Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA: UNOGONA KUFARA UYE KUGUTSIKANA MUUPENYU

Zvinonyatsoita Here Kuva Neupenyu Hunofadza Uye Hunogutsa?

Zvinonyatsoita Here Kuva Neupenyu Hunofadza Uye Hunogutsa?

“Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa.”—Pisarema 90:10, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

MASHOKO aya ndeechokwadi! Upenyu hwedu munyika ino hwakazara ne“nhamo nokusuwa.” Pamwe wakambonetseka kuti, ‘Zvinoita here kuva neupenyu hunofadza uye hunogutsa iye zvino?’

Chimbofunga nezvaMaria. Aishanda nesimba chaizvo paakanga achakasimba, asi iye zvino paava nemakore 84 haachagoni kufamba. Pfungwa dzake dzichiri kushanda zvakanaka asi muviri wake hauchakwanisi. Angakwanisa sei kufara uye kugutsikana neupenyu hwakadaro?

Ko iwewo? Ungadaro wakambozvibvunza kana upenyu hwako huine kwahwakananga. Basa rako ringadaro richikufinha uye richikunetesa. Zvingaita sokuti hapana kana ari kumboonawo kuti uri kushanda nesimba. Kunyange kana zvinhu zvichiita sezviri kukufambira zvakanaka iye zvino, unganetseka kuti remangwana rako richange rakamira sei? Dzimwe nguva unganzwa sokuti hauna shamwari kana kuti ungaora mwoyo zvikuru. Zvingadarowo kuti mumhuri menyu munogara muchinetsana uye muchikakavadzana. Pamwe wakafirwa nemunhu wawaida zvikuru. Mumwe murume anonzi André aiva tsika nditsikewo nababa vake avo vakangoerekana varwara ndokufa. André akabayiwa panyama nhete zvokuti akaona sokuti asara nevende risingavhariki zvachose.

Pasinei nenhamo yatingasangana nayo, tinoda chaizvo kuziva kuti zvinonyatsoita here kuva neupenyu hunofadza uye hunogutsa? Tinogona kuwana mhinduro kuna Jesu Kristu, murume akararama panyika pano makore anenge 2 000 akapfuura. Pasinei nezvipingamupinyi zvose zvaakasangana nazvo, Jesu aifara uye aigutsikana muupenyu. Nesuwo tichadaro kana tikamutevedzera.