Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Doro

Doro

Kunwa doro kwakaipa here?

“Waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anobwinyisa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo womunhu.”Pisarema 104:15, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Kune dzimwe nyika, mhuri dzakawanda padzinenge dzichidya hazviiti kuti pashayikwe doro. Asiwo mune dzimwe mhuri hazvitombobvumirwi. Sei vanhu vachisiyana zvakadaro? Kusiyana uku kunokonzerwa nezvinhu zvakadai setsika, kutyira nyaya dzeutano uye chitendero.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri harirambidzi kunwa doro zvine mwero asi rinorambidza kudhakwa uye kunwisa. (1 VaKorinde 6:9, 10) Kubvira kare kare, varume nevakadzi vaishumira Mwari vainwa waini, iyo inotaurwa nezvayo muBhaibheri kanopfuura ka100. (Genesisi 27:25) ‘Idya zvokudya zvako uchifara, inwa waini yako nomwoyo unofara,’ inodaro Muparidzi 9:7. Nemhaka yokuti waini inoita kuti munhu afare, kazhinji yainwiwa pamitambo, yakadai semichato. Pane mumwe muchato Jesu akaita chishamiso chake chokutanga paakachinja mvura kuti ive waini yainaka chaizvo. (Johani 2:1-11) Waini yaishandiswawo pakurapa.—Ruka 10:34; 1 Timoti 5:23.

Bhaibheri rinobvumira kunwa kusvika papi?

[Musaitwa] varanda newaini zhinji.”—Tito 2:3.

SEI ZVICHIKOSHA KUTI UZIVE NEZVENYAYA IYI?

Gore negore, mhuri dzakawanda dzinopinda mumatambudziko nemhaka yokuti mubereki mumwe chete kana kuti vose vari vaviri vanenge vachinwisa doro. Kunwisa doro kunoitawo kuti munhu agare achidonha uye apinde mutsaona, dzinosanganisira dzemumugwagwa. Uye nekufamba kwenguva kunwisa doro kunokuvadza uropi, mwoyo, chiropa, uye mudumbu.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mwari anoda kuti tive nemwero pakunwa uye pakudya. (Zvirevo 23:20; 1 Timoti 3:2, 3, 8) Mwari haafariri munhu asingazvidzori. Bhaibheri rinoti: “Waini museki, doro rinodhaka rinokonzera mheremhere, uye munhu wose anotsauswa nazvo haana kuchenjera.”—Zvirevo 20:1.

Doro rinogonawo kuita kuti munhu asava netsika dzakanaka. Hosiya 4:11 inoti: “Waini newaini inotapira ndizvo zvinobvisa kunzwisisa.” Ndizvo zvakaitika kune murume anonzi John. * Pashure pokunge anetsana nemudzimai wake, akaenda kuhotera achibva anohuchocha, ndokubva aita upombwe, izvo zvaakazozvidemba zvakanyanya uye akatsidza kuti aisazozviitazve. Kunwisa doro kunogona kukanganisa utano, tsika, uye kunamata kwedu, uye Bhaibheri rinotaura kuti zvidhakwa hazvizowani upenyu husingaperi.—1 VaKorinde 6:9, 10.

Ndirini pasingafaniri kunwiwa doro?

“Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”—Zvirevo 22:3, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

SEI ZVICHIKOSHA KUTI UZIVE NEZVENYAYA IYI?

“Doro rine simba chaizvo,” rinodaro bhuku rinonzi World Book Encyclopedia. Saka dziripo dzimwe nguva dzokuti kunyange kunwa zvine mwero kunenge kusina kukodzera.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Kazhinji vanhu vanopinda mumatambudziko nemhaka yokuti vanenge vanwa panguva inenge isina kukodzera. “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa,” rinodaro Bhaibheri, kusanganisira nguva yokurega kunwa doro. (Muparidzi 3:1) Somuenzaniso, mumwe munhu anenge asati asvika pazera rokunwa doro, anogona kunge chiri chidhakwa chiri kuda kusiya doro, kana kuti ari kunwa mishonga isingapindirani nedoro. Uye kune vakawanda chinorehwa ne“nguva yakatarwa” inguva yavanenge vava kuenda kubasa uye pavanenge vari pabasa, kunyanya kana vachizoshandisa michina inogona kuvakuvadza. Ichokwadi kuti vanhu vakachenjera vanoona upenyu uye utano sezvipo zvinokosha zvinobva kuna Mwari. (Pisarema 36:9) Patinobvumira Bhaibheri kuti rititungamirire panyaya yokunwa doro tinenge tichiratidza kuti tinoremekedza zvipo izvi.

^ ndima 11 Zita rakachinjwa.