Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?

Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?

Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?

Sangano redu rinowanika pasi rose uye haribatani nemamwe machechi. Kunyange zvazvo mahofisi edu makuru ari kuUnited States, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinogara mune dzimwe nyika. Zvapupu zvinenge mamiriyoni 8 zviri kudzidzisa vanhu Bhaibheri munyika dzinopfuura 230. Tiri kuita izvi tichitevedzera mashoko aJesu okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.”—Mateu 24:14.

Pasinei nekwatinogara, tinoteerera mitemo yeko nemwoyo wose, asi hatipindiri mune zvematongerwo enyika. Tinotevedzera zvakataurwa naJesu paakati vaKristu “havasi venyika.” Saka hatipindiri munyaya dzezvematongerwo enyika, uye hatitsigiri hondo. (Johani 15:19; 17:16) Somuenzaniso, muHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvaisungwa, zvaitambudzwa, uye zvaitoitwa zvinopfuura ipapo nemhaka yekuti zvaisapindira muhondo iyoyo. Mumwe aimbova bhishopu wekuGermany akanyora nezveZvapupu achiti: “Vanogona kutaura vakasununguka kuti pavanhu vose vaiva muGermany panguva yaitonga Hitler, ndivo chete vakanyatsoratidza kuti havana kwavanotsigira, vachitungamirirwa nehana dzavo.”

“[Zvapupu zvaJehovha] hazvitombosiyi tsika dzakanaka. Taitogona kupa vanhu vakadaro vasina uori zvigaro zvepamusorosoro muhurumende, asi havambofa vakabvuma kuita zvinhu zvakadaro. . . . Vanoremekedza hurumende asi vanotenda kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchakwanisa kugadzirisa matambudziko ose evanhu.”—Pepanhau rinonzi Nová Svoboda, rekuCzech Republic.

Asi hatigare kwedu tega. Jesu akanyengeterera vateveri vake kuna Mwari achiti: “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika.” (Johani 17:15) Saka kwaunogara, unogona kutiona tichishanda, tichitenga, uye tichienda kuchikoro.