Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuziva Zvinotaurwa neMusiki

Unogona Kuziva Zvinotaurwa neMusiki

“Magwaro ese akafemerwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Muvhesi iyi shoko rekuti ‘kufemera’ rinoreva kuti Mwari Wemasimbaose akaisa pfungwa dzake muvanhu vainyora Bhaibheri.

Mwari Anokukurudzira Kuti Ushandise Mazano Aanokupa

‘Ini, Jehovha, ndini . . . ndinokudzidzisa zvinokubatsira, ndini ndinokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo. Kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita serwizi uye kururama kwako semafungu egungwa.’—ISAYA 48:17, 18.

Zvione sekuti Mwari ari kukuudza mashoko aya. Anoda kuti uve nerugare nemufaro usingaperi uye anogona kukubatsira kuti uzviwane.

Unogona Kuziva Zvinotaurwa naMwari

‘Mashoko akanaka anofanira kuparidzwa kumarudzi ese.’—MAKO 13:10.

“Mashoko akanaka” anosanganisira vimbiso yaJehovha yekuti achabvisa kutambura, achaita kuti nyika ive paradhiso, uye achamutsa hama dzedu dzakafa. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza mashoko aya anobva muBhaibheri pasi rese.