Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Wanano

Wanano

Tinofanira kuona sei wanano?

“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Kuna Mwari wanano mubatanidzwa womurume nomukadzi uye chinhu chitsvene. Bhaibheri rinoti: “Kubvira pakutanga kwokusika ‘[Mwari] akavaita munhurume nomunhukadzi. Nokuda kweizvi murume achasiya baba vake naamai, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’ . . . Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” *Mako 10:6-9; Genesisi 2:24.

Mashoko okuti, “zvasungwa [kana kuti zvabatanidzwa] pamwe chete pajoko naMwari,” haarevi kuti Mwari ndiye anoronga kuti nhingi acharoorana nanhingi. Asi Bhaibheri parinoti Musiki ndiye Muvambi wewanano, rinenge richisimbisa pfungwa yokuti wanano hachisi chinhu chokutamba nacho. Murume nomukadzi vane maonero akafanana neaMwari vanoona wanano yavo sechinhu chitsvene, choupenyu hwose uye vanoedza kuita zvose zvavanogona kuti imba yavo igare ichifara. Kuti murume nomudzimai vazive uye vaite mabasa avakapiwa naMwari vanofanira kushandisa Bhaibheri kuti rivatungamirire uye pavanodaro zvinobva zvawedzera kuita kuti imba yavo isimbiswe.

Basa romurume nderei?

“Murume ndiye musoro womudzimai wake.”—VaEfeso 5:23.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Kuti zvinhu zvifambe zvakanaka mumhuri, pane anofanira kuzoita chisarudzo chekupedzisira. Bhaibheri rinoti iroro ibasa rababa. Asi hazvirevi kuti vanofanira kudzvanyirira kana kuzviita bhuru. Uyewo murume haafaniri kuregeredza mabasa ake achiomesera mudzimai wake, zvokuti zvinozoomera mudzimai wake kuti amuremekedze. Mwari anotarisira kuti murume ashande nesimba kuti ariritire mudzimai wake uye kumuremekedza somunhu waanoda uye waanovimba naye. (1 Timoti 5:8; 1 Petro 3:7) “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo,” inodaro VaEfeso 5:28.

Murume anoda mudzimai wake nomwoyo wose haazomuitiri godo pane zvaanogona kuita uye acharemekedza mafungiro omudzimai wake kunyanya panyaya dzinobata-bata mhuri. Haafaniri kungoomerera pane zvaanofunga achiti ndiye musoro wemba. Pane imwe nguva murume aitya Mwari ainzi Abrahamu akaramba kuteerera zano rine musoro rakanga rataurwa nemudzimai wake, Jehovha Mwari achibva amuudza kuti: “Teerera inzwi rake.” (Genesisi 21:9-12) Abrahamu akazvininipisa achibva ateerera, uye mhuri yake yakaramba yakabatana uye ichifara uye Mwari akavakomborera.

Basa romudzimai nderei?

“Madzimai, zviisei pasi pevarume venyu.”—1 Petro 3:1.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mwari asati asikira murume wokutanga mudzimai, akati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.” (Genesisi 2:18) Saka Mwari akasika mudzimai kwete kuti ave somurume kana kuti vakwikwidzane asi kuti vashande pamwe chete vachibatsirana. Vari pamwe chete vaigona kuzadzisa zvavakarayirwa naMwari kuti vave nevana uye vazadze nyika.—Genesisi 1:28.

Kuti mudzimai akwanise kuita mabasa aakapiwa, Mwari ane masikiro aakamuita pamafungiro ake, manzwiro ake uye chimiro chake. Mudzimai paanoshandisa zvinhu izvi nouchenjeri uye norudo zvinoita kuti imba yake ibudirire, murume wake achinzwa kuti anodiwa. Mwari anoti mudzimai anoita izvi akakodzera kurumbidzwa. *Zvirevo 31:28, 31.

^ ndima 5 Bhaibheri rinobvumira kuti murume nomudzimai varambane kana paitwa upombwe.—Mateu 19:9.

^ ndima 14 Varume nevakadzi vakaroorana vanogona kuwana mazano emhuri munyaya dzinoti “Mazano Okubatsira Mhuri” anowanikwa muMukai!”