Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvepasi Rino

Zvepasi Rino

UNITED STATES

Zuva rimwe nerimwe vanhu vanopfuura 20 vaimboshanda muchiuto kuUnited States vanozviuraya. Mwedzi mumwe nomumwe vanhu vakamboshanda muchiuto vanosvika 950 avo vari kuwana rubatsiro kubva kuU.S. Department of Veterans Affairs vanomboedza kuzviuraya.

CHINA

“Pavanhukadzi vari muChina vanoenda kune mamwe maguta munyika iyoyo vachinotsvaka mabasa hafu yavo iri pasi pemakore 30 inobata pamuviri isati yaroorwa. Nhamba iyi yakakura chaizvo kana zvichienzaniswa nezvaimboitika mumakore akapfuura,” rinodaro pepanhau rinonzi China Daily. Vanhu vokuChina vanonzi “havaoni pane chakaipa kuti murume nomukadzi vagare vose vasati vachata.”

GREECE

KuGreece chirwere chemalaria chava kudzoka nesimba nepo chakanga chamboderera zvikuru munyika iyoyo muna 1974. Zviri kunzi chiri kuita kuti izvi zviitike inyaya yekuoma kwezveupfumi uye mari shoma dziri kupiwa zvipatara pakurapa varwere.

INDIA

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti pasinei nokuchinja kuri kuita zvinhu muupenyu, vanhu 74 pa100 voga voga vakabvunzwa vakati kurongerwa wokuroorana naye kwakanaka kudarika kuita zvokuzvitsvakira. Vanhu 89 pa100 voga voga vakati vanofarira kugara pamwe chete nedzimwe hama dzavo panzvimbo pokungogara semhuri ina baba naamai nevana.

ITALY

“Chechi yeRoma iri kunetseka chaizvo kunyange kunyika dzakabudirira dzakadai seEurope neAmerica. Dzidziso yedu yava nemakore akawanda, machechi edu akakura, nzvimbo dzinogara masister hadzichina vanhu, utungamiriri hauchina kutsarukana, misangano yatinoita uye hembe dzinopfekwa nemapristi ndezvokushamisira. . . . Zvatiri kuita muchechi zvinoita senge tiri kumakore okuma1800.”—Kubvunzurudzwa kwaiitwa mupristi weRoma Carlo Maria Martini, kwakabudiswa nepepanhau rinonzi Corriere della Sera.