Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Ngirozi?

Chii Chinonzi Ngirozi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ngirozi zvisikwa zvine simba rakawanda kupfuura vanhu uye dzinogona kuita zvisingakwanisi kuitwa nevanhu. (2 Petro 2:11) Dzinogara kudenga, kana kuti munzvimbo ine zvisikwa zvatisingagoni kuona, iyo yakakwirira kudarika nzvimbo ine zvinhu zvakasikwa zvatinogona kuona. (1 Madzimambo 8:​27; Johani 6:​38) Nokudaro, dzinonziwo midzimu kana kuti mweya.​—1 Madzimambo 22:21; Pisarema 18:10.

Ngirozi dzakabva kupi?

 Mwari akasika ngirozi achishandisa Jesu, uyo anonzi neBhaibheri “dangwe rezvisikwa zvose.” Bhaibheri rinorondedzera kuti Mwari akashandisa sei Jesu pakusika zvinhu, richiti: “Pachishandiswa iye [Jesu] zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki,” kusanganisira ngirozi. (VaKorose 1:13-17) Ngirozi hadziroori uye hadzibereki vana. (Mako 12:25) Asi mumwe nemumwe ‘wevanakomana ava vaMwari’ akaita zvekusikwa.​—Jobho 1:6.

 Ngirozi dzakasikwa kare kare, nyika isati yavapo. Mwari paakasika nyika, ngirozi ‘dzakatanga kushevedzera dzichirumbidza.’​—Jobho 38:4-7.

Ngirozi dzakawanda sei?

 Bhaibheri haritauri nhamba chaiyo yengirozi dzese, asi rinoratidza kuti dzakawanda chaizvo. Semuenzaniso, pazvinhu zvakaratidzwa muapostora Johani akaonawo mazana emamiriyoni engirozi.​—Zvakazarurwa 5:​11.

Ngirozi dzine mazita uye unhu hwakasiyana here?

 Ehe. Bhaibheri rinotaura nezvemazita engirozi mbiri: Mikaeri uye Gabrieri. (Dhanieri 12:1; Ruka 1:26) a Dzimwe ngirozi dzaitobvuma kuti dzaiva nemazita, asi hadzina kuda kuataura.​—Genesisi 32:29; Vatongi 13:17, 18.

 Ngirozi dzine unhu hwakasiyana. Dzinokwanisa kutaurirana. (1 VaKorinde 13:1) Dzine mano ekufunga uye dzinokwanisa kuronga mashoko ekushandisa pakurumbidza Mwari. (Ruka 2:13, 14) Uye dzine rusununguko rwekusarudza pakati pezvakarurama nezvisina kururama, sezvatinoona pakusarudza kwakaita dzimwe ngirozi kuti dzibatane naSatani Dhiyabhorosi pakupandukira Mwari.​—Mateu 25:41; 2 Petro 2:4.

Ngirozi dzine zvinzvimbo zvakasiyana-siyana here?

 Ehe. Ngirozi ine simba uye chinzvimbo chepamusoro kudarika dzimwe dzese ndiMikaeri, ngirozi huru. (Judha 9; Zvakazarurwa 12:7) Maserafi ingirozi dzine chinzvimbo chepamusoro-soro uye dzakamira pedyo nechigaro chaJehovha. (Isaya 6:​2, 6) Dzimwe ngirozi dzine chinzvimbo chepamusoro-soro dzinonzi makerubhi, dzinoita mabasa anokosha. Semuenzaniso, makerubhi akarinda nzira yaipinda mubindu reEdheni pashure pekunge Adhamu naEvha vadzingwa imomo.​—Genesisi 3:​23, 24.

Ngirozi dzinobatsira vanhu here?

 Ehe, Mwari anoshandisa ngirozi dzake dzakatendeka kuti dzibatsire vanhu mazuva ano.

Mumwe nemumwe wedu ane ngirozi yake inomuchengeta here?

 Kunyange zvazvo ngirozi dzichida kuona kuti vanhu vaMwari vari kufambirwa zvakanaka here panyaya dzekunamata, hazvirevi hazvo kuti Mwari anopa ngirozi basa rekuti dzichengete muKristu mumwe nemumwe. b (Mateu 18:10) Ngirozi hadzidziviriri vashumiri vaMwari pamatambudziko ese kana kuti miedzo yese. Bhaibheri rinoratidza kuti kazhinji Mwari ‘anowanzoita nzira yokubuda nayo’ mumatambudziko, kuburikidza nekupa munhu uchenjeri nesimba kuti atsungirire.​—1 VaKorinde 10:12, 13; Jakobho 1:​2-5.

Pfungwa dzisiri dzechokwadi dzinofungwa nevanhu pamusoro pengirozi

 Zvavanofunga: Ngirozi dzese dzakanaka.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinotaura ‘nezvemasimba emidzimu yakaipa’ uye “ngirozi dzakatadza.” (VaEfeso 6:​12; 2 Petro 2:4) Ngirozi idzodzo dzakaipa madhimoni, ayo akabatana naSatani pakupandukira Mwari.

 Zvavanofunga: Ngirozi hadzikwanisi kuparadzwa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Ngirozi dzakaipa, kusanganisira Satani Dhiyabhorosi, dzichaparadzwa.​—Judha 6.

 Zvavanofunga: Vanhu vanozoita ngirozi pavanofa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Ngirozi dzakatosikwa dzakadaro naMwari, kwete kuti vanhu vanenge vamutswa. (VaKorose 1:​16) Vanhu vanomutsirwa kudenga ndivo vachawana chipo chekuramba vachirarama vasingafi. (1 VaKorinde 15:53, 54) Vachange vaine chinzvimbo chakakwirira kudarika chengirozi.​—1 VaKorinde 6:3.

 Zvavanofunga: Ngirozi dziripo kuti dzishumire vanhu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Ngirozi dzinoteerera zvadzinoudzwa naMwari, kwete zvatinodziudza. (Pisarema 103:20, 21) Kunyange Jesu akatotaura kuti aizokumbira Mwari kuti amubatsire, kwete kuti aizoudza ngirozi.​—Mateu 26:53.

 Zvavanofunga: Tinogona kunyengetera kungirozi kuti dzitibatsire.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Kunyengetera kuna Mwari chikamu chekunamata kwatinofanira kuita kuna Jehovha Mwari chete. (Zvakazarurwa 19:10) Tinofanira kunyengetera kuna Mwari chete, kuburikidza naJesu.​—Johani 14:6.

a Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandisa shoko rekuti “Lucifer” pana Isaya 14:12, iro rinofungidzirwa nevamwe kuti izita rengirozi yakazova Satani Dhiyabhorosi. Asi shoko rechiHebheru rakashandiswa pakunyora vhesi iyi rinoreva kuti “anopenya.” Kana tikatarisa kuri kubva nenyaya nekwairi kuenda, zvinoratidza kuti shoko iri rakanga risingarevi Satani Dhiyabhorosi, asi kuti raireva dzinza reumambo hweBhabhironi, iro raizonyadziswa naMwari nemhaka yekuzvikudza kwaro. (Isaya 14:4, 13-20) Shoko rekuti “anopenya” rakashandiswa kutsvinyira umambo hweBhabhironi pashure pekunge hwakundwa.

b Vamwe vanofunga kuti nhoroondo yekusunungurwa kwaPetro mujeri inoratidza kuti Petro aiva nengirozi yaimuchengeta. (Mabasa 12:​6-​16) Asi vadzidzi pavakataura ‘nezvengirozi yaPetro,’ vangangodaro vakafunga zvisiri izvo kuti ngirozi iyi yainge yatumwa kwavari ichimiririra Petro, kwete kuti aiva Petro pachake.