Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Mwari Anoona Sei Hondo?

Mwari Anoona Sei Hondo?

Ungapindura sei mubvunzo uyu? Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari anoda kuti vanhu varwe hondo. Vanoti Mwari akamboudza vamwe vanhu vaimunamata munguva dzekare kuti varwe hondo; uye ndizvowo zvinotaurwa neBhaibheri. Asi vamwewo vanonzwisisa kuti Mwanakomana waMwari Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vade vavengi vavo. (Mateu 5:43, 44) Saka vanoti Mwari akazochinja maonero aanoita hondo uye kuti mazuva ano haachatenderi vanhu kurwa hondo.

Unofungei? Mwari anoda kuti vanhu varwe hondo here? Kana zvakadaro anotsigira ani muhondo dziriko mazuva ano? Kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi, kuchakubatsira kuongorora maonero ako nemafungiro ako panyaya yehondo. Somuenzaniso, kana ukaziva kuti Mwari anoda kuti vanhu varwe hondo uye kuti ari kutsigira divi rako muhondo, zvichida waizofara kuti maonero ako panyaya yehondo akanaka, wova nechivimbo chokuti masoja enyu achakunda muhondo. Ukuwo waizonzwa sei kana ukaziva kuti Mwari ari kutsigira vavengi vako muhondo? Zvichida waizofunga kaviri.

Nyaya iyi haisi yokutamba nayo. Kuziva kuti Mwari anoona sei hondo kunogona kuchinja maonero aunomuita. Kana uri mumwe wemamiriyoni evanhu vakarwadziswa chaizvo nehondo, zviri pachena kuti unoda kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi: Mwari ndiye anokurudzira kuti hondo dzivepo sezvinofungwa nevamwe here? Anofarira kuti vanhu vatambure nehondo here? Haana kana basa nekurwadziswa kunoitwa vanhu muhondo here?

Unogona kushamisika kana ukaziva kuti mhinduro dzeBhaibheri dzakasiyana zvikuru nemafungiro ose iwayo. Uyewo, kubvira kare maonero anoita Mwari hondo haana kuchinja. Ngationei kuti Bhaibheri rinoti Mwari aiona sei hondo kare kare uyewo kuti ainge ava kuiona sei pakazouya Jesu panyika. Izvozvo zvichatibatsira kuziva kuti Mwari ari kuona sei hondo mazuva ano uye kuti hondo dzicharamba dziripo here.