Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzoka Kuna Jehovha

Dzoka Kuna Jehovha

Dhaunirodha:

  1. 1. Zvazondiomera,

    Ndava kudzungaira,

    Nhamo dzeupenyu

    Dzandisiya ndisina tariro.

    Asi ndochema kwamuri

    Jah onai misodzi yangu.

    (KORASI)

    Andinzwa, omhanya kwandiri.

    Osunga maronda angu.

    Ndodzokazve kuboka remakwai ake,

    Kumhuri yangu. Ndadzoka.

  2. 2. Nzvimbo yakanaka

    Yekuvanda padutu.

    Ine runyararo

    Neshamwari dzine tsitsi nerudo.

    Shamwari usatya kudzoka.

    Tichakutambira nemufaro.

    (KORASI)

    “Mwanangu, Ndanzwa uchichema

    Ndasuwa kuona uchifara.”

    Okutakura oenda newe kumba,

    Kumhuri yake. Wadzoka.

    (BHIRIJI)

    Tokumbundira

    “Titambire! Wauya!”

    Kumhuri yako.

    Tine mufaro mukuru,

    Wadzoka.

    Wadzoka.

    (KORASI)

    Afara; nengirozi dzafara.

    Osunga maronda ako.

    Odzoka newe kumba.

    Wova nemufaro

    Wadzoka.