Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Chii Nezveungochani?

Bhaibheri Rinoti Chii Nezveungochani?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mwari akasika vanhu kuti vaite bonde asi izvi zvinongoitwa nemurume nemudzimai vakaroorana. (Genesisi 1:27, 28; Revhitiko 18:22; Zvirevo 5:18, 19) Bhaibheri rinorambidza bonde rinoitwa nengochani kana kuti nemurume nomukadzi asi vasina kuroorana. (1 VaKorinde 6:18) Izvi zvinosanganisira kurara vose, kubata-bata sikarudzi yomumwe kana kuti kuita bonde nemukanwa kana kuti nokunobuda netsvina.

 Kunyange zvazvo Bhaibheri richirambidza ungochani, haribvi rati chivengai ngochani dzacho. Asi kuti vaKristu vanotorayirwa kuti ‘varemekedze vanhu vose.’​—1 Petro 2:​17, Good News Translation.

Munhu anogona kuzvarwa ari ngochani here?

Bhaibheri haritauri nezvazvo, asi rinoratidza kuti tose tinoberekwa tichida kuita zvinopesana nemirayiro yaMwari. (VaRoma 7:21-25) Saka panzvimbo pokuti ritaure zvikonzero zvinoita kuti munhu ave nechido chokuita ungochani, Bhaibheri rinorambidza ungochani.

Ungafadza sei Mwari pasinei nokuti une chido chokuita ungochani?

Bhaibheri rinoti: “Usaitwa muranda nemuviri wako. Uraya chido chose chokuda kuita bonde nenzira isina kunaka.” (VaKorose 3:5, Contemporary English Version) Kuti uuraye zvido zvakaipa, izvo zvinoita kuti uite zvashata, unofanira kudzora mafungiro ako. Kana ukagara uchifunga zvinhu zvakanaka, zvichakuitira nyore kukurumidza kubvisa zvido zvakaipa. (VaFiripi 4:8; Jakobho 1:14, 15) Zvinogona kukuomera pakutanga, asi nokufamba kwenguva zvinogona kuzokuitira nyore. Mwari anovimbisa kukubatsira kuti uve ‘mutsva musimba rinoita kuti pfungwa dzako dzishande.’—VaEfeso 4:22-24.

 Vanhu vakawanda vasiri ngochani vari kurwisawo chido chokurara nomunhu wavasina kuroorana naye nokuti vanoda kuita zvinotaurwa neBhaibheri. Somuenzaniso, vose vasina kuroora kana kuroorwa uye vasina tarisiro yokuroorana nemumwe munhu kana kuti vakaroorana nemunhu ane urema hunomutadzisa kuita bonde, vanodzora chido chokurara nemumwe munhu pasinei nemiedzo yavangasangana nayo. Vari kurarama vachifara, uye vaya vane chido chokuita ungochani vanogona kuita zvimwe chetezvo kana vachida kufadza Mwari.​—Dheuteronomio 30:19.