Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo yakatangwa naJehovha Mwari. MuBhaibheri “umambo hwaMwari” hunonziwo “umambo hwokudenga” nokuti hunotonga huri kudenga. (Mako 1:​14, 15; Mateu 4:​17, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Marongerwo ahwakaitwa hwakada kuti fananei nehurumende dzevanhu, asi hwaMwari hwakanyanya kunakisisa.

  •   Vatongi. Mwari akagadza Jesu Kristu kuti ave Mambo weUmambo hwake uye akamupa masimba anodarika evatongi vose. (Mateu 28:​18) Jesu anongoshandisa simba iri pakuita zvakanaka, sezvo akatoratidza kuti Mutungamiriri akavimbika uye anonzwira tsitsi. (Mateu 4:​23; Mako 1:​40, 41; 6:​31-​34; Ruka 7:​11-​17) Achitungamirirwa naMwari, Jesu akasarudza vanhu vanobva kumarudzi ose avo “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika” uye vachatonga naye vari kudenga.​—Zvakazarurwa 5:​9, 10.

  •   Nguva ichatora Umambo hwacho huchitonga. Kusiyana nehurumende dzevanhu dzinouya dzichienda, Umambo hwaMwari ‘hauzomboparadzwi.’​—Dhanieri 2:44.

  •   Vachatongwa neUmambo hwacho. Munhu wose anoita zvinodiwa naMwari achararama achitongwa neUmambo hwaMwari, pasina zvokuti uri wedzinza ripi uye wakaberekerwa kupi.​—Mabasa 10:​34, 35.

  •   Mitemo yacho. Mitemo (kana mirayiro) yeUmambo hwaMwari haingogumiri pakurambidza tsika dzakaipa. Inoita kuti vanorarama pasi pemitemo yacho vave netsika dzakanaka chaizvo. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” (Mateu 22:​37-​39) Kuda kwavanoita Mwari nomuvakidzani kunoita kuti vanhu vanorarama vachitongwa neUmambo uhwu vade kuitira vamwe zvakanaka.

  •   Dzidzo. Umambo hwaMwari hunoda kuti vanhu vanorarama vachitongwa nahwo vave nemararamiro akanakisisa, saka hunovadzidzisa kuti vangararama sei saizvozvo.​—Isaya 48:​17, 18.

  •   Chinangwa chahwo. Umambo hwaMwari hahudzvanyiriri vanhu huchiita kuti vatongi vave noupenyu hwakanaka. Asi huchaita kuda kwaMwari, kunosanganisira vimbiso yokuti vaya vanomuda vachararama panyika ichange yava paradhiso nekusingaperi.​—Isaya 35:​1, 5, 6; Mateu 6:​10; Zvakazarurwa 21:​1-4.