Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOKWANISA KUNZWISISA BHAIBHERI

Sei Tichifanira Kunzwisisa Bhaibheri?

Sei Tichifanira Kunzwisisa Bhaibheri?

“Bhaibheri ibhuku rechitendero rakakurumbira chaizvo. Asi vanhu vokuChina havazivi nezvaro uye havanei naro.”—LIN, CHINA.

“Handitombonzwisisi zviri mumabhuku matsvene echitendero changu chechiHindu. Saka hapana pandingambonzwisisa Bhaibheri Dzvene.”—AMIT, INDIA.

“Ndinobvuma kuti Bhaibheri ibhuku rakanyorwa kare uye ndakanzwa kuti nderimwe remabhuku anotengwa kudarika mamwe ese. Asi handisati ndamboona kuti rakaita sei.”—YUMIKO, JAPAN.

Vanhu vakawanda munyika yose vanoremekedza Bhaibheri. Asi vanogona kunge vachiziva zvishoma, kana kuti vasina chavanoziva nezvemashoko ariinawo. Ndizvo zvakaita vanhu vakawanda vekuAsia, uye ndizvo zvimwe chetewo nevanhu vakawanda vanogara kunyika dzinowanika Bhaibheri nyore nyore.

Asi ungabvunza kuti, ‘Nei ndichifanira kunzwisisa Bhaibheri?’ Kana ukanzwisisa zvinotaurwa nebhuku iri dzvene, uchakwanisa kuita zvinhu zvinotevera:

  • Uchagutsikana uye uchafara

  • Uchagona kukunda matambudziko emhuri

  • Uchakwanisa kukunda kuzvidya mwoyo

  • Uchawirirana nevamwe

  • Uchakwanisa kushandisa mari zvakanaka

Chimbofunga nezvaYoshiko wekuJapan. Ainetseka kuti Bhaibheri rinotaura nezvei, saka akabva afunga kumboriverenga. Zvakamubatsira sei? Anoti, “Bhaibheri rakandibatsira kuva netariro uye chinangwa muupenyu.” Anowedzera kuti, “Iye zvino ndava kuziva zvandiri kuraramira.” Amit, ambotaurwa nezvake akafunga kuongorora Bhaibheri. Anoti, “Ndakashamiswa pandakaona kuti Bhaibheri rinotova nemazano anobatsira munhu wose.”

Bhaibheri rabatsira mamiriyoni evanhu. Wadii kumboriongorora pachako, woona kuti ringakubatsira sei?