Enda pane zvauri kuda

Nyika Ichaguma Riini?

Nyika Ichaguma Riini?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kuti uzive kuti nyika ichaguma riini, zvinokosha kuti unzwisise kuti Bhaibheri rinoshandisa sei shoko rokuti “nyika.” Shoko rechiGiriki rokuti koʹsmos, iro rinowanzoshandurwa kuti “nyika,” rinowanzoreva vanhu, kunyanya vaya vanoita zvinopesana nezvinodiwa naMwari. (Johani 15:18, 19; 2 Petro 2:5) Dzimwe nguva shoko rekuti koʹsmos rinoreva marongerwo akaitwa vanhu munyika.—1 VaKorinde 7:31; 1 Johani 2:15, 16. a

Chii chinonzi ‘kuguma kwenyika’?

 Mashoko ekuti ‘kuguma kwenyika,’ ayo anowanikwa mumaBhaibheri akawanda, anogonawo kushandurwa kuti “kuguma kwemamiriro ezvinhu,” kana kuti ‘kupera kwechimwe chikamu chenguva.’ (Mateu 24:3; English Standard Version) Mashoko acho haarevi kuguma kwenyika chaiyo kana kuti kwevanhu vese, asi kuguma kwemarongerwo akaitwa vanhu munyika.—1 Johani 2:17.

 Bhaibheri rinodzidzisa kuti “vanoita zvakaipa vachaparadzwa” kuitira kuti vanhu vakanaka vanakidzwe neupenyu panyika. (Pisarema 37:9-11) Kuparadzwa ikoko kuchaitika panguva ‘yekutambudzika kukuru,’ uko kuchaguma nehondo inonzi Amagedhoni.—Mateu 24:21, 22; Zvakazarurwa 16:14, 16.

Nyika ichaguma riini?

 Jesu akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:36, 42) Akawedzera kuti kuguma kwenyika kuchaitika panguva isingatarisirwi, “paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mateu 24:44.

 Kunyange zvazvo tisingagoni kuziva zuva chairo neawa, Jesu akataura “chiratidzo”, kana kuti zviitiko zvakati kuti zvaizoratidza kuti mugumo wenyika wava pedyo. (Mateu 24:3, 7-14) Bhaibheri rinodana nguva yatiri kurarama kuti “nguva yokuguma,” “kuguma kwenguva,” uye kuti “mazuva okupedzisira.”—Dhanieri 12:4; God’s Word Bible; 2 Timoti 3:1-5.

Pane chichasara here pachaguma nyika ino?

 Hongu. Nyika pachayo icharamba iripo, nekuti Bhaibheri rinotaura kuti “haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Uyewo nyika ichazara nevanhu, sekuvimbisa kunoita Bhaibheri kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Mwari achaita kuti zvinhu zvaakapikira pakutanga zvivepo:

a Shoko rechiGiriki rokuti ai·onʹ rinoshandurwawo mune mamwe maBhaibheri kuti “nyika.” Kana richishandurwa seizvi, shoko rokuti ai·onʹ rinoreva zvakafanana nerokuti koʹsmos pakuti ese anenge achireva marongerwo akaitwa vanhu munyika.