Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kunogona Kuita Kuti Zvinhu Zvifambe

Kutenda Kunogona Kuita Kuti Zvinhu Zvifambe

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndichine mibvunzo yezvakawanda,

    Ndanyatsokunzwai; ndoda zvimwe.

    Ndiudzei, zvakawanda.

    Mibvunzo yangu yakapindurwa.

    Nezvaindinetsa zvakapera.

    Zvose zvakanyatsopera.

    (KORASI)

    Izvo hazvisi nyore,

    Tenda zvigofamba.

    Kana zvaoma, zvanetsa,

    Tenda zvigofamba,

    Nokutenda.

  2. 2. Ndoda zvandodzidza ndoudza vamwe.

    Ndagadzirirawo, kuparidza.

    Ndamirira

    Kuparidzira.

    Kutenda kwangu kwakaita semoto.

    Ndichakukuchidzira, ndichashanda.

    Kugobvira m’mwoyo mangu.

    (KORASI)

    Izvo hazvisi nyore,

    Tenda zvigofamba.

    Kana zvaoma, zvanetsa,

    Tenda zvigofamba,

    Nokutenda.

    (BHIRIJI)

    Mazuva enhamo, zvinhu zvaoma,

    Nyengetera kazhinji; enda kuna Jehovha.

    Anoti: “Ukavimba neni,

    Ndokupa simba, woona

    Miedzo mizhinji,

    Takaikurira.”

    (KORASI)

    Izvo hazvisi nyore,

    Tenda zvigofamba.

    Kana zvaoma, zvanetsa,

    Tenda zvigofamba,

    (KORASI)

    Ndinoziva, nechokwadi,

    Tenda zvigofamba.

    Kana zvaoma, zvanetsa,

    Tenda zvigofamba;

    Zvigofamba.