Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | SARA

Mwari Akamuti “Mwanasikana Wamambo”

Mwari Akamuti “Mwanasikana Wamambo”

SARA anotwasudza musana apedza kuita basa, otarisa nechekure. Vashandi vaita basa ravo vachifara vachitungamirirwa naye. Sara anga achishandawo. Chimbofungidzira achitwasanudza maoko ake. Pamwe anga akabatikana nekuisa chigamba patende ravaigara. Tende racho, iro rainge rakagadzirwa nemvere dzembudzi, rainge rapera ruvara nekugara richinaiwa nekupiswa nezuva kwemakore, zvichiita kuti Sara ayeuke kuti vainge vava nenguva yakareba vachigara mumatende. Zuva rava kunyura. Ainge aonekana naAbrahamu * mangwanani uye iye zvino aringa nzira achimirira kuti adzoke. Paanoona murume wake achibudikira nepachikomo, anobva anyemwerera.

Pakanga patopfuura makore 10 kubva pakayambuka Abrahamu nemhuri yake rwizi rwaYufratesi vachipinda muKenani. Sara akamutsigira parwendo urwu nekuti aiziva kuti murume wake aiva nebasa guru pakuzadzisa chinangwa chaJehovha chekuti pave nemwana aikosha uye kuti pave nerudzi. Asi iye Sara aizobatsira papi? Akanga asingabereki uye atova nemakore 75. Anogona kunge akafunga kuti, ‘Zvakavimbiswa naJehovha zvingaitika sei ini ndisingabereki?’ Zvinonzwisisika kana akanetseka kana kuti akanonokerwa nekuona zvaizoitika.

Dzimwe nguva tinogonawo kunetseka kuti zvakavimbiswa naMwari zvichaitika rini. Kumirira hakusi nyore, kunyanya kana zvatiri kumirira zvacho zviri zvinhu zvatinoda. Tinodzidzei kubva pakutenda kwaiva nemukadzi uyu?

“JEHOVHA ANDIDZIVISA”

Mhuri yaAbrahamu yakanga ichangobva kubuda muIjipiti. (Genesisi 13:1-4) Vakanga vachigara mumakomo kumabvazuva kweBheteri, kana kuti Ruzi, sekuzivikanwa kwayaiitwa nevaKenani. Vari munzvimbo iyi yakakwirira, Sara aigona kuona Nyika Yakapikirwa. Aiona misha yevaKenani uye migwagwa yakareba. Asi zvese izvi zvakanga zvisina kunaka kupfuura guta raakanga akurira. Akanga akurira muUri, guta remuMesopotamiya raiva kure nemakiromita 1 900. Akasiya hama dzake dzakawanda ikoko, upenyu huri nyore muguta rakanga riine misika nezvitoro, uye imba yake yakanaka yakanga yakavakwa nezvidhinha iine denga, zvimwe ichitova nemvura yemupombi! Asi kana tikafungidzira mukadzi uyu aida Mwari achimbotarisa kumabvazuva akasuwa achifunga upenyu hwaaimborarama kuUri, tinenge tarasika.

Funga zvakafemerwa muapostora Pauro kuti anyore pashure pemakore 2 000. Achitaura nezvekutenda kwaiva naSara naAbrahamu, akati: “Kudai vakanga varamba vachiyeuka nzvimbo iyoyo yavakanga vabva, vangadai vakava nomukana wokudzokera.” (VaHebheru 11:8, 11, 15) Sara naAbrahamu havana kudokwairira zvinhu zvavakanga vasiya. Kudai vakanga varamba vachizvifunga, vangadai vakadzokera. Kudzokera kuUri kwaizoita kuti vasawana makomborero akakura avainge vavimbiswa naJehovha. Uye tingadai tisiri kumboyeuka nezvavo uye tisina chinhu chakanaka chatingadzidza kwavari panyaya yekutenda.

Pane kutarisa kumashure, Sara akatarisa zvaiva mberi. Saka akaramba achitsigira murume wake pakutama-tama kwavaiita, achibatsira kurongedza matende, kufambisa mhuka uye kudzikazve matende. Akatsungirira mamwe matambudziko nekuchinja kwezvinhu. Jehovha akataura zvekare vimbiso yake kuna Abrahamu, asi haana kutaura nezvaSara!​—Genesisi 13:14-17; 15:5-7.

Sara akazosarudza kuudza Abrahamu zano raaifunga. Fungidzira chiso chake chichiratidza kunetseka paakati: “Ndapota zvino! Jehovha andidzivisa kubereka vana.” Akabva akumbira murume wake kuti abereke vana nemushandikadzi wake, Hagari. Chimbofunga kuti izvozvo zvinofanira kunge zvakashungurudza sei Sara? Mazuva ano, zvingashamisa kuti munhu akumbire izvozvo, asi kare zvanga zvakajairika kuti murume anogona kutora mumwe mukadzi kuti abereke mugari wenhaka. * Sara angava akafunga here kuti kuita izvi kwaizoita kuti chinangwa chaMwari chizadzike chekuti pave nerudzi kubva kuna Abrahamu? Pasinei nekuti akafungei, aida kuzvipira. Abrahamu akaitei? Tinoverenga kuti “akateerera inzwi ra[Sara].”​—Genesisi 16:1-3.

Nyaya iyi inoratidza kuti Jehovha ndiye akatuma Sara kuti aite chikumbiro ichocho here? Aiwa. Zvakaitwa naSara zvinoratidza mafungiro anoita vanhu. Aifunga kuti Mwari ndiye akanga aita kuti asabereka uye kuti Mwari haana zvaaigona kuita kuti agadzirise dambudziko racho. Zano raSara raizoita kuti arwadziwe. Asi rakaratidzawo kuti aisangozvifunga. Munyika ino yakazara nevanhu vanongozvifunga, kuzvipira kwaSara kunoshamisa. Tinogona kutevedzera kutenda kwaSara kana tikaisa zvinangwa zvaJehovha pekutanga pane kungofunga zvakatinakira.

“WASEKA”

Pasina nguva, Hagari akava nepamuviri. Akabva atanga kushora tenzikadzi wake, pamwe nekuti akanga ava kufunga kuti kuita pamuviri kwaimuita kuti akosheswe kupfuura Sara. Izvi zvakarwadza Sara! Abvumirwa naAbrahamu uye achitsigirwa naMwari, Sara akatambudza Hagari. Hagari akabereka mwanakomana ainzi Ishmaeri ndokubva papfuura makore pasina shoko rakabva kuna Jehovha. (Genesisi 16:4-9, 16) Jehovha paakazotaura mamwe mashoko zvekare, Sara akanga ava nemakore 89 uye murume wake 99. Mashoko avakaudzwa aishamisa!

Jehovha akavimbisazve Abrahamu kuti aizoita kuti vana vake vawande. Mwari akabva amuchinja zita. Aimbonzi Abramu, asi Jehovha akamupa rekuti Abrahamu, iro rinoreva kuti “Baba Vevanhu Vazhinji.” Uye Jehovha ndipo paakaratidza kekutanga kuti zvii zvaizoitwawo naSara kuti chinangwa chake chizadzike. Akachinja zita rake rekuti Sarai, iro zvichida raireva kuti “Kukakavara,” achibva amupa ratinoziva rekuti Sara. Zita rekuti Sara rinorevei? “Mwanasikana Wamambo”! Jehovha akataura chikonzero nei akamupa zita iroro: “Ndichamukomborera uyewo ndichakupa mwanakomana anobva kwaari; ndichamukomborera uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva maari.”​—Genesisi 17:5, 15, 16.

Sungano yaJehovha yekuti pave nemwana aizokomboreramarudziese yaizozadziswa nekumwanakomana waSara! Zita rakapiwa mwana uyu naMwari rekuti Isaka, rinoreva kuti “Kuseka.” Abrahamu paakanzwa nezvechinangwa chaJehovha chekukomborera Sara nemwana, “akawira pasi nechiso chake akatanga kuseka.” (Genesisi 17:17) Akashamisika asi uko achifara. (VaRoma 4:19, 20) Ko Sara?

Pasina nguva, vamwe varume vatatu vakauya kutende raAbrahamu. Zuva rainge richipisa, asi Abrahamu naSara vakamhanya kunotambira vaeni ava. Abrahamu akati kuna Sara: “Kurumidza! Tora maseya matatu efurawa yakatsetseka, kanya mukanyiwa uite makeke eraundi.” Kare ikako, kugamuchira vaeni raiva basa rakakura. Abrahamu akabatsira mudzimai wake. Akamhanya kunouraya nzombe diki uye kugadzira chimwe chikafu nezvekunwa. (Genesisi 18:1-8) Vakazoziva kuti “varume” ivavo vaiva ngirozi dzaJehovha! Muapostora Pauro anogona kunge aifunga nezvenyaya iyoyo paakanyora kuti: “Musakanganwa kugamuchira vaeni zvakanaka, nokuti nokuita izvozvo, vamwe vakagamuchira ngirozi vasingazvizivi.” (VaHebheru 13:2) Unogona kutevedzerawo here muenzaniso wakanaka waAbrahamu naSara wekugamuchira vaeni?

Sara aifarira kugamuchira vaeni

Imwe yengirozi payaiudza Abrahamu nezvechipikirwa chaMwari chekuti Sara aizobereka mwanakomana, Sara aiteerera ari mutende. Haana kuzvibvuma kuti angaita mwana pazera rake, saka akabva asekera mumwoyo achiti: “Chokwadi ndichazvifarira here, zvandachembera kudai, uye ishe wangu zvaakwegura?” Ngirozi yacho yakabva yagadzirisa mafungiro aSara nekubvunza kuti, “Pane chinhu chipi nechipi chakanyanya kuomera Jehovha here?” Sara akatya ndokubva atanga kuramba kuti akanga aseka. Akabva ati: “Handina kuseka!” Ngirozi yacho yakamuti: “Aiwa! waseka.”​—Genesisi 18:9-15.

Kuseka kwakaita Sara kunoratidza kuti akanga asina kutenda here? Aiwa. Bhaibheri rinoti: “Nokutenda naiyewo Sara akagamuchira simba rokubata pamuviri pomwana, kunyange akanga apfuura zera racho, sezvaaifunga kuti akanga amupikira akanga akatendeka.” (VaHebheru 11:11) Sara aiziva Jehovha; aiziva kuti aigona kuita chero chaanenge ataura. Tese tinoda kuva nekutenda kwakadaro. Kuti tive nakwo, zvinoda kuti tizive Mwari anotaurwa muBhaibheri. Patinonyatsomuziva, tinobva tanzwisisa kuti nei Sara akanga aine kutenda kwakasimba. Zvechokwadi, Jehovha akatendeka uye anozadzisa zvinangwa zvake zvese. Dzimwe nguva anozvizadzisa nenzira dzatisingambofungidziri!

“TEERERA INZWI RAKE”

Jehovha akapa Sara mubayiro nekuti aiva nekutenda

Sara akazowana zvaainge achishuvira, ava nemakore 90. Akabereka mwanakomana uye murume wake akanga ava nemakore 100! Abrahamu akapa mwana uyu zita rakanga rataurwa naMwari rekuti Isaka. Fungidzira Sara akaneta, asi achinyemwerera achiti: “Mwari aita kuti ndisekwe: vose vanozvinzwa vachandiseka.” (Genesisi 21:6) Chipo ichi chinoshamisa chaakapiwa naJehovha chakaita kuti azofara kweupenyu hwake hwese. Asiwo, akanga ava nebasa guru rekuita.

Isaka paakanga ava nemakore 5, mhuri yacho yakaita mutambo wekupemberera kurumurwa kwake. Asi pane zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Tinoverenga kuti Sara “akaramba achiona” kuti Ishmaeri mwanakomana waHagari, uyo akanga ava nemakore 19, aigara achiseka Isaka. Kuseka uku kwakanga kusiri kungotambawo zvako. Muapostora Pauro akazofemerwa kunyora kuti zvaiitwa naIshmaeri kwaitova kutambudza Isaka. Sara akaona kuti zvaiitirwa mwana wake yakanga isiri nyaya yekutamba nayo. Aiziva kuti Isaka aisangova mwanawo zvake, asi aiva nebasa rinokosha muchinangwa chaJehovha. Saka akaita ushingi, achibva ataura naAbrahamu. Akamukumbira kuti adzinge Hagari naIshmaeri.​—Genesisi 21:8-10; VaGaratiya 4:22, 23, 29.

Abrahamu akaita sei? Tinoverenga kuti: “Chinhu chacho hachina kumbofadza Abrahamu pamusoro pomwanakomana wake.” Aida mwana wake,sakazvakangazvisiri nyore kuti amudzinge pamba. Asi Jehovha aiona zvinhu sezvazviri, saka akapindira. Tinoverenga kuti: “Ipapo Mwari akati kuna Abrahamu: ‘Usarega chero chinhu chipi zvacho icho Sara anoramba achikutaurira chichiva chisingakufadzi pamusoro pomukomana uye pamusoro pomurandasikana wako. Teerera inzwi rake, nokuti achanzi mwana wako achavapo nokuna Isaka.’” Jehovha akavimbisa Abrahamu kuti aizochengetedza Hagari nemwana wake. Abrahamu akateerera zvakataurwa naMwari.​—Genesisi 21:11-14.

Sara aitsigira murume wake nemwoyo wese. Aisangotaura zvinhu zvekungoda kufadza murume wake. Paaiona dambudziko raigona kuvhiringa mhuri yavo, aibudira murume wake pachena. Hatifaniri kufunga kuti zvaaiita izvi kwaiva kusaremekedza murume wake. Muapostora Petro, uyo ainge akaroora, akazotaura nezvaSara achiti aiva mudzimai airemekedza murume wake kwazvo. (1 VaKorinde 9:5; 1 Petro 3:5, 6) Chokwadi ndechekuti dai Sara akaramba akanyarara, ndokwaizova kusaremekedza murume wake nekuti mhuri yese yaizorasikirwa. Sara akataura zvaaifunga, achizviita neruremekedzo.

Madzimai akawanda anokoshesa muenzaniso waSara. Vanotaurawo zvavanofunga kuvarume vavo neruremekedzo. Dzimwe nguva mamwe madzimai anoshuva kuti dai Jehovha apindira sezvaakaita kuna Sara. Kunyange zvakadaro, vanodzidza kubva kuna Sara kuti vave nekutenda kwakasimba, rudo uye mwoyo murefu.

Jehovha akadana Sara kuti “Mwanasikana Wamambo,” asi haana kumbotarisira kubatwa semunhu anoshamisira

Kunyange zvazvo mukadzi uyu akanzi naJehovha “Mwanasikana Wamambo,” haana kumbotarisira kubatwa semunhu anoshamisira. Saka hazvishamisi kuti paakafa ava nemakore 127, Abrahamu “akapinda kuti acheme Sara nokumusvimhira misodzi.” * (Genesisi 23:1, 2) Aisuwa chaizvo mudzimai wake waaida. Jehovha Mwari anosuwawo mukadzi uyu akanga akatendeka uye achamumutsa munyika inenge yava paradhiso. Sara nevaya vanotevedzera kutenda kwake vachararama nekusingaperi.​—Johani 5:28, 29.

^ ndima 3 Vaimbonzi Abramu naSarai asi Jehovha akazovapa mazita ekuti Abrahamu naSara. Saka ndoatichashandisa nekuti ndiwo anonyanya kuzivikanwa.

^ ndima 10 Jehovha akambosiya vanhu vachiita barika, asi akazoita kuti Jesu adzorere zvaimbovapo pakutanga muEdheni zvemukadzi mumwe chete nemurume mumwe chete.​—Genesisi 2:24; Mateu 19:3-9.

^ ndima 25 Sara ndiye ega mukadzi anotaurwa muBhaibheri kuti akanga ava nemakore mangani paakafa.