Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuitawo Zvimwe

Kuitawo Zvimwe

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndanga ndichifunga—

    Kunenge kuti

    Kushumira kwangu

    Hakusi kumbochinja.

    Ndinoramba ndichiita zvandaingoita.

    Saka ndoda kumbochinjawo—

    Ndimboitawo zvimwe.

    (KORASI)

    Saka nda’kuchinja kubvira nhasi.

    Ndakuita zvitsva, handichamiri.

    Mwari ndaziva zvand’noda kuita.

    Ndachinja zvinangwa; ndovimba nemi.

  2. 2. Zvichada kushinga,

    Asi ndakuona,

    Kuchinja mafungire

    Kunotondizorodza.

    Nekuedza zvimwe simba ndowana.

    Mikana yaive iripo,

    Asi handina kuiona.

    (KORASI)

    Saka nda’kuchinja, handichamiri.

    Ndakuita zvitsva zuva nezva.

    Mwari ndaziva zvand’noda kuita.

    Ndachinja zvinangwa; ndovimba nemi.

    (BHIRIJI)

    Pane pandaifunga kuti

    Hazvifi zvakaita.

    Handizivi nei ndaimbofunga izvozvo.

    Asi nekushinga ndoona nd’ri kukomborerwa.

    Kutanga iye zvino

    Zvichienda mberi.

    (KORASI)

    Nda’kuedza zvitsva zuva nezuva.

    Nd’ri kuenda ndichingogadzirisa.

    Ndakazoziva zvaida kuitwa,

    Mukandikomborera nekuvimba nem’.

    (KORASI)

    Saka ndakuchinja kubvira nhasi.

    Nda’kuita zvitsva, handichamiri.

    Mwari ndaziva zvand’noda kuita.

    Ndachinja zvinangwa.

    (KORASI)

    Saka nda’kuchinja, handichamiri.

    Nda’kuita zvitsva zuva nezuva.

    Mwari ndaziva zvand’noda kuita.

    Ndachinja zvinangwa; ndovimba nemi—

    Ndovimba nemi.