Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?

Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?

Mhinduro yeBhaibheri

 Amagedhoni ihondo yokupedzisira icharwiwa pakati pehurumende dzevanhu naMwari. Hurumende idzi pamwe chete nevatsigiri vadzo vari kuramba utongi hwaMwari. (Pisarema 2:2) Hondo iyi ichaparadza hurumende dzose dzepanyika.​—Dhanieri 2:44.

 Shoko rokuti “Amagedhoni” rinongowanika kamwe chete muBhaibheri, pana Zvakazarurwa 16:16. Uprofita huri pandima iyoyo hunoratidza kuti “madzimambo enyika yose inogarwa” achaunganidzirwa ‘kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru, hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.’​—Zvakazarurwa 16:14.

 Ndivanaani vacharwa paAmagedhoni? Jesu Kristu nemauto ake okudenga vachaparadza vavengi vaMwari. (Zvakazarurwa 19:11-16, 19-21) Vavengi ava vanosanganisira vaya vanoramba kuzviisa pasi paMwari uye vasingamuremekedzi.​—Ezekieri 39:7.

 Hondo yeAmagedhoni ichaitikira kuMiddle East here? Aiwa. Haisi kuzongoitikira kunzvimbo imwe chete asi ichaitika pasi rose.​—Jeremiya 25:32-34; Ezekieri 39:17-20.

 Dzimwe nguva Amagedhoni inonzi “Ha–​Maghedhoni” (Har Meghiddohnʹ muchiHebheru), zvichireva kuti “Gomo reMegidho.” Megidho rakanga riri guta raiva munzvimbo yaigara vaIsraeri. Nhoroondo dzinoratidza kuti hondo dzakakura chaizvo dzakarwiwa pedyo nenzvimbo iyi, uye dzimwe dzacho dzakatonyorwa muBhaibheri. (Vatongi 5:19, 20; 2 Madzimambo 9:27; 23:29) Asi Amagedhoni haisi kuzorwiwa munzvimbo iyi. Panzvimbo iyi hapana gomo rakakura ringakwanisa kuungana vanhu vose vachirwisana naMwari uye kunyange zvikanzi vaungane munzvimbo iri pedyo yeBani reJezreeri, havakwani. Saka chinonzi Amagedhoni ihondo yokupedzisira ichaitika pasi rose vanhu vakaipa pavacharwisana naMwari.

 Mwari achashandisei pakuparadza vakaipa paAmagedhoni? Hatizivi kuti achashandisa sei simba rake, asi anogona kungoshandisa zvombo zvaakamboshandisa kare zvakadai sechimvuramabwe, kudengenyeka kwenyika, mafashamo emvura, moto nesarufa, mheni, uye zvirwere. (Jobho 38:22, 23; Ezekieri 38:19, 22; Habhakuki 3:10, 11; Zekariya 14:12) Vamwe vavengi vaMwari vachavhiringidzika zvokuti vachaurayana pachavo, asi vachazopedzisira vaziva kuti ndiMwari ari kuvarwisa.​—Ezekieri 38:21, 23; Zekariya 14:13.

 Amagedhoni kuguma kwenyika here? Aiwa, nyika haisi kuzoparadzwa, nokuti ndiwo musha watakapiwa kuti tirarame nokusingaperi. (Pisarema 37:29; 96:10; Muparidzi 1:4) Panzvimbo pokuparadza vanhu, Amagedhoni ichatovaponesa, nokuti pachapona “boka guru” revashumiri vaMwari.​—Zvakazarurwa 7:9, 14; Pisarema 37:34.

 Dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “nyika” richireva vanhu vanoita zvinopesana nezvinodiwa naMwari. (1 Johani 2:15-17) Saka parinenge richitaura ‘nezvekuguma kwenyika’ rinenge richireva kuparadzwa kuchaitwa vanhu vakaipa paAmagedhoni.​—Mateu 24:3, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

 Amagedhoni ichaitika riini? Jesu paaitaura nezvokutambudzika kukuru kuchaguma nehondo yeAmagedhoni, akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:21, 36) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoratidza kuti Amagedhoni ichaitika panguva yokuvapo kwaJesu kusingaoneki, yakatanga mugore ra1914.​—Mateu 24:37-39.