Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?

Nei Tichiparidza?

Nei Tichiparidza?

Zvinoita sokuti chinhu chikuru chinotisiyanisa nevamwe vose ibasa redu guru rekuparidza paimba neimba, munzvimbo dzinowanikwa veruzhinji uye kwese kwese kunowanikwa vanhu. Sei tichidaro?

Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza kuti zvikudze Mwari uye kuti zvizivise zita rake. (VaHebheru 13:15) Tinoda kutevedzerawo Kristu Jesu uyo akatipa murayiro wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

Kuwedzera pane izvozvo, tinoda vavakidzani vedu. (Mateu 22:39) Tinoziva hedu kuti vanhu vakawanda vane zvavanotenda panyaya dzechitendero uye kuti vamwe havafariri mashoko atinoparidza. Asi tinoona kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoponesa vanhu. Ndosaka tichiramba ‘tichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu,’ sezvakaitwa nevaKristu vekutanga.—Mabasa 5:41, 42.

Antonio Cova Maduro, uyo anoongorora nezvemagariro evanhu akanyora “nezvekushanda nesimba uye matambudziko anosangana neveZvapupu zvaJehovha, kusvika pakuita zvose zvavanogona . . . , kuti mashoko matsvene asvike kurutivi rwuri kure kwazvo rwenyika.”—Pepanhau rekuVenezuela rinonzi El Universal

Vanhu vakawanda vanoverenga mabhuku edu havasi Zvapupu zvaJehovha. Uye mamiriyoni evanhu vatinodzidza navo Bhaibheri ndevemamwe machechi. Asi vanofara pavanobatsirwa kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Unogona kunge uine mimwe mibvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Kuti uwane mhinduro dzacho

  • Bvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha.

  • Enda panzvimbo yedu yepaIndaneti, www.ps8318.com.

  • Pinda misangano yedu. Munhu wese akasununguka kuuya uye hapana mari yaunobhadhariswa.