Enda pane zvauri kuda

Chii Chakaitika kuZvapupu zvaJehovha vaJudha Pavaiurayiwa nevaNazi?

Chii Chakaitika kuZvapupu zvaJehovha vaJudha Pavaiurayiwa nevaNazi?

 PaZvapupu zvaJehovha zvaisvika 35 000 zvaigara muGermany nedzimwe nyika dzaitongwa neNazi, Zvapupu zvinenge 1 500 zvakafa vaJudha pavaiurayiwa nevaNazi. Vamwe vavo havazivikanwi kuti vakafa sei. Sezvo paine ongororo dziri kuitwa, nhamba idzi nemamwewo mashoko zvinogona kuchinjwa nekufamba kwenguva.

 Zvakaurayiwa sei?

  • Paidimburirwa vanhu misoro nevaNazi

      Kudimburwa misoro: Zvapupu zvinosvika 400 zvakadimburwa misoro muGermany nemunyika dzaitongwa neNazi. Vazhinji vavo vakamiswa mumatare, vakatongerwa rufu, ndokuurayiwa vachiita zvekudimburwa musoro. Vamwe vakapfurwa kana kusungirirwa vasina kuendeswa kumatare.

  •   Kuiswa mumisasa nemumajeri: Zvapupu zvinopfuura 1 000 zvakafira mumisasa yevaNazi uye mumajeri. Vaishandiswa zvakaoma kusvika vafa, uye vamwe vaifa nemhaka yekurohwa, nzara, chando, kurwara, kana kusarapwa. Vamwe vakazofa Hondo yeNyika Yechipiri ichangopera nemhaka yekutambudzwa kwavainge vaitwa.

  •   Mamwe mafiro avakaita: Zvimwe Zvapupu zvakaurayirwa mudzimba dzaiva negasi rinouraya, zvimwe zvikafa vanachiremba pavaida kuona kuti mishonga yavagadzira inoshanda sei, uye zvimwe zvaibayiwa mishonga inouraya.

 Zvakatambudzirwei?

 Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa nekuti zvaitevedzera dzidziso dzeBhaibheri. VaNazi pavaiti Zvapupu zviite zvinhu zvinorambidzwa muBhaibheri, Zvapupu zvairamba. Zvaisarudza “kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Zvapupu zvakaita izvi munzira mbiri dzinotevera.

  1.   Kusatsigira zvematongerwo enyika. Sezvinongoita Zvapupu zvaJehovha pasi rese mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvairarama panguva yaitonga vaNazi zvaisapindira mune zvematongerwo enyika. (Johani 18:36) Saka zvairamba

  2.   Kuramba zvichinamata. Kunyange pazvairambidzwa kunamata, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba

    •   Zvichiungana kuti zvirumbidze Mwari uye zvichinyengetera pamwe chete.​—VaHebheru 10:24, 25.

    •   Zvichiparidza uye zvichipa vanhu mabhuku anotsanangura Bhaibheri.​—Mateu 28:19, 20.

    •   Zvichiratidza mutsa kuvavakidzani, kusanganisira vaJudha.​—Mako 12:31.

    •   Zvichitsigira chitendero chazvo, uye hazvina kusaina gwaro rekusiya chitendero.​—Mako 12:30.

 Purofesa Robert Gerwarth akanyora kuti Zvapupu zvaJehovha “ndizvo zvega zvakatambudzwa nemhaka yechitendero chazvo munguva yevaNazi.” a Vamwe vaivawo mumisasa yevasungwa vakapedzisira vava kuyemura Zvapupu zvaJehovha nekuda kwekushinga kwazvaiita. Mumwe musungwa wekuAustria akataura kuti: “Havaendi kuhondo. Vangatozvipira kuurayiwa ivo pane kuuraya mumwe munhu.”

 Zvakafira kupi?

  •   Misasa Yevasungwa: Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakafira mumisasa yevasungwa. Zvakaiswa mumisasa yakadai seAuschwitz, Buchenwald, Dachau, Flossenbürg, Mauthausen, Neuengamme, Niederhagen, Ravensbrück, uye Sachsenhausen. Mumusasa weSachsenhausen chete makafira Zvapupu zvaJehovha zvinosvika 200.

  •   Majeri: Zvimwe Zvapupu zvakatambudzwa mumajeri kusvika zvafa. Zvimwe zvakafa nekukuvadzwa kwazvaiitwa pazvaibvunzurudzwa.

  •   Nzvimbo dzazvaidimburirwa misoro: Zvapupu zvaJehovha zvakadimburwa misoro kumajeri ekuBerlin-Plötzensee, kuBrandenburg, uye kuHalle/Saale. Pane dzimwe nzvimbo dzinosvika 70 dzinonziwo dzakaurayirwa Zvapupu.

 Vamwe vakaurayiwa vachiita zvekudimburwa misoro

  •  Zita: Helene Gotthold

     Nzvimbo yaakaurayirwa: Plötzensee (kuBerlin)

     Helene, aiva nevana vaviri uye akasungwa kakawanda. Muna 1937, paaibvunzurudzwa, akatambudzwa chaizvo zvekusvika pakubva pamuviri. Musi wa8 December 1944, akadimburwa musoro mujeri rePlötzensee, Berlin nemuchina waishandiswa kudimbura vanhu misoro wainzi guillotine.

  •  Zita: Gerhard Liebold

     Nzvimbo yaakaurayirwa: Brandenburg

     Gerhard, aiva nemakore 20 uye akadimburwa musoro musi wa6 May 1943. Baba vake ndiwo mafiro avakaitawo mujeri iroro. Mutsamba yaakapedzisira kunyorera amai vake, hanzvadzi yake uye musikana wake, akati: “Kudai ndisina kupiwa simba Ishe, ndaisambokwanisa kutsungirira.”

  •  Zita: Rudolf Auschner

     Nzvimbo yaakaurayirwa: Halle/Saale

     Rudolf aiva nemakore 17 paakadimburwa musoro musi wa22 September 1944. Mutsamba yaakapedzisira kunyorera amai vake, akanyora kuti: “Vandainamata navo vakawanda vakatsungirira kusvika pamugumo, neniwo ndichatsungirirawo.”

a Hitler’s Hangman: The Life of Heydrich, peji 105.