Enda pane zvauri kuda

Nhamba Dzinotaurwa muBhaibheri Dzinorevei? Kududzira Nhamba Kunotsigirwa neBhaibheri Here?

Nhamba Dzinotaurwa muBhaibheri Dzinorevei? Kududzira Nhamba Kunotsigirwa neBhaibheri Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 MuBhaibheri dzimwe nguva nhamba dzinotorwa sezvadziri asi pane dzimwe nguva dzine zvadzinenge dzichimiririra. Kuri kubva nenyaya nekwairi kuenda ndiko kunoratidza kuti nhamba yotorwa sezvairi here kana kuti ine zvairi kumiririra. Ona mienzaniso iri muBhaibheri inoratidza nhamba dzinenge dziine zvadziri kumiririra:

  •   1 Kubatana. Somuenzaniso, Jesu akanyengetera kuna Mwari achikumbira kuti vateveri vake “vose vave vamwe, semi Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi.”—Johani 17:21; Mateu 19:6.

  •   2 Panyaya dzemitemo, panodiwa zvapupu zviviri kuti nyaya iratidzwe kuti ndeyechokwadi. (Dheuteronomio 17:6) Uyewo, kudzokororwa kwenyaya kunoratidza kuti nyaya yacho ndeyechokwadi. Somuenzaniso, Josefa paakadudzira hope dzaMambo Farao wekuIjipiti akati: “Hope dzacho zvadzadzokororwa kaviri kuna Farao zvinoreva kuti chinhu chacho chasimbiswa kwazvo naMwari wechokwadi.” (Genesisi 41:32) Panyaya dzouprofita, “nyanga mbiri” dzinogona kumiririra madzimambo maviri, sezvakaudzwa muprofita Dhanieri nezveumambo hweMedhiya nePezhiya.​—Dhanieri 8:20, 21; Zvakazarurwa 13:11.

  •   3 Sezvo nyaya ichisimbiswa nezvapupu zvitatu, kana chinhu chikadzokororwa katatu zvinoreva kuti chinhu chacho ndechechokwadi kana kuti chichatoti chiitike chete.​—Ezekieri 21:27; Mabasa 10:9-16; Zvakazarurwa 4:8; 8:13.

  •   4 Nhamba iyi inogona kureva zvinhu zvose pasina chinosara sezviri kuratidzwa mumashoko okuti “makona mana enyika.”—Zvakazarurwa 7:1; 21:16; Isaya 11:12.

  •   6 Nhamba iyi inoratidza kuti chimwe chinhu hachina kukwana kana kuti kuzara uye inowanzofananidzira vavengi vaMwari.​—1 Makoronike 20:6; Dhanieri 3:1; Zvakazarurwa 13:18.

  •   7 Kazhinji nhamba iyi inoratidza kuzara kana kuti kukwana. Somuenzaniso, vaIsraeri vakarayirwa naMwari kuti vatenderere guta reJeriko kwemazuva 7 uye kuti musi wechi7 vatenderere ka7. (Joshua 6:​15) MuBhaibheri mune mienzaniso yakawanda inotaura nezvenhamba 7. (Revhitiko 4:6; 25:8; 26:18; Pisarema 119:164; Zvakazarurwa 1:20; 13:1; 17:10) Jesu paakaudza Petro kuti anofanira kuregerera munhu anenge amutadzira “kwete, Kusvikira kukanomwe, asi, Kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe,” kudzokorora kwaakaita nhamba yokuti “nomwe” zvaireva kuti aifanira kuramba achizviita.—Mateu 18:21, 22.

  •   10 Nhamba iyi inogona kumiririra uwandu hwezvinhu zvose zvabatanidzwa.—Eksodho 34:28; Ruka 19:13; Zvakazarurwa 2:10.

  •   12 Nhamba iyi inoratidza kuti inomiririra zvinhu zvakazara panyaya dzokunamata. Somuenzaniso pazvinhu zvakaoneswa Johani paisanganisira guta rine “matombo enheyo gumi nemaviri, uye paari paiva nemazita gumi nemaviri evaapostora gumi nevaviri.” (Zvakazarurwa 21:14; Genesisi 49:28) Nhamba dzinopindwa na12 dzinogona kurevawo zvakafanana nezvinorehwa na12.​—Zvakazarurwa 4:4; 7:4-8.

  •   40 Nhamba iyi yaiwanzoshandiswa paipiwa mitongo kana kuti zvirango.​—Genesisi 7:4; Ezekieri 29:11, 12.

Kududzira nhamba

 Zvinhu zvinorehwa nenhamba dziri muBhaibheri zvakasiyana nokududzirwa kunoitwa nhamba nevanhu uko kunosanganisira zvechidhimoni. Somuenzaniso vaJudha vanoita zvokududzira nhamba vanoongorora mashoko ari muMagwaro echiHebheru voona kuti vara rimwe nerimwe pashoko roga roga rinomiririrwa nenhamba ipi voedza kutsvaka zvinorehwa neshoko racho. Kududzira nhamba ndeimwe nzira yokushopera uye Mwari anozvivenga.​—Dheuteronomio 18:10-12.