Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 MAZANO OKUTI MHURI IFARE

Zvamungaita Kana Mwana Wenyu Akaremara

Zvamungaita Kana Mwana Wenyu Akaremara

CARLO * anoti: “Mwanakomana wedu Angelo ane chirwere cheDown syndrome. Kurwara kwake kunotipedza simba uye tinoshushikana. Fungidzira kuti unoda simba rakawanda zvakadini kuti utarisire mwana ane utano hwakanaka, chipeta simba iroro ka100. Dzimwe nguva zvinombovhiringidza magariro edu semurume nemudzimai.”

MIA: anoti: “Zvakaoma uye zvinotoda mwoyo murefu kuti udzidzise Angelo kuita chinhu chiri nyore. Pandinenge ndapera nokuneta, ndinowanzogumbukira murume wangu Carlo. Dzimwe nguva hatiwirirani pane zvimwe zvinhu uye tinopedzisira tava kupopotedzana.”

Unoyeuka here zuva rakaberekwa mwana wenyu? Hapana mubvunzo kuti waida chaizvo kumubata mumaoko. Zvisinei, kuvabereki vakaita saCarlo naMia, mufaro wavo unopedzisira wakanganiswa pavanoudzwa kuti mwana wavo anorwara kana kuti akaremara.

Une mwana akaremara here? Kana unaye unganetseka kuti uchazvigona here? Haufaniri hako kunetseka nokuti pane vabereki vakaita sewe vakakunda dambudziko iri. Ngatimbokurukura matambudziko matatu ane vakawanda uye kubatsirwa kwaungaitwa nemazano ouchenjeri ari muBhaibheri.

DAMBUDZIKO ROKUTANGA: UNOOMERWA NOKUBVUMA KUTI MWANA WAKO AKAREMARA.

Vabereki vakawanda vanonetseka chaizvo pavanoziva kuti mwana wavo anorwara. Vamwe amai vokuMexico vanonzi Juliana vanoti: “Vanachiremba pavakandiudza kuti mwanakomana wedu Santiago aiva nechirwere  chinonzi cerebral palsy, handina kuzvibvuma. Zvakandidya mwoyo chaizvo.” Vamwe vanogona kuva nemaonero aiva nevamwe amai vokuItaly vanonzi Villana. Vanoti: “Ndakasarudza kuita mwana kunyange zvazvo zviine ngozi kuvakadzi vezera rangu. Iye zvino ndinozvipa mhosva pandinoona mwana wangu achinetseka neDown syndrome.”

Kana uchinetseka kana kuti uchizvipa mhosva, ziva kuti hausi woga unonzwa saizvozvo. Mwari paakasika vanhu akanga asina chinangwa chokuti varware. (Genesisi 1:27, 28) Haana kusika vabereki vachikwanisa kukurumidza kubvuma zvinhu zvakadai sokurwarirwa. Zvingori muropa kuti unetseke kana ukaziva kuti mwana wako akaremara. Zvinotora nguva kuti uzvibvume uye kuti ujairane nokurwara kwacho.

Ko kana uchifunga kuti ndiwe wakakonzeresa urema hwemwana wako? Yeuka kuti hapana munhu anonyatsonzwisisa kuti zvinhu zvakadai semagenes evabereki, nzvimbo yaunogara nezvimwewo, zvinoita sei pautano hwemwana. Asiwo unganzwa uchida kupomera wawakaroorana naye. Rwisa pfungwa iyoyo. Zvingatokubatsirai kana mukaisa misoro pamwe newawakaroorana naye moisa pfungwa dzenyu pakutarisira mwana wenyu.—Muparidzi 4:9, 10.

ZVAMUNGAITA: Dzidza nezvechirwere chemwana wenyu. Bhaibheri rinoti: “Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa.”—Zvirevo 24:3, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Unogona kudzidza zvakawanda mune mamwe mabhuku uye kunanachiremba. Ungafananidza kudzidza kwauchaita nezvedambudziko remwana wenyu nokudzidza mumwe mutauro. Pakutanga zvinenge zvakaoma asi unopedzisira wava kunyatsoziva.

Carlo naMia, vataurwa kwokutanga vakatsvaka mamwe mashoko ane chokuita nechirwere chemwana wavo kuna chiremba wavo uye kune rimwe sangano rinoona nezvechirwere chacho. Vanoti: “Izvi hazvina kungoita kuti tinzwisise matambudziko anokonzerwa neDown syndrome chete asiwo zvakaita kuti tizive kuti munhu ane chirwere ichi ane zvimwe zvaanokwanisawo kuita. Takaziva kuti mwanakomana wedu aizorarama achikwanisa kuita zvimwe zvinongoitwawo nevamwe. Izvozvo zvakatinyaradza chaizvo.”

EDZA IZVI: Nyanya kufunga zvinogonekwa nemwana wenyu. Rongai kuita zvimwe zvinhu pamwe chete semhuri. Kana mwana wenyu akakwanisa kuita zvinhu zvingaita sezvidiki, musanonoka kumurumbidza uye farai naye.

DAMBUDZIKO RECHIPIRI: UNONZWA KUNETA UYE UNOONA SOKUTI HAUNA KWOKUTURIRA NHAMO DZAKO.

Unganzwa sokuti kutarisira mwana wenyu akaremara kuri kukupedza simba. Jenney, vamwe amai vokuNew Zealand vanoti: “Mumakore okutanga pashure pokunge mwanakomana wangu abatwa chirwere chinonzi spina bifida, pose pandaida kuita rimwe basa ndainzwa ndarukutika uye ndaitanga kuchema.”

Rimwe dambudziko ringava rokuti unonzwa sokuti hauna shamwari dzinokubatsira. Ben ane mwanakomana ane chirwere chinonzi muscular dystrophy nechinonzi Asperger’s syndrome. Anoti: “Vakawanda vangasanyatsonzwisisa zviri kuitika muupenyu hwedu.” Unganzwa uchida chaizvo kutaura nemumwe munhu. Asi shamwari dzako dzakawanda dzinenge dzine vana vane utano hwakanaka. Saka ungazeza kuvaudza zviri kukunetsa.

ZVAMUNGAITA: Kumbira kubatsirwa nevamwe uye bvuma rubatsiro rwacho. Juliana ambotaurwa anoti: “Dzimwe nguva ini nomurume wangu tinonyara kukumbira kubatsirwa.” Zvisinei anowedzera kuti, “Takadzidza kuti tinotoda kubatsirwa nevamwe. Vamwe pavanotibatsira, hatizonyanyi kusurukirwa.” Kana shamwari yako kana kuti mumwe womumhuri akati anoda kugara nemwana wenyu pane chimwe chiitiko chinokosha kana kuti musangano wechiKristu, bvuma uchimuonga. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Tarisirawo utano hwako. Sezvinongoitwa amburenzi inoramba ichiwedzerwa mafuta kuti irambe ichitakura varwere ichiendesa kuchipatara, unofanira kudya, kuekisesaiza uye kurara kuti uwanezve simba rokuramba uchienderera nebasa rokupepa mwana wako. Javier ane mwanakomana akaremara anoti: “Mwana wangu haakwanisi kufamba, saka ndinoona kuti ndinofanira kudya zvinovaka kuti ndikwanise kumusimudza. Ndini ndinogara ndichimutakura.”

Ungawana sei nguva yokutarisirawo utano hwako? Vamwe vabereki vanoita majana okutarisira mwana wavo. Izvi zvinoita kuti mumwe wavo awane nguva yokuzorora kana kuitawo zvimwe zvinhu. Unotofanira kurega zvimwe zvinhu zvisingakoshi kuti uwane nguva yokutarisira utano hwako kunyange zvazvo zvisiri nyore. Asi vamwe amai vokuIndia vanonzi Mayuri vanoti: “Zvishoma nezvishoma unopedzisira wajaira.”

 Taura neshamwari yaunovimba nayo. Kunyange shamwari dzisina vana vakaremara dzinogona kukunyaradza. Unogonawo kunyengetera kuna Jehovha Mwari. Munyengetero unganyatsokubatsira here? Yazmin ane vana vaviri vane chirwere chinovatadzisa kufema zvakanaka chinonzi cystic fibrosis. Anoti: “Dzimwe nguva ndinowandirwa nezvokuita zvokuti ndinonzwa sokuti handichakwanisi kutsungirira.” Asi anowedzera kuti: “Ndinonyengetera kuna Jehovha kuti andinyaradze uye andipe simba. Ndinobva ndanzwa kuti ndava nesimba.”—Pisarema 145:18.

EDZA IZVI: Ongorora zvaunodya, kuti ndirini paunoekisesaiza uye kuti uri kurara kwenguva yakareba sei. Ona kuti ndezvipi zvimwe zvisinganyanyi kukosha zvaungarega kuti uwane nguva yokutarisira utano hwako. Gara uchiongorora uye uchigadziridza purogiramu yako pazvinenge zvakakodzera.

DAMBUDZIKO RECHITATU: UNONYANYA KUTARISIRA MWANA WAKO AKAREMARA KUPFUURA VAMWE VOMUMHURI.

Kurwara kwemwana kunogona kuchinja zvinodyiwa nemhuri, kushanya kwainoita uye nguva inotorwa nevabereki vaine mwana mumwe nomumwe. Izvi zvingaita kuti vamwe vana vanzwe sokuti havasi kutarisirwa zvakakwana. Uyewo vabereki vanogona kutora nguva yakawanda vachitarisira mwana ari kurwara zvovhiringidza magariro avo semurume nomudzimai. Vamwe baba vokuLiberia vanonzi Lionel vanoti: “Dzimwe nguva mudzimai wangu anondiudza kuti handina basa nemwanakomana wedu uye kuti iye ndiye ari kunyanya kumutarisira. Ndinonzwa sokuti haasi kundiremekedza uye dzimwe nguva ndinomupindura nehasha.”

ZVAMUNGAITA: Rongai kuita zvimwe zvinhu zvinofarirwa nevamwe vana venyu kuti vasaona sokuti hamuvafariri. “Dzimwe nguva tinoitira mwanakomana wedu mukuru zvaanofarira zvakadai sokumuendesa kuresitorendi,” anodaro Jenney ambotaurwa.

Ratidza kuti unoda vana vako vose

Kuti usimbise ukama hwako newawakaroorana naye, taura naye uye nyengeterai mose. Aseem, vamwe baba vokuIndia vane mwanakomana ane pfari vanoti: “Kunyange zvazvo dzimwe nguva ini nomudzimai wangu tichimbonzwa takaneta chaizvo uye takaora mwoyo, tinowana nguva yokugara pasi totaura uye kunyengetera. Mangwanani oga oga vana vedu vasati vamuka, tinokurukura ndima yeBhaibheri.” Vamwe vakaroorana vanokurukura vasati varara. Kukurukurirana uye kunyengetera nomwoyo wose kuchasimbisa imba yenyu panguva dzamunenge muchinyanya kunetseka. (Zvirevo 15:22) Mumwe murume nomudzimai vanoti, “Nguva dzatinonyanya kuyeuka tiri pamwe chete ndedziya dzatainge takanyanya kuomerwa noupenyu.”

EDZA IZVI: Rumbidza vamwe vana venyu nokutsigira kwavari kuita mwana wenyu anorwara. Gara uchitaura uye uchiita zvinoratidza kuti unoda uye unoonga zvinoitwa nevana venyu newawakaroorana naye.

RAMBA UINE TARIRO

Bhaibheri rinovimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achabvisa kurwara kwose nokuremara zviri kunetsa vechiduku nevakura. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Panguva iyoyo, “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” *Isaya 33:24.

Pari zvino unogona kubudirira semubereki ane mwana akaremara. “Usaora mwoyo kana uchiona sokuti hapana chiri kumbofamba zvakanaka,” vanodaro Carlo naMia vambotaurwa. “Fungai nezvezvinhu zvinofadza pamwana wenyu, nokuti zvizhinji.”

^ ndima 3 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 29 Unogona kuverenga zvakawanda nezvevimbiso yeBhaibheri yokuti vanhu vachava noutano hwakanaka muchitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndinoita sei kuti ndirambe ndine utano hwakanaka, uye ukama hwakasimba naJehovha?
  • Ndirini pandakapedzisira kurumbidza vamwe vana vangu nokubatsira kwavanoita?