunhu Hwakashata”

“Ndaiva Neunhu Hwakashata”
  • GORE ROKUBEREKWA: 1960
  • NYIKA: FINLAND
  • NHOROONDO YOUPENYU: MUIMBI WEMUSAMBO WEHEAVY-METAL

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakakurira muguta rine chiteshi chezvikepe reTurku rinogarwa nevarombo. Baba vangu vaiva shasha yetsiva uye ini nemunin’ina wangu takanga tanyurawo munezvetsiva. Ndaigara ndichirwa kuchikoro. Ndava mumakore okuyaruka, ndakabatana nechikwata chevana vaiva ndururani uye izvi zvakaita kuti nditowedzera kuita zvokurwa. Apa ndipo pandakaziva nezvemusambo weheavy-metal uye ndaida chaizvo kuzova muimbi ane mukurumbira wemusambo werock.

Ndakatenga ngoma ndichibva ndaumba bhendi uye pasina nguva ndakanga ndava muimbi mukuru webhendi redu. Ndaifarira kuita zvokupengereka patainge tichiridza pamberi pevanhu. Bhendi redu raiva nemoto muzhinji saka pasina nguva takanga tava kufarirwa nevanhu vakawanda. Takatanga kuridza pamberi pevanhu vakawanda. Takarekodha nziyo shoma uye yatakapedzisira kurekodha yakafarirwa chaizvo nevanhu. Mukupera kwema1980 takaenda kunoridzira kuUnited States tichitsvaka vatsigiri. Takaita mashoo mashoma muNew York nemuLos Angeles uye takawana mukana wokutaura nedzimwe nyanzvi dzinoita zvemimhanzi tisati tadzokera kuFinland.

Kunyange zvazvo ndainakidzwa nokuva mubhendi, ndainzwa sokuti upenyu hwangu hahuna chinangwa. Ndakazosvika pakusafarira zvaiitwa nevanhu vaiita zvokuimba nekuti vainyanya kuita zvemakwikwi. Ndakatangawo kuvenga mararamiro akaipa andaiita. Ndaizviona ndiri munhu akaipa uye ndaitya kunotsva kugehena. Ndakaedza kutsvaka rubatsiro mumabhuku akasiyana-siyana ezvitendero. Ndakanyengeterawo nomwoyo wose kuna Mwari kuti andibatsire kunyange zvazvo ndaiona sokuti handingambomufadzi.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Ndaishanda pahofisi yeposvo yekwandaigara kuti ndiwane chokurarama nacho. Rimwe zuva, ndakaziva kuti mumwe murume wandaishanda naye aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakamunaya nemibvunzo. Mhinduro dzake dzemuMagwaro dzine musoro dzakaita kuti ndide kuziva zvakawanda zvokuti ndakabvuma kuti adzidze neni Bhaibheri. Mavhiki mashomanana ndatanga kudzidza Bhaibheri, bhendi rangu rakapiwa mukana waitora mwoyo wokuti tirekodhe, izvo zvaizogona  kuita kuti tibudise dambarefu kuUnited States. Ndakaona uyu uri mukana wandaisazombofa ndakawana zvakare.

Ndakaudza Chapupu chaindidzidzisa Bhaibheri kuti ndaida kungotsikisa rimwe dambarefu ndobva ndazotanga kushandisa mazano omuBhaibheri muupenyu hwangu. Haana kundiudza zvaaifunga asi akangondikumbira kuti ndiverenge mashoko aJesu ari pana Mateu 6:24. Rugwaro rwacho runoti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri.” Ndakashaya neromuromo pandakaziva zvinorehwa nemashoko iwayo. Asi pashure pemazuva mashoma, aindidzidzisa Bhaibheri akazoshamisikawo! Ndakamuudza kuti ndakasiya zvebhendi sezvo ndakanga ndava kuda kutevera Jesu!

Bhaibheri raiita segirazi raindiratidza zvandaifanira kugadzirisa. (Jakobho 1:22-25) Ndakaona kuti ndaiva neunhu hwakashata: ndaizvikudza uye ndaida chaizvo kuva nomukurumbira. Ndaishandisa mashoko ekutuka, ndairwa, ndaisvuta uye ndaidutira doro. Pandakaona kuti mararamiro angu aipesana nezvinotaurwa neBhaibheri, ndakaona sokuti ndaisazombofa ndakabudirira. Asi ndakanga ndazvipira kuchinja mararamiro angu.—VaEfeso 4:22-24.

“Baba vedu vokudenga vane ngoni uye vanoda kurapa maronda evaya vanopfidza zvivi zvavo”

Pakutanga ndainetseka zvikuru pamusana pezvakaipa zvandaimboita. Asi Chapupu chaindidzidzisa chakandibatsira zvikuru. Akandiratidza zvinotaurwa neBhaibheri pana Isaya 1:18 kuti: “Kunyange zvivi zvenyu zvikava somucheka wakati piriviri, zvichacheneswa sechando.” Pandakaverenga rugwaro urwu nemamwewo, ndakava nechivimbo chokuti Baba vedu vokudenga vane ngoni uye vanoda kurapa maronda evaya vanopfidza zvivi zvavo.

Pandakazonyatsoziva Jehovha uye kumuda, ndakabva ndada kuzvitsaurira kwaari. (Pisarema 40:8) Ndakabhabhatidzwa muna 1992 pagungano remarudzi reZvapupu zvaJehovha rakaitirwa muSt. Petersburg, kuRussia.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Ndava neshamwari dzakanaka dzakawanda pakati pevanamati vaJehovha. Nguva nenguva tinoungana tichiridza nziyo dzakanaka tichinakidzwa nechipo ichi chemimhanzi chinobva kuna Mwari. (Jakobho 1:17) Chikomborero chinokosha chandakawana ndechemudzimai wangu wandinoda chaizvo, Kristina. Ndinomuudza zvinhu zvakawanda, zvakadai sezvinondifadza nezvinondinetsa uyewo zviri kutsi kwemwoyo wangu.

Dai ndisina kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha pamwe ndingadai ndakafa. Kare ndaigara ndichizvipinza muna taisireva asi iye zvino ndava neupenyu hunofadza nohunogutsa uye zvinhu zvava kundifambira zvakanaka.