Enda pane zvauri kuda

Kukanganwira Kuita Sei?

Kukanganwira Kuita Sei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kukanganwira kuregerera munhu anenge akutadzira. MuBhaibheri, shoko rokuti ‘kukanganwira’ rinobudisa pfungwa yakafanana nokukanzura chikwereti worega kuzochibvunza. Jesu akaratidza kufanana kwazvakaita paakadzidzisa vateveri vake kunyengetera vachiti: “Tikanganwirei zvivi zvedu, nokuti isu tinokanganwirawo munhu wose anotitadzira [kana kuti ane chikwereti nesu].” (Ruka 11:4) Uyezve paaitaura mufananidzo wemuranda akanga asina tsitsi, Jesu akafananidza kukanganwira nokudzima chikwereti.​—Mateu 18:23-35.

 Kuti tinzi takanganwira mumwe munhu tinenge tarega kumuchengetera chigumbu uye tisingazotsvaki nzira yekumuripisa. Bhaibheri rinodzidzisa kuti rudo rwechokwadi ndirwo runoita kuti tiregerere nemwoyo wose, nokuti ‘haruchengeti chigumbu.’​—1 VaKorinde 13:4, 5.

Zvisingarehwi nokukanganwira

  •   Kuona sokuti zvakanganiswa zvacho hazvina basa. Bhaibheri rinonyatsoshora vanhu vanoti kuita zvakaipa hakukuvadzi.​—Isaya 5:20.

  •   Kuita sokunge kuti hapana kana chambokanganisika. Mwari akakanganwira zvivi zvakakura zvaMambo Dhavhidhi, asi haana kumudzivirira pane zvakazoitika. Mwari akatoita kuti zvivi zvaDhavhidhi zvinyorwe zvokuti nesu tava kutozivawo nezvazvo.​—2 Samueri 12:9-13.

  •   Kusiya munhu achiita zvaanoda newe. Ngatitii wakweretesa mumwe munhu mari, asi munhu wacho oitambisa, obva atadza kuzokudzorera sekuvimbisana kwamanga maita. Anokukumbira ruregerero nemwoyo wose. Kana ukasarudza kumuregerera hauzomuchengeteri chigumbu, hauzogari uchimuyeuchidza nezvenyaya yacho, kana kuti unobva watokanzura chikwereti chacho zvachose. Asi unogona kusarudza kusazomukweretesa imwe mari.​—Pisarema 37:21; Zvirevo 14:15; 22:3; VaGaratiya 6:7.

  •   Kukanganwira pasina chikonzero chine musoro. Mwari haaregereri vanhu vanotadza nemaune, vanozviitira kurwadzisa vamwe uye vasingadi kuzobvuma zvavanenge vakanganisa, vasingadi kuchinja maitire avo, nevaya vasingadi kukumbira ruregerero kumunhu wavanenge vakanganisira. (Zvirevo 28:13; Mabasa 26:20; VaHebheru 10:26) Vanhu vakadaro vasingapfidzi vanopedzisira vava vavengi vaMwari, uye kana tikarega kuvakanganwira Mwari haatipi mhosva.​—Pisarema 139:21, 22.

     Ko kana wakaitirwa utsinye nemumwe munhu uye munhu wacho asiri kuda kukumbira ruregerero kana kuti ari kutotsika madziro kuti hapana chaakaita? Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Rega kutsamwa, usiye hasha.” (Pisarema 37:8) Hazvirevi hazvo kuti unenge wava kuona sokuti hapana chakaipa chiripo asi pane zvaunogona kuita kuti usakundwa nehasha. Siyira nyaya yacho mumaoko aMwari. (VaHebheru 10:30, 31) Chimwe chinonyaradza ndechokuziva kuti mune remangwana Mwari achaita kuti tisaramba tichirwadziwa nezvinhu zviri kutiremera iye zvino.​—Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4.

  •   Kuregerera kese kese kaunofunga kuti watadzirwa. Dzimwe nguva pangasava nechikonzero chokuti tide kukanganwira munhu watinofunga kuti atikanganisira nokuti kana tikanyatsozvitarisa, panenge pasina chikonzero chokuti tigumbuke. Bhaibheri rinoti: “Usakurumidza kugumbuka, nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.”​—Muparidzi 7:9.

Zvaungaita kuti ukanganwire mumwe munhu

  1.   Yeuka zvinorehwa nokukanganwira. Hazvirevi kuti wava kuona sokuti zvakanganiswa zvacho hazvina basa kana kuti hazvina kumbobvira zvaitika asi kuti unenge uchingosiya zvichipfuura.

  2.   Ziva zvakanakira kukanganwira. Kurega kuva nehasha kana kuti chigumbu kuchakubatsira kuti urambe wakadzikama, uve neutano huri nani uye kuti mufaro wako uwedzere. (Zvirevo 14:30; Mateu 5:9) Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti kana uchikanganwira vamwe Mwari achakukanganwirawo.​—Mateu 6:14, 15.

  3.   Nzwira vamwe tsitsi. Tose tinotadza. (Jakobho 3:2) Sezvo tichida kuti vamwe vatikanganwire, nesuwo tinofanira kuvakanganwirawo.​—Mateu 7:12.

  4.   Iva munhu anonzwisisa. Kana mumwe munhu atikanganisira asi iri nyaya diki, tinogona kushandisa zano reBhaibheri rinoti: “Rambai muchishivirirana.”​—VaKorose 3:13.

  5.   Usanonoka. Kurumidza kukanganwira munhu wacho pane kumboramba uchidumbirwa nehasha.​—VaEfeso 4:26, 27.