Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unyengeri! Huchazombopera Here?

Unyengeri! Huchazombopera Here?

PANAYIOTA akakurira kuchitsuwa chiri kugungwa reMediterranean. Akatanga kufarira zvematongerwo enyika achiri kuyaruka. Pava paya akazova munyori webato rezvematongerwo enyika wemunharaunda yaaigara. Aiita nguva yakawanda achifamba paimba neimba achitsvaga mari yekutsigira bato racho. Asi nekufamba kwenguva, Panayiota akazoona kuti akanga ari kutamba nenguva. Kunyange zvazvo vatsigiri vebato racho vaishevedzana vachiti komuredhi (shamwari), vaiita zvechizivano, vairwira zvinzvimbo, vainetsana, uye vaiitirana shanje.

Daniel akakurira mumhuri yainge yakanyura mune zvechitendero kuIreland. Asi zvinosuwisa kuti achiri kuyeuka unyengeri hwaiitwa nevapristi avo vainwa doro zvakanyanya, vaibhejera, vaiba mari yechechi, ukuwo vachimuparidzira kuti kutadzira Mwari kwaizoita kuti apiswe mumoto nokusingaperi.

Basa rakaitwa naJeffery kwenguva refu raiva rekushandira vanhu vane zvikepe zvinofamba pasi rose vekuUnited Kingdom nekuUnited States uye basa racho raiva nechokuita nezvekutengeserana. Anoyeuka kuti kakawanda makasitoma nevamwe vaikwikwidzana nekambani yavo, vaiita zveuori pavaitaurirana nevashandi vehurumende. Vaitotaura nhema kuitira kuti vangowana zvavari kuda.

Chinotonyanya kurwadza ndechekuti unyengeri huri kwese kwese. Hunoitwa mune zvematongerwo enyika, zvechitendero, uyewo zvemabhizimisi. MuchiGiriki, shoko rekuti “munyengeri” rinopa pfungwa yemunhu anenge achitaura kana kuita mutambo pamberi pevanhu, kazhinji kacho akavhara kumeso nemask. Nekufamba kwenguva, shoko racho rakazotanga kushandiswa richireva munhu anoita zvimwe zvinhu kuti anyengedze vamwe kana kuti awane zvaari kuda.

Vaya vanenge vanyengerwa vanogona kuguma vatsamwa, vava kuita hasha uye vava nechigumbu. Nekurwadziwa, vanogona kuti: “Unyengeri! Huchazombopera here?” Chinofadza ndechekuti Shoko raMwari rinotipa zvikonzero zvinoita kuti tibvume kuti huchapera.

MWARI NEMWANAKOMANA WAKE VANOONA SEI UNYENGERI?

Bhaibheri rinoratidza kuti unyengeri hauna kutanga nevanhu asi hwakatanga neimwe ngirozi. Vanhu pavakasikwa, Satani Dhiyabhorosi akashandisa nyoka achiita sekuti ari kuda kubatsira mukadzi wokutanga Evha, asi chinangwa chake chiri chekumufurira. (Genesisi 3:1-5) Kubvira ipapo, vanhu vakawanda vari kutevedzerawo zvakaitwa naSatani vachinyepedzera kuva zvavasiri kuti vanyengedze vamwe uye kuti vawane zvavari kuda.

VaIsraeri vekare pavaibatwa nemusungo wekunamata zveunyengeri uye pavainamata vanamwari venhema, Mwari aigara achivanyevera nezvematambudziko aizovapo. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akati: “Vanhu ava zvavakava pedyo neni nemiromo yavo, vakandikudza nemiromo yavo chete, vakaisa mwoyo yavo kure neni.” (Isaya 29:13) VaIsraeri pavakaramba vachiita zvakaipa, Mwari akasiya mamwe marudzi ane simba achiparadza muzinda wavo wekunamata kureva Jerusarema netemberi yaro. Rakaparadzwa kekutanga nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. uyewo rakazoparadzwa kekupedzisira nemasoja eRoma muna 70 C.E. Saka izvi zvinoratidza kuti Mwari haasi kuzosiya unyengeri huripo nekusingaperi.

Asiwo Mwari neMwanakomana wake Jesu, vanoda chaizvo vanhu vakavimbika uye vasinganyengeri. Somuenzaniso, Jesu paakatanga ushumiri hwake, mumwe murume ainzi Natanaeri akauya kwaari. Achimuona, Jesu akati: “Onai, muIsraeri zvechokwadi, maari hamuna kunyengera.” (Johani 1:47) Natanaeri, uyo anozivikanwawo saBhatoromeyo, akazova mumwe wevaapostora 12 vaJesu.—Ruka 6:13-16.

Jesu aikurukura nevateveri vake, achivadzidzisa zvinodiwa naMwari. Vakanga vasingatombofanire kuva neunyengeri. Achinyevera vadzidzi vake, Jesu akashora zvakasimba unyengeri hwaiitwa nevatungamiriri vechitendero vaivapo kare ikako. Chimboona zvimwe zvavaiita.

Vaiita “zvakarurama” kuti vaonekwe nevanhu. Jesu akaudza vateereri vake kuti: “Chenjerai kuti murege kuita zvakarurama pamberi pevanhu kuti muonekwe navo . . . sezvinoita vanyengeri.” Akavaudzawo kuti vaifanira kupa zvipo zvokunzwira ngoni “pakavanda” kana kuti vachingwarira kuti vasazviitira kuonekwa. Vaifanira kunyengetera vari pakavanda, kureva kuti vaisafanira kunyengetera nechinangwa chekuti vaonekwe nevanhu. Izvozvo ndizvo zvaizoita kuti manamatiro avo ave epachokwadi uye vafarirwe naBaba vake.—Mateu 6:1-6.

Vaimhanyira kushoropodza. Jesu akati: “Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.” (Mateu 7:5) Munhu paanonan’anidza zvikanganiso zvevamwe asi iye aine zvake zvakakura zvaanokanganisa, anenge achinyepedzera kuva munhu kwaye. Izvozvo hazvina kunaka nekuti “vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.

Vaiva nevavariro dzakaipa. Rimwe zuva, vadzidzi vevaFarisi pamwe chete nevateveri vebato raHerodhi vakauya kuna Jesu kuti vamubvunze nezvemutero. Vachida kumubata kumeso, vakati kuna Jesu: “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wechokwadi uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.” Saka vakabva vabvunza mubvunzo wokumuteya vachiti: “Zvinobvumirwa nomutemo here kutera mutero womunhu wose kuna Kesari kana kuti kwete?” Jesu akavapindura kuti: “Munondiedzerei, imi vanyengeri?” Chokwadi vaiva vanyengeri sezvakataurwa naJesu nekuti chavakanga vachitsvaga yakanga isiri mhinduro yemubvunzo wavo asi vaida “kuti vamubate pakutaura kwake.”—Mateu 22:15-22.

VaKristu vechokwadi vanoratidza “rudo runobva mumwoyo wakachena nomuhana yakanaka nepakutenda kusina unyengeri.”—1 TIMOTI 1:5

Kutanga kwakaita ungano yechiKristu paPendekosti ya33 C.E. kwakaita kuti vanhu vade kuva pachokwadi uye kuva vakatendeseka. VaKristu vechokwadi vakashanda zvakasimba kuti vabvise unyengeri pane zvose zvavaiita. Somuenzaniso, Petro uyo aiva mumwe wevaapostora 12, akakurudzira vaKristu vaainamata navo ‘kuteerera chokwadi nokudanana sehama kusina unyengeri.’ (1 Petro 1:22) Muapostora Pauro akarayira vaaishanda navo kuti vave ‘nerudo runobva mumwoyo wakachena nomuhana yakanaka nepakutenda kusina unyengeri.’—1 Timoti 1:5.

SIMBA RINE SHOKO RAMWARI

Dzidziso dzaJesu nevaapostora vake dzatinowana muBhaibheri dzichine simba mazuva ano kungofanana nezvadzaiva pakatanga chiKristu. Panyaya iyi muapostora Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa chero ripi zvaro rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Vakawanda pavanoziva zvinodzidziswa neBhaibheri voshanda nesimba kuti vazvitevedzere, vanobva vasiya unyengeri vova vanhu vakavimbika uye vakatendeka. Chimbofunga nezvevanhu vatatu vambotaurwa patangira nyaya ino.

“Ndakaona kuti vanhu vacho vanodanana zvechokwadi uye vanofarira vamwe zvinobva pamwoyo.”—PANAYIOTA

Upenyu hwaPanayiota hwakachinja paakabvuma kukokwa kumisangano kuImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Ikoko, haana kana kumboona vanhu vaiita zvinhu zvekuda kuonekwa nevamwe kuti vakarurama. Anoti: “Ndakaona kuti vanhu vacho vanodanana zvechokwadi uye vanofarira vamwe zvinobva pamwoyo, izvo zvandisina kumbobvira ndaona kwemakore ese andaiita zvematongerwo enyika.”

Panayiota akatanga kudzidza Bhaibheri uye akazofambira mberi kusvika abhabhatidzwa. Izvi zvakaitika makore 30 akapfuura. Iye zvino anoti: “Upenyu hwangu hwaisandigutsa pandaifamba paimba neimba ndichitsigira zvematongerwo enyika. Asi hwakava mugwara pandakatanga kuparidza nezveUmambo hwaMwari uhwo chete huchaunza nyika yakarurama.”

“Ndaisakwanisa kurarama ndichionekwa nevamwe vaKristu semunhu akanaka ini ndisina kudaro.”—DANIEL

Daniel akafambira mberi zvakanaka muungano yechiKristu uye akazopiwa mamwe mabasa ekuita. Pashure pemakore mashoma, ane zvaakakanganisa uye hana yake yakatanga kumunetsa. Anoti: “Pandakafunga nezveunyengeri hwandakanga ndaona huchiitwa muchechi makore akanga apfuura, ndakaona kuti ndaitofanira kusiya mabasa andaiita. Ndaisakwanisa kurarama ndichionekwa nevamwe vaKristu semunhu akanaka ini ndisina kudaro.”

Asi chinofadza ndechekuti pashure pekunge Daniel aruramiswa, hana yake yainge isisamupe mhosva, saka akaona kuti akanga ava kukwanisa kuenderera mberi nemabasa aakambopiwa muungano, uye akafara kuagamuchira zvakare. Vaya vanoshumira Mwari zvisina unyengeri ndivo vanogona kutendeseka seizvi. Vanodzidza kubvisa “danda” riri muziso ravo vasati vakumbira kubvisa “kabanzu” kanenge kari muziso rehama yavo.

“Ndakaona kuti ndaifanira kusiya zvekutaura ndichinyengedza vanhu kuti vangobvuma zvandinenge ndichida. . . . Hana yangu yakachinjwa.”—JEFFERY

Jeffery, uyo anga achiita zvebhizimisi kweupenyu hwake hwose akati: “Pandairamba ndichidzidza Bhaibheri, ndakaona kuti ndaifanira kusiya zvekutaura ndichinyengedza vanhu kuti vangobvuma zvandinenge ndichida kuti basa rangu rifambe. Hana yangu yakachinjwa nemavhesi akadai saZvirevo 11:1, iyo inoti ‘chikero chinonyengedza chinhu chinosemesa Jehovha.’” Saka kusiyana nezvakaitwa nevaya vakabvunza Jesu nyaya yemutero, Jeffery akadzidza kuita zvinhu zvisiri zveunyengeri kune vaanonamata navo uyewo kune vamwe.

Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha pasi rose anoshanda nesimba kuti atevedzere zvaanodzidza muBhaibheri. Vari kuita zvose zvavanogona kuti vapfeke “unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:24) Tinokukurudzira kuti uone kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakaita sei, vanotenda zvinhu zvipi, uye kuti vangakubatsira sei kudzidza nezvenyika itsva yakavimbiswa naMwari. Munyika iyoyo muchange muine “kururama” uye unyengeri hunenge husisiko.—2 Petro 3:13.