Enda pane zvauri kuda

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidzira Vanhu Vakamboti “Hatifariri Zvamunoparidza”?

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidzira Vanhu Vakamboti “Hatifariri Zvamunoparidza”?

 Zvapupu zvaJehovha zvinofarira kuudza vanhu vese mashoko ari muBhaibheri, kusanganisira vaya vakambotaura kuti, “Hatifariri zvamunoparidza.” Chinoita kuti Zvapupu zvidaro ndechekuti zvinoda Mwari uye zvinoda muvakidzani. (Mateu 22:37-39) Kuda kwatinoita Mwari kunoita kuti titeerere murayiro weMwanakomana wake wekuti ‘tipupure kwazvo.’ (Mabasa 10:42; 1 Johani 5:3) Kuti tikwanise kupupura kwazvo, tinoendesera vanhu mashoko aMwari kanopfuura kamwe chete, sezvaingoitwawo nevaprofita vaMwari vakararama kare. (Jeremiya 25:4) Tinoedzawo kuudza munhu wese “mashoko akanaka oumambo” ayo anoponesa upenyu, kusanganisira vaya vasina kuafarira pekutanga, nekuti tinoda vavakidzani vedu.​—Mateu 24:14.

 Tinowanzowana vanhu vanofarira zvatinoparidza patinodzokera padzimba dzatakambosangana nevanhu vaiti havafariri mashoko edu. Chinoita kuti tidaro ndechekuti:

  •   Vanhu vanotama.

  •   Vamwe vanenge vari pamba ipapo vanogona kufarira mashoko atinoparidza.

  •   Vanhu vanochinja. Zvinhu zviri kuitika munyika kana kuti zvinoitika muupenyu hwevanhu zvingaita kuti vamwe vawedzere ‘kuziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu’ kureva kuti vawedzere kuda zvekunamata, votanga kufarira mashoko ari muBhaibheri. (Mateu 5:3) Kunyange vaya vanopikisa vanogona kuzochinja mwoyo, sezvakaita muapostora Pauro.​—1 Timoti 1:13.

 Kunyange zvakadaro, hapana munhu watinomanikidza kuti ateerere mashoko atinoparidza. (1 Petro 3:15) Tinodavira kuti munhu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira zvaanoda panyaya yekunamata.​—Dheuteronomio 30:19, 20.