Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MUGUMO WAVA PEDYO HERE?

Vakawanda Vachapona Pamugumo—Newewo Unogona Kupona

Vakawanda Vachapona Pamugumo—Newewo Unogona Kupona

Bhaibheri rinotiudza kuti mugumo uchasanganisirawo kuparadzwa kwevanhu. Rinoti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino . . . Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa.” (Mateu 24:21, 22) Asi Mwari anotivimbisa kuti vanhu vakawanda vachapona. Shoko rake rinoti: “Nyika iri kupfuura . . . , asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

Chii chaunofanira kuita kana uchida kupona pachapfuura nyika ino uye kana uchida ‘kuramba uripo nekusingaperi’? Unofanira here kutanga kuunganidza zvaungazoshandisa kana kuti zvimwewo zvaunoda muupenyu? Kwete. Bhaibheri rinotinyevera zvakasimba kuti tigadzirire zvimwe zvakasiyana naizvozvo. Tinoverenga kuti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.” (2 Petro 3:10-12) Mamwe mavhesi ari muchitsauko ichi anoratidza kuti “zvinhu zvose” zvanzi zvichanyungudutswa, zvinosanganisira utongi hwese huri panyika, uye vose vanohutsigira vachiramba utongi hwaMwari. Saka zviri pachena kuti kuzviunganidzira zvinhu zvekushandisa muupenyu hakusiriko kuchatiponesa pakuparadzwa kuri kuuya.

Kuti tiponeswe, tinofanira kuzvipira kuna Jehovha Mwari uye kudzidza kuti ndezvipi zvatinofanira kuita kuti timufadze. (Zefaniya 2:3) Pane kungotevedzera vanhu vakawanda avo vanoramba uchapupu huri pachena hwekuti tava pedyo nemugumo, tinofanira ‘kuramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.’ Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukuratidza kubva muBhaibheri zvaunofanira kuita kuti uponeswe pazuva iri riri kuuya.