Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshora Zvimwe Zvitendero Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshora Zvimwe Zvitendero Here?

 Tinotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kuti ‘tiremekedze vanhu vose’ pasinei nokuti ndevechitendero chipi. (1 Petro 2:​17, Today’s English Version) Somuenzaniso, mune dzimwe nyika kune zviuru zveZvapupu zvaJehovha. Pasinei nokuwanda ikoko, hatimboudzi vezvematongerwo enyika kana kuti vemitemo kuti varambidze kana kuti kudzivisa basa rinoitwa nezvimwe zvitendero. Hatiiti kuti pave nomutemo wokuti munhu wose atende zvatinotenda panyaya dzetsika kana kuti pakunamata. Asi kuti tinopa munhu wose rusununguko rwokusarudza zvaanoda uye ndizvo zvatinodawo kuti vamwe vatiitirewo.​—Mateu 7:12.