Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Anotibatsira Kuti Tifare Muupenyu

Mazano Anotibatsira Kuti Tifare Muupenyu

“Kunyange zvazvo ndichirwadziwa pandinoona zvinhu zvakaipa zviri munyika, zvakadai sehondo, urombo, zvirwere, kusabatwa zvakanaka kwevana, iye zvino ndava kuziva kuti zvinhu izvi zvichapera.”—RANI. *

Mukadzi abva kutaurwa pamusoro apa anonzi Rani akatanga kufara muupenyu paakaziva kuti Musiki wedu Mwari wemasimbaose ndiye anotipa mazano anoita kuti tifare muupenyu. Paunenge uchiverenga nyaya dzinotevera, ona kuti zvinodzidziswa naMwari zvinogona kukubatsira sei . . .

  • kuva nemhuri inofara

  • kuwirirana nevamwe

  • kugutsikana

  • kunzwisisa kuti nei tichitambura uye tichifa

  • kuva nechokwadi chekuti Musiki achabvisa kutambura torarama upenyu hwakanaka

  • kuziva Musiki wedu toswedera pedyo naye

Uchaona kuti zvinhu izvi zvinotaurwa neMusiki zvinokwanisa kuzivikanwa nemunhu wese kwete nevanhu vashoma chete.

^ ndima 2 Mazita ari mumagazini ino akachinjwa.