Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvaungaita Kuti Ufare

Zvaungaita Kuti Ufare

Pane zvinotevera, ndechipi chaunofunga kuti ndicho chinonyanya kuita kuti ufare kana kuti usafare?

  • mamiriro anenge akakuitira zvinhu

  • maberekerwe awakaitwa (genes)

  • maonero aunoita zvinhu

VAMWE vanogona kusarudza “mamiriro anenge akaita zvinhu,” pamwe vachiti, “Ndaizofara . . .

  • “dai ndiine mari yakawanda”

  • “dai ndichigarisana zvakanaka newandakaroorana naye”

  • “dai ndiine utano hwakanaka”

Asi chokwadi chiripo ndechokuti maonero aunoita zvinhu ndiwo anonyanya kubatsira pakuita kuti ufare kudarika mamiriro anenge akakuitira zvinhu uye maberekerwe awakaitwa. Kuziva izvozvo kunofadza. Nemhaka yei? Nokuti une zvaunogona kuita kuti uve nemaonero akanaka. Asi kana ari mamamiriro anenge akakuitira zvinhu, ungasava nezvakawanda zvaunogona kuita kuti uachinje uyewo kana ari maberekerwe awakaitwa haugoni kutomboachinja.

“MUSHONGA WAKANAKA”

CHIMWE CHIREVO cheBhaibheri chinoti: “Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.” (Zvirevo 17:22, Bhaibheri Dzvene) Nemamwe mashoko, maonero aunoita zvinhu ane simba. Anogona kuita kuti ukwanise kuita zvawakaronga kana kuti uzvisiyire panzira, uyewo angaita kuti udzidze chimwe chinhu chinobatsira paunenge wasangana nedambudziko kana kuti usare usina tariro.

Vamwe vanhu vangasabvumirana nazvo. Vangati:

  • ‘Ndingadirei hangu kunyepedzera kuita sendisina chiri kundinetsa?’

  • ‘Handina zvakanaka zvandingafunga nezvazvo zvingachinja mamiriro akandiitira zvinhu.’

  • ‘Zviri nani kuona zvinhu sezvazviri pane kufungidzira zvisipo.’

Mafungiro iwayo angaita seane musoro. Kunyange zvakadaro, kuva nemaonero akanaka kune zvakwakanakira. Somuenzaniso, ona zvinotevera.

Kubasa kwaAlex naBrian, mumwe nemumwe wavo anoshanda zvakaoma pabasa rake. Pashure pokunge supavhaiza wavo aongorora mabasa avo, akavaratidza zvinhu zvavakanga vasina kuita nemazvo pamabasa acho.

  • Alex: “Ndapedza nguva yakawanda ndichishanda zvekushanda zviya asi hazvina kubuda zvakanaka! Handifungi kuti ndichazombofa ndakazvigona ini. Chero ndikashanda zvakaoma sei, hapana chandinombobura. Chandinozvinetsera chii?”

  • Brian: “Bhosi wangu andiudza zvimwe zvaafadzwa nazvo pabasa rangu, asi pane zvimwe zvandisina kuita nemazvo. Ndadzidza zvinhu zvinokosha zvichandibatsira kuti ndiite zviri nani nguva inotevera.”

UNOFUNGEI?

  • Panozopera mwedzi 6, ndeupi achange ava mushandi anogona basa rake, Alex kana kuti Brian?

  • Dai uri iwe une basa raunoda kuitirwa, ndeupi wawaizopinza basa kana kuti wawaizoita kuti arambe achikushandira?

  • Ko iwe paunosangana nezvinokuodza mwoyo, unoita semurume upi pavaviri ava?

Andrea naBrittney vanombosurukirwa. Asi mumwe nomumwe ane zvaanoita zvakasiyana nemumwe kana asurukirwa.

  • Andrea anongofunga zvakamunakira. Haadi kubatsira vamwe kutoti ivo vatanga kumubatsira. Anoti, ‘Ndingapedzerei hangu nguva yangu ndichibatsira vanhu vasina zvavanozondibatsirawo nazvo?’

  • Brittney anoita zvese zvaanogona kuti aitire vamwe zvakanaka uye avabatsire, asingatarisiri kuzotendwa. Anoitira vamwe zvaanoda kuti vamuitirewo. (Ruka 6:31) Brittney anoona sekuti kuitira vamwe zvakanaka ndiko kunoita kuti afare kwete kutendwa.

UNOFUNGEI?

  • Pavakadzi vaviri ava, ndeupi waungada kuti ave shamwari yako?

  • Ndeupi waunofunga kuti anogutsikana nezvaanoitirwa nevamwe?

  • Kana uchimbosurukirwawo, unoita sezvinoitwa naAndrea here kana kuti naBrittney?

Zvimwe unoziva vanhu vanoita sezvinoitwa naBrian naBrittney. Ungatofunga kuti newewo ndozvauri. Kana zvakadaro, unogona kuona kuti maonero aunoita zvinhu ndiwo anokosha. Ko kana uchiita sezvinoitwa naAlex kana kuti naAndrea? Ona zvinhu zvitatu zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka paunosangana nezvinhu zvinokunetsa muupenyu.

1 USAGARA UCHIFUNGA ZVINHU ZVINOKUSHAYISA MUFARO

BHAIBHERI RINOTI: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.”—Zvirevo 24:10.

ZVAZVINOREVA: Kugara uchifunga zvinhu zvinokushayisa mufaro kunokusiya usina simba rekugadzirisa kana kutsungirira dambudziko raungava naro.

MUENZANISO: Juliza paaikura aigara asingafari. Baba vake vaiva chiradza, uye kumba kwavo vaiva varombo. Mhuri yavo yaigara ichingotama-tama. Pakutanga, Juliza aigara achizvidya mwoyo pamusana pezvaaisangana nazvo. Asi zvakazochinja. Chii chakaita kuti zvidaro? Anoti, “Bhaibheri ndiro rakandibatsira kugadzirisa maonero andaiita zvinhu, kunyange panguva iyo vabereki vangu vakanga vasati vagadzirisa matambudziko avo. Nanhasi zvinotaurwa neBhaibheri zvichiri kundibatsira kuti ndisangofunga zvinhu zvinoodza mwoyo. Vanhu pavanoita zvinhu zvandisingafariri, ndinoedza kunzwisisa chinoita kuti vadaro.”

Juliza akadzidza kuti Bhaibheri ibhuku rinobatsira. Mazano aro anogona kukubatsira kutsungirira zvaungasana nazvo. Somuenzaniso, VaEfeso 4:23 inoti: ‘Rambai muchiitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande.’

Vhesi iyi inoratidza kuti unogona kuchinja maonero ako. Mafungiro ako anogona ‘kuitwa matsva.’ Asi kuchinja kwakadaro kunofanira kuramba kuchiitwa. Ndokusaka vhesi yacho ichiti tinofanira ‘kuramba tichiitwa vatsva.’

2 ISA PFUNGWA DZAKO PAZVINHU ZVAKANAKA

BHAIBHERI RINOTI: “Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa; asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.”—Zvirevo 15:15.

ZVAZVINOREVA: Kana ukagara uchiona zvinhu nenzira isina kunaka, ‘uchatambudzika’ uye zuva rimwe nerimwe richaita ‘serakaipa.’ Asi kana ukagara uchiisa pfungwa dzako pazvinhu zvakanaka, uchava ‘nemwoyo unofara.’ Ndiwe unosarudza zvaunoda.

MUENZANISO: Yanko akavhiyiwa kakawanda kuti abviswe bundu raiva muuropi uye akasara asingachanyatsokwanisi kuita zvimwe zvinhu zvakadai sekufamba uye kutaura. Izvi zvakaita kuti azvidye mwoyo kwemakore akawanda achifunga kuti zvaizomutadzisa kuzadzisa zvinangwa zvake. Asi haana kuzoramba achizvidya mwoyo. Zvii zvakamubatsira? Anoti, “Pane kugara ndichifunga zvinhu zvandakanga ndisingakwanisi kuita, ndakaita kuti pfungwa dzangu dzirambe dzichifunga zvinhu zvinokurudzira.”

Chimwe chinomubatsira kuverenga Bhaibheri. Anoti, “Izvi zvinoita kuti ndigare ndichifunga zvinhu zvakanaka. Ndichiri kuda kuzadzisa zvinangwa zvangu zvenguva refu, asi pari zvino ndiri kunyanya kufunga nezvezvinangwa zvidiki zvandinokwanisa kuzadzisa. Ndikaona ndava kutanga kufunga zvinhu zvinondishayisa mufaro, ndinoedza kuisa pfungwa dzangu pazvinhu zvinoita kuti ndifare.”

Iwe unogonawo kukurira pfungwa dzinokushayisa mufaro wotanga kufunga zvinhu zvakanaka. Kana zvinhu zvisina kukumirira zvakanaka, somuenzaniso, kana uine dambudziko routano saYanko, zvibvunze kuti: ‘Dambudziko racho harigadzirisiki zvachose here? Zvinoreva here kuti ndopaperera sarungano, kana kuti ndinogona kuenderera mberi noupenyu?’ Edza kugara uchifunga zvinhu zvinovaka.

3 BATSIRAWO VAMWE

BHAIBHERI RINOTI: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

ZVAZVINOREVA: Munhu anopa asingatarisiri kuzowana chimwe chinhu anofara. Nemhaka yei? Nokuti hatina kusikwa kuti tiite zvakangotinakira isu pachedu asi zvakanakirawo vamwe. (VaFiripi 2:3, 4; 1 Johani 4:11) Mufaro watinowana pakubatsira vamwe unogona kuita kuti tinzwe zviri nani zvinhu pazvinenge zvisina kutimirira zvakanaka.

MUENZANISO: Josué ane chirwere chemuzongoza chinonzi spina bifida uye anowanzorwadziwa chaizvo. Asi Josué anofarira kubatsira vamwe. “Panzvimbo pekufunga kuti, ‘handikwanisi kubatsira vamwe,’” anodaro Josué, “ndinowanzofunga nzira dzandingavabatsirawo nadzo. Izvozvo zvinoita kuti ndiwane chimwe chinhu chakuvaitirawo, zvobva zvaita kuti ndifare.”

ZVAUNGAITA

Tsvaka mikana yokubatsira vamwe. Somuenzaniso, ungagadzirira muvakidzani wako zvokudya here paanenge achirwara? Pane vanhu vakwegura vaunoziva here vanoda kubatsirwa kuita mabasa epamba?

Kuti uve nemaonero akanaka unofanira kushanda nesimba sezvaungaita mugadheni. Unofanira kudzura mafungiro anokushayisa mufaro ayo akaita semasora. Dyara mafungiro anoita kuti uve netariro, uye ita zvinhu zvinoita kuti usazvidye mwoyo. Ukaita zvose izvi uchakohwa mufaro. Uye uchabva waona kuti maonero aunoita zvinhu ndiwo anonyanya kubatsira pakuita kuti ufare!

Vamwe vanhu vanongwarira zvavanodya kuti vave neutano hwakanaka, iwewo unofanira kungwarira zvaunofunga kuti uve nemaonero akanaka