Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unozivei nezveZvapupu zvaJehovha?

Unozivei nezveZvapupu zvaJehovha?

Unotiona tichiparidzira vanhu, unogona kunge wakaverenga nezvedu mumapepanhau kana kuti wakanzwa vamwe vanhu vachitaura nezvedu. Asi unoziva zvakawanda zvakadini nezveZvapupu zvaJehovha?

CHIMBOONGORORA ZVAUNOZIVA NEZVAVO

Maka mutsetse mumwe nemumwe kuti hongu kana kuti kwete.

HONGU KWETE

  1. Zvapupu zvaJehovha vaKristu.

  2. Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti nyika yakasikwa mumazuva 6 akareba maawa 24.

  3. Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi kurapwa.

  4. Zvapupu zvaJehovha zvinotenda Bhaibheri rese.

  5. Zvapupu zvaJehovha zvinongoshandisa Bhaibheri razvo chete.

  6. Zvapupu zvaJehovha zvakachinja Bhaibheri razvo kuti rienderane nezvazvinotenda.

  7. Zvapupu zvaJehovha hazvibatsiri vanhu munharaunda.

  8. Zvapupu zvaJehovha zvinotarisira pasi vanhu vezvimwe zvitendero.

Kuti uwane mhinduro verenga mapeji anotevera.

  1. 1 HONGU. Tinoedza kunyatsotevedzera zvaidzidziswa uye zvaiitwa naJesu Kristu. (1 Petro 2:21) Asi zvatinoita zvakasiyana nezvinoitwa nezvimwe zvitendero zvinozviti ndezvechiKristu. Somuenzaniso, takaona kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu Mwanakomana waMwari uye kuti haasi Mwari vatatu mumwe. (Mako 12:29) Hatitendi kuti mweya haufi uye takaonawo kuti hapana magwaro anotsigira dzidziso yekuti Mwari anopisa vanhu nokusingaperi. Hatitendiwo kuti vaya vanotungamirira muzvitendero vanofanira kuva nemazita ekuremekedzwa anoita kuti vave pachinzvimbo chakakwirira kupfuura vamwe.—Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4; Mateu 23:8-10.

  2. 2 KWETE. Tinotenda kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. Asi hatibvumirani nedzidziso yokuti zvinhu zvese zvakasikwa mumazuva 6 akareba maawa 24. Nei tisingabvumirani nedzidziso iyi? MuBhaibheri shoko rokuti “zuva” rinogona kureva nguva yakareba. (Genesisi 2:4; Pisarema 90:4) Saka zvinotaurwa nevanotsigira dzidziso iyi zvinopesana neBhaibheri. Chimwezve ndechekuti vanotsigira dzidziso iyi vanodzidzisa kuti nyika ino ingori nezviuru zvemakore kubva payakasikwa. Asi maererano neBhaibheri, nyika ino uye denga zvakanga zvatovapo mazuva 6 okusika asati atanga. 1Genesisi 1:1.

  3. 3 KWETE. Tinobvuma kurapwa. Vamwe vedu vatori vanachiremba sezvakanga zvakaita mumwe muKristu anotaurwa muBhaibheri ainzi Ruka. (VaKorose 4:14) Asi tinoramba kurapwa kwose kunopesana nemitemo yeBhaibheri. Somuenzaniso, hatiwedzerwi ropa nokuti Bhaibheri rinoti tinofanira kurege ropa.Mabasa 15:20, 28, 29.

    Kunyange zvakadaro, isu nehama dzedu tinoda kurapwa zvakanaka. Dzimwe nzira dzekurapa pasina kuwedzerwa ropa, idzo dzakatangwa nechinangwa chokubatsira Zvapupu, dzava kutobatsirawo vamwe vanhu. Munyika dzakawanda chero murwere upi zvake ava kukwanisa kusarudza kusawedzerwa ropa achityira matambudziko anowanika pakuwedzerwa ropa, akadai sezvirwere zvinowanika muropa, kuwedzerwa ropa risingawirirane nemuviri wake nezvimwewo zvinogona kukanganiswa nevashandi vemuzvipatara.

  4. 4 HONGU. Tinotenda kuti Bhaibheri rose ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira.’ (2 Timoti 3:16) Kana tichiti Bhaibheri rose tinenge tichireva Testamende Yekare uye Testamende Itsva, sematauriro anoita vakawanda. Zvikamu izvozvo tinozviti Magwaro echiHebheru uye Magwaro echiKristu echiGiriki. Izvozvo tinozviitira kuti tisape pfungwa yekuti mamwe mabhuku eBhaibheri haachashandi kana kuti ava echinyakare.

  5. 5 KWETE. Tinoshandisa shanduro dzakasiyana-siyana patinenge tichidzidza Bhaibheri. Asi tinonyanya kushandisa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumitauro yarinowanika nokuti rakarurama, rinonzwisisika, uye rinoshandisa zita raMwari. Funga nezvedambudziko riripo panyaya yekushandiswa kwezita raMwari rokuti Jehovha. Mumashoko okusuma erimwe Bhaibheri mune mazita 79 evanhu vakashanda pakubudiswa kweBhaibheri racho. Asi Bhaibheri iroro haritauri zita reMunyori waro, Jehovha Mwari! Kusiyana neBhaibheri iri, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzorera zita raMwari parakanga riri mumagwaro ekutanga. 2

  6. 6 KWETE. Patakaona kuti zvataitenda zvakanga zvisinganyatsoenderani neBhaibheri takagadzirisa manzwisisiro edu. Tisati tatombotanga kubudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muna 1950, taishandisa dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzaiwanika panguva yacho tichiita kuti zvatinotenda zvienderane nezvataiverenga madziri.

  7. 7 KWETE. Basa redu rekuparidza rinobatsira vanhu vakawanda. Takabatsira vanhu vakawanda kuti vakunde dambudziko rainge ravapinda muropa rekudhakwa kana kuti rekushandisa madhiragi. Makirasi ekudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora atinoitisa pasi rose ari kubatsira zviuru zvevanhu. Kana pakaitika njodzi tinobatsira Zvapupu nevasiri Zvapupu. Tinoedza kuvapa ruyamuro rwavanenge vachinyatsoda panguva dzakadai uye kuvakurudzira panyaya dzekunamata. 3

  8. 8 KWETE. Tinotevedzera zano reBhaibheri rekuremekedza “vanhu vemarudzi ose” pasinei nekuti ndevechitendero chipi. (1 Petro 2:17) Somuenzaniso, kunyange zvazvo mune dzimwe nyika muine mazana ezviuru eZvapupu zvaJehovha, hatiedzi kufurira vezvematongerwo enyika kuti varambidze zvimwe zvitendero kuita mabasa azvo. Hatiedziwo kumanikidza vanogadza mitemo kuti vadzike mitemo inomanikidza vanhu kutevedzera zvatinotenda. Tinonzwisisawo kuti vamwe vane kodzero yokutenda zvavanotenda sezvo tichifara kana ivo vakatibatawo saizvozvo.—Mateu 7:12.

Mamwe mashoko ari munyaya ino akatorwa panzvimbo yedu yekubudisira mashoko paIndaneti yejw.org. Kuti unzwe zvakawanda, enda pakanzi NEZVEDU > MIBVUNZO INONYANYA KUBVUNZWA.

^ 1. Nokuda kwechikonzero ichocho tinobvumirana netsvakurudzo dzakaitwa nevesayenzi dzinoratidza kuti nyika ino yava nemabhiriyoni emakore, izvo zvinorambwa nevaya vanoti nyika yakasikwa mumazuva 6 emaawa 24.

^ 2. Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakasiyana nemamwe maBhaibheri pakuti: Rinopiwa vanhu pachena.Izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda vakwanise kuverenga Bhaibheri mumutauro wavo. Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rava kuwanika mumitauro inosvika 130. Unogona kutoriverenga paIndaneti pawww.ps8318.com.

^ 3. Imwe nzira yatinoshandisa mari yezvipo ndeyekubatsira vanenge vawirwa nenjodzi. (Mabasa 11:27-30) Sezvo basa racho rose richiitwa nevanhu vanozvipira uye vasingabhandarwi, mari yacho inongonangana nezvainenge yaunganidzirwa kuti ishandiswe pakupa ruyamuro.