Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinomanikidza Vanhu Kuti Vasiye Machechi Avo Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinomanikidza Vanhu Kuti Vasiye Machechi Avo Here?

 Aiwa. Mumagazini yedu inozivikanwa chaizvo yeNharireyomurindi takati: “Hazvina kunaka kumanikidza vanhu kuchinja chitendero chavo.” a Chinoita kuti tisavamanikidza imhaka yokuti:

  •   Jesu haana kumbomanikidza vanhu kuti vabvume zvaaidzidzisa. Aiziva kuti vanhu vashoma ndivo vaizogamuchira shoko rake. (Mateu 7:13, 14) Vamwe vadzidzi vake pavakagumburwa nezvaakanga ataura, akavarega vachienda, haana kuvamanikidza kuti varambe vainaye.—Johani 6:60-62, 66-68.

  •   Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti pavaiparidza mashoko akanaka oUmambo, vasamanikidza vanhu kusiya zvitendero zvavo. Saka chavaifanira kuita kungotsvaka vanhu vaida kuteerera vorega kuita zvokuvamanikidza.—Mateu 10:7, 11-14.

  •   Kumanikidza vanhu kuti vatendeuke hakubatsiri nokuti Mwari anoda kuti vanhu vangomunamata zvichibva pasi pemwoyo.—Dheuteronomio 6:4, 5; Mateu 22:37, 38.

Basa redu nderokutendeutsa vanhu here?

 Ichokwadi kuti tinoudza vanhu zviri muBhaibheri “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika,” uye tinoita izvozvo “pachena uye paimba neimba,” sezvinorayirwa neBhaibheri. (Mabasa 1:8; 10:42; 20:20) VaKristu vepakutanga vaipomerwa kuti vaimanikidza vanhu kuti vatendeuke, kunyange mazuva ano ndozvatiri kupomerwawo. (Mabasa 18:12, 13) Asi zvatinopomerwa inhema. Hatimanikidzi vanhu kuti vasiye machechi avo. Chinangwa chedu ndechokuti vanhu vawane zivo yeBhaibheri kuitira kuti vasarudze manamatiro avanoda.

 Hatimanikidzi vanhu kuti vasiye machechi avo kana kuita zvematongerwo enyika takahwanda nechechi uye hatipi vanhu rubatsiro tichiitira kuti vauye kuzonamata nesu. Saka zvatinoita zvakasiyana nezvinoitwa nevamwe vanozviti vaKristu asi ivo vachiita zvinotozvidzisa Kristu. b

Munhu ane kodzero yokuchinja chechi yake here?

Muprofita Abrahamu akasiya chitendero chehama dzake

 Ehe, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vane kodzero yokuchinja. Rinotaura nezvevanhu vakawanda vakasiya manamatiro aiitwa nehama dzavo vachibva vazvisarudzira kunamata Mwari wechokwadi. Vamwe vacho ndiAbrahamu, Rute, vamwe vanhu vokuAtene uye muapostora Pauro. (Joshua 24:2; Rute 1:14-16; Mabasa 17:22, 30-34; VaGaratiya 1:14, 23) Uyezve, Bhaibheri rinototaura kuti munhu akasununguka kusiya manamatiro echokwadi osarudza zvaanoda kunyange zvazvo kuita izvozvo kuri kurasika.—1 Johani 2:19.

 Gwaro rinonzi Universal Declaration of Human Rights rinotsigira kuti munhu ane kodzero yokusarudza chechi yaanoda uye Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose (UN) rinotsigirawo zvakasimba gwaro iroro. Gwaro racho rinoti munhu wose “ane rusununguko rwekusarudza chechi yaanoda” uye “rwekuudza vamwe kana kuti kuudzwawo nevamwe mashoko,” kusanganisira ane chokuita nezvokunamata. c Saka izvi zvinoratidza kuti unofanira kuremekedzawo zvinenge zvichitendwa nemumwe munhu uye hapafaniri kuva neanomanikidza mumwe kuti abvume zvimwe zvinhu, munhu ane kodzero yokuzvisarudzira zvaanoda.

Kana munhu akatendeuka kuva Chapupu zvinoreva here kuti haacharemekedzi vabereki vake?

 Kwete hazvo. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiremekedze vanhu vose, pasinei nechechi yavanopinda. (1 Petro 2:17) Uyezve, Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera murayiro weBhaibheri wekukudza vabereki kunyange vachipinda imwe chechi.—VaEfeso 6:2, 3.

 Kunyange zvakadaro, haasi munhu wose anobvumirana nezvinotaurwa neBhaibheri. Mumwe mukadzi akakurira kuZambia akati: ‘Munharaunda yataigara kana munhu akachinja chechi yake zvaionekwa sokuti haana kuvimbika, uye apanduka.’ Paaiva achiri musikana ndipo paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha achibva asarudza kusiya chechi yake. Akati: ‘Vabereki vangu vaigara vachindiudza kuti vakanga vasiri kufara nezvandakasarudza uye kuti ndakanga ndavaodza mwoyo. Izvi zvakanga zvakandiomera chaizvo sezvo ndaida kuitawo zvinhu zvaifadza vabereki vangu. Kuva munhu akavimbika kuna Jehovha uye kusiya chechi yandaipinda hakurevi kuti handisisina basa nevabereki vangu.’ d

a Ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 2002 peji 12, ndima 15.

b Somuenzaniso, munenge mugore ra785 C.E., Charlemagne akadzika mutemo waiti munhu wose aiva muSaxony airamba kubhabhatidzwa semuKristu aifanira kuurayiwa. Uyewo, muna 1555 C.E. masangano airwisana muUmambo Hutsvene hweRoma akasayina gwaro rePeace of Augsburg raiti mambo mumwe nomumwe anofanira kuva wechechi yeRoma kana kuti yeLutheran uye kuti munhu wose waanotonga anofanira kupinda chechi yamambo. Vaya vairamba kupinda chechi yake vaitodzingwa munyika yacho.

c Kodzero dzakadai dzirimowo mumagwaro akadai seAfrican Charter on Human and Peoples’ Rights, American Declaration of the Rights and Duties of Man, 2004 Arab Charter on Human Rights, ASEAN (Association of Southeast Asian Nations) Human Rights Declaration, European Convention on Human Rights, uye International Covenant on Civil and Political Rights. Asi kunyange zvazvo dzimwe nyika dzichiti dzinoremekedza zviri mumagwaro aya, maitiro adzo pakuremekedza kodzero dzevanhu anosiyana-siyana.

d Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.