Enda pane zvauri kuda

Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?

Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ehe! Bhaibheri rinobva kuna “Mwari anonyaradza vakaora mwoyo.” (2 VaKorinde 7:6) Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezveutano, rabatsira vakawanda kuti vakunde pfungwa dzekuzviuraya. Mazano aro anogona kukubatsirawo.

 Bhaibheri rinopa mazano api?

  • Udza vamwe zviri mupfungwa dzako.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

     Zvazvinoreva: Tinoda kubatsirwa nevamwe kana tiine zviri kutishungurudza.

     Kana ukasaudza vamwe, ucharamba uchiremerwa. Asi ukaudzawo vamwe, unogona kurerukirwa uye kutova nemamwe mafungiro ari nani.

     Edza izvi: Taura nemumwe munhu nhasi, zvimwe weukama kana kuti shamwari yaunovimba nayo. a Unogonawo kuita zvekuvanyorera tsamba.

  • Enda kunoonekwa kwachiremba.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.”—Mateu 9:12.

     Zvazvinoreva: Kana tichirwara tinofanira kuenda kuchipatara.

     Pfungwa dzekuzviuraya dzinogona kunge chiri chiratidzo chekuti une zviri kukushungurudza. Haufaniri kumbonyara nazvo nekuti chirwere chakafanana nezvimwewo zvirwere. Kushungurudzika kunogona kurapika.

     Edza izvi: Kurumidza kuenda kuna vanachiremba vanogona kuita basa iri.

  • Yeuka kuti Mwari anokuda.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Shiri duku shanu hadzitengeswi nemari mbiri dzisingakoshi here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. Usatya; unokosha kupfuura shiri duku zhinji.’—Ruka 12:6, 7.

     Zvazvinoreva: Mwari anokukoshesa.

     Unogona kunzwa sekuti uri wega, asi Mwari ari kuona zvauri kutarisana nazvo. Anokuda, kunyange kana wava kunzwa sekuti hapana chauchararamira. “Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,” inodaro Pisarema 51:17. Mwari anoda kuti urarame nekuti anokuda.

     Edza izvi: Pane umboo huri muBhaibheri hunoratidza kuti Mwari anokuda. Verenga chitsauko 24 chebhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha.

  • Nyengetera kuna Mwari.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako paari, nekuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

     Zvazvinoreva: Mwari anoda kuti umuudze zviri kutsi kwemwoyo wako.

     Mwari anogona kuita kuti ugadzikane mupfungwa uye uwane simba rekuramba uchitsungirira. (VaFiripi 4:6, 7, 13) Ndiyo nzira yaanoshandisa kubatsira vaya vanouya kwaari vachida kubatsirwa.—Pisarema 55:22.

     Edza izvi: Nyengetera kuna Mwari nhasi. Shandisa zita rake rekuti Jehovha, uye muudze manzwiro ako. (Pisarema 83:18) Mukumbire kuti akubatsire kutsungirira.

  • Ramba uchifunga nezvetariro iri muBhaibheri yeramangwana.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tariro iyi tinayo sechinhu chinotsigisa mweya, ndeyechokwadi uye yakasimba.”—VaHebheru 6:19.

     Zvazvinoreva: Matambudziko auinawo anogona kuita kuti unzwe sekuti uri kukandwa uko neuko sezvinoitwa chikepe chinenge chiri mugungwa, asi tariro iri muBhaibheri inogona kukutsigisa.

     Tariro iyi hachisi chinhu chekuda kungofadzana asi ivimbiso yaMwari yechokwadi yekuti achabvisa zvese zvinoita kuti tishungurudzike.—Zvakazarurwa 21:4.

     Edza izvi: Kuti unzwe zvakawanda nezvevimbiso iyi yaMwari, verenga chidzidzo 5 chebhuku rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!

  • Ita chimwe chinhu chinokunakidza.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwoyo unofara unorapa.”—Zvirevo 17:22.

     Zvazvinoreva: Kana tikaita zvinhu zvinotinakidza, kushungurudzika kwatinenge tiinako kunotanga kuderera.

     Edza izvi: Ita chimwe chinhu chaunofarira. Semuenzaniso, teerera nziyo inokunakidza, verenga chimwe chinhu chinokurudzira, kana kuti imboita chinhu chinokuvaraidza. Unogona kuwedzera mufaro wako kana ukaita chimwe chinhu kuti ubatsire vamwe kunyange zvinhu zvidiki.—Mabasa 20:35.

  • Chengetedza utano hwako.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kurovedza muviri kunobatsira.”—1 Timoti 4:8.

     Zvazvinoreva: Ita maekisesaizi, wana nguva yakakwana yekurara uye idya zvinhu zvine utano.

     Edza izvi: Imbofamba-famba, kana kwemaminitsi 15 chete.

  • Yeuka kuti mafungiro auinawo uye zvimwe zvinhu zvinogona kuchinja muupenyu.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Hamuzivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.’—Jakobho 4:14.

     Zvazvinoreva: Dzimwe nguva dambudziko riri kukushungurudza kunyange raunoona sekuti hariperi, rinogona kupera.

     Kunyange ukaona sekuti dambudziko rako harifi rakapera, ziva kuti zvinhu zvinogona kuchinja. Saka tsvaga nzira dzekuti zvinhu zviite nani. (2 VaKorinde 4:8) Dambudziko rako rinogona kuchinja nekufamba kwenguva, asi kana wazviuraya hapana chichachinja.

     Edza izvi: Verenga nhoroondo dzeBhaibheri dzevanhu vakamboshungurudzika zvekushuva kufa, woona kuti zvinhu zvakazochinja sei muupenyu hwavo, kakawanda kacho nenzira dzavaisambofungidzira. Chimbonzwa nezvemienzaniso inotevera.

 MuBhaibheri mune here vanhu vaimboshuva kufa?

 Ehe. Bhaibheri rinototaura nezvevamwe vaiti, “Kufa kuri nani.” Mwari haana kuvatsamwira, asi akavabatsira. Ndizvowo zvaanogona kuita kwauri.

Eriya

  •  Aiva ani? Eriya aiva muprofita ainge akashinga. Asi akamboorawo mwoyo. Jakobho 5:17 inoti: “Eriya akanga ari munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.”

  •  Nemhaka yei aida kufa? Eriya akambonzwa ari ega, achitya uye asingabatsiri. Saka akakumbira kuti: “Jehovha, chindiurayai henyu.”—1 Madzimambo 19:4.

  •  Chii chakamubatsira? Eriya akaudza Mwari zvaifunga. Mwari akamukurudzira sei? Mwari akamuratidza kuti aimuda uye akabva amuratidza simba rake. Akamuvimbisawo kuti akanga achiri kuda kuti aite basa rake uye akabva amupa munhu aimubatsira pakuita basa.

  •  Verenga nezvaEriya: 1 Madzimambo 19:2-18.

Jobho

  •  Aiva ani? Jobho murume ainge akapfuma aishumira Mwari akatendeka.

  •  Nemhaka yei aida kufa? Upenyu hwaJobho hwakaerekana hwachinja zvinosiririsa. Akarasikirwa nezvinhu zvake zvese. Vana vake vese vakafira munjodzi. Akarwara nechirwere chairwadza zvikuru. Vamwe vakazopedzisira vava kumuti pane zvaakaita zvakanga zvava kumudzokera. Jobho akati: “Ndinosema upenyu hwangu; handidi kuramba ndichirarama.”—Jobho 7:16.

  •  Chii chakamubatsira? Jobho akanyengetera kuna Mwari uye akataura nevamwe. (Jobho 10:1-3) Akakurudzirwa neshamwari yaimuda yainzi Erihu, iyo yakamubatsira kuti ave nemaonero akanaka. Chinonyanya kukosha ndechekuti, Jobho akabvuma kutsiurwa uye kubatsirwa naMwari.

  •  Verenga nezvaJobho: Jobho 1:1-3, 13-22; 2:7; 3:1-13; 36:1-7; 38:1-3; 42:1, 2, 10-13.

Mosesi

  •  Aiva ani? Mosesi aiva mutungamiriri wevaIsraeri uye muprofita akatendeka.

  •  Nemhaka yei aida kufa? Mosesi aiva nebasa rakakura, aigara achingotsoropodzwa, uye ainzwa asisina simba rekuenderera mberi. Saka akachema kuna Mwari achiti: “Ndapota ndiurayei henyu.”—Numeri 11:11, 15.

  •  Chii chakamubatsira? Mosesi akaudza Mwari zvaimunetsa. Mwari akabatsira Mosesi nekumurerutsira basa raaiita.

  •  Verenga nezvaMosesi: Numeri 11:4-6, 10-17.

a Kana ukaona pfungwa dzekuzviuraya dzanyanya kusimba uye pasina munhu waunokwanisa kutaura naye, fonera vezveutano, vakadzidziswa kubatsira vanhu vane dambudziko rakaita serako.