Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hapana Kwaiva Kusina Rusaruro

Hapana Kwaiva Kusina Rusaruro

NDAKABEREKWA muna 1965 kuNorthern Ireland uye taiva varombo mumhuri yedu. Ndakakurira mupurovhinzi yeDerry panguva iyo paiva nokurwisana pakati pechechi yeRoma nedzimwe chechi dzakabuda muRoma. Kurwisana uku kwakatora makore anopfuura 30. Vanhu vechechi yeRoma vakanga vari vashoma saka vaisarurwa nemamwe machechi panyaya dzemabasa, pakupiwa dzimba, mune zvematongerwo enyika uye pane zvimwewo zvinhu.

Hapana kwaiva kusina rusaruro. Nguva zhinji ndaiitirwa utsinye zvokuti handichayeuki kuti zvakaitika kangani. Izvi zvaisanganisira kurohwa, kunongedzerwa pfuti, kudhonzerwa panze pemotokari, kubvunzurudzwa uye kusechwa nemapurisa kana nemasoja. Ndainyatsoona kuti ndaibatwa neseri kweruoko zvokuti ndaimbofunga kuti, ‘Ndodzorera here kana kuti ndongosiyawo zvakadaro!’

Muna 1972 vanhu pavaifamba vachiratidzira pazuva rinonzi Bloody Sunday vachiyeuka kufa kwevanhu 14 vakanga vapfurwa nemasoja echiBritish ini ndaivapowo. Muna 1981 pane vasungwa 10 vakazvipira kufa nenzara vachiratidza kutsutsumwa nezvaiitika uye vanhu pavairatidzira vachiyeuka rufu rwevasungwa ava iniwo ndaivapowo. Ndaiva ndiine mireza yeNorthern Ireland iyo yakanga yarambidzwa nemaBritish uye ndaitaratadza pamapepa nepane zvimwe zvinhu tichituka maBritish. Nguva yose kwaitoti kuve nemunhu wechechi yeRoma aiitirwa utsinye kana akaratidzira. Kuratidzira kwacho kwakatozopedzisira kwaita kuti patorwisanwa zvakasimba.

Pandaiva kuyunivhesiti, ndakajoina chikwata chevana vechikoro vairatidzira. Pava paya ndakazotamira kuLondon, uye ndiri ikoko ndakajoina zvikwata zvairatidzira zvichitsutsumwa nemitemo yaiiswa nehurumende iyo yaidzvanyirira varombo ichingobatsira vapfumi chete. Pane masangano aimirira kodzero dzevashandi aitsutsumwa nezvemari shoma yaitambirwa uye nezvemitero yaiita kuti vanhu vanotambira mari shoma vasare vasisina mari saka masangano aya airatidzira uye iniwo ndakabatanawo nawo muna 1990. Nemhaka yokuratidzira uku nzvimbo inonzi Trafalgar Square yakasara yaparadzwa zvisingaiti nevanhu vairatidzira.

Nokufamba kwenguva ndakatanga kunetseka. Panzvimbo pokuti kuratidzira kwataiita kubudise chinhu chine musoro, kwaitobva kwakonzeresa kuvengana kwakanyanya.

Panguva iyoyi ndipo apo shamwari yangu yakandiudza nezveZvapupu zvaJehovha. Vakandidzidzisa vachishandisa Bhaibheri kuti Mwari ane hanya uye anorwadziwa nokutambura kwatiri kuita uye achabvisa zvinhu zviri kukonzera kuti vanhu vatambure. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:3, 4) Pasinei nokuti vanhu vanenge vaine vavariro yakanaka, havafi vakakwanisa kuita kuti panyika pave nokururamisira uye kuenzaniswa kwemikana yevanhu. Hatingogumiri pakuda kutungamirirwa naMwari asi kuti tinodawo simba rake rokuti tikunde zvinhu zvinokonzera matambudziko munyika.—Jeremiya 10:23; VaEfeso 6:12.

Iye zvino ndinonyatsoona kuti zvandaiita ndichida kugadzirisa zvinhu kwaiva kushandira dhongi rakaora. Ndakafara chaizvo pandakadzidza kuti ichasvika nguva apo panyika pachange pasisina kusaruramisira vanhu vose vava kubatana zvakaenzana.