Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Nei vanhu vaipara mhosva vaityorwa makumbo pavaiurayiwa?

Ichitaura nezvekurovererwa kwaJesu uye makororo maviri pamatanda okutambudzikira, nhoroondo yeEvhangeri inoti: “VaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe, mitumbi yobviswa.”—Johani 19:31.

Mutemo wechiJudha waiti mutumbi wemunhu aiurayiwa pashure pokunge apara mhosva woturikwa padanda ‘waisafanira kurara usiku hwose uri padanda.’ (Dheuteronomio 21:22, 23) VaJudha vanofanira kunge vaishandisa mutemo wakafanana kune vaya vaiurayirwa padanda nevaRoma. Saka kutyora makumbo evarume vacho kwaizoita kuti vakurumidze kufa, zvoita kuti vagone kuvigwa zuva risati ranyura paitanga Sabata.

Kakawanda, paiurayiwa vanhu nenzira iyoyo, munhu wacho anenge atongerwa rufu airovererwa padanda nezvipikiri zvaiboora maoko uye makumbo. Danda racho paraisimudzwa, aizosara akarembera achirwadziwa chaizvo, muviri wake wose wakangobata nezvipikiri izvozvo. Kuti akwanise kufema, aitofanira kuedza kuzvisimudza achitsimbirira zvipikiri zvekutsoka. Asi kana makumbo achinge atyorwa, aizotadza kuita izvozvo. Aizokurumidza kufa nemhaka yekutadza kufema zvakanaka kana kuti kusafamba zvakanaka kweropa.

Zvipfuramabwe zvaishandiswa sei muhondo dzekare?

Chipfuramabwe ndicho chombo chakashandiswa naDhavhidhi kuuraya hofori yainzi Goriyati. Dhavhidhi anofanira kunge akadzidzira kushandisa chombo chacho paaiva mufudzi.1 Samueri 17:40-50.

Chivezwa chinoratidza vaAsiriya vaishandisa zvipfuramabwe vachirwisa guta revaJudha rakavakirirwa

Chipfuramabwe chinowanika pamifananidzo yevaIjipiti neyevaAsiriya vemunguva inotaurwa muBhaibheri. Chombo chacho chaiva nehomwe yedehwe kana kuti yejira yainge yakavhurika yaisungirirwa tambo mbiri. Munhu aipfura nacho aiisa muhomwe yacho dombo rakaita hurungudo rakakura kunge orenji duku richirema magiramu anenge 250. Aizotenderedza chipfuramabwe chacho obva aregedza tambo imwe chete, zvoita kuti dombo racho riende nesimba chaizvo rakananga pachinhu chaaida kupfura.

Pane matombo akawanda aishandiswa pakupfura nezvipfuramabwe zvemuhondo dzekare akawanikwa paicherwa matongo kuMiddle East. Varwi vaiva neunyanzvi vaigona kupfura matombo aimhanya makiromita 160 kusvika 240 paawa. Nyanzvi hadzibvumirani nokuti chipfuramabwe chinogona kupfura sezvinoita uta, asi chinogona kutouraya.—Vatongi 20:16.