Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kutevedzera Vanhu vomuTV Kwakaipirei?​—Chikamu 2: Nyaya Iyi Yakanangana Nevakomana

Kutevedzera Vanhu vomuTV Kwakaipirei?​—Chikamu 2: Nyaya Iyi Yakanangana Nevakomana

Ndezvipi zvinotevedzerwa pavanhu vomuTV?

  Tarisa mashoko aya wozopindura mibvunzo iri pasi pacho.

Column 1

Column 2

Havateereri

Vanoremekedza vamwe

Vanongozvifunga

Vakavimbika

Vakaoma musoro

Vanonzwira vamwe tsitsi

Vane unyope

Vanoshanda nesimba

Havabati zvakanaka zvinhu

Vanoziva zvavanoita

Vanoita zvechitsotsi

Vakatendeseka

  1.   Uchishandisa mashoko ari paA uye paB ungati vakomana vomuTV kana mumabhuku vanenge vari vanhu vakaita sei?

  2.   Ko iwe unoda kunzi uri munhu akaita sei?

 Kunenge kuti mhinduro dzako pamubvunzo wokutanga dzabva pane zviri paA uye dzemubvunzo wechipiri wadzitora pane zviri paB. Kana zviri izvo zvawaita, wagona. Nei tichiti wagona? Nokuti vanonzi ndivo varume muTV havana kuita sezvawakaita, uye zvavari hazvisi izvo zvaunoda kuzova. Ona kuti nei zvakadaro.

  •   TV inowanzoratidza vanhurume sevanoda zvokurwa uye vakaoma musoro. Bhuku rinonzi Why Boys Don’t Talk​—and Why It Matters rinotaura kuti varume vanowanzobuda muTV, mumafirimu uye vanoita zvemitambo ndevaya “vakasimba chaizvo uye vane hasha. . . . Mashoko aya anopa pfungwa yokuti anonzi murume ndeuya akaoma musoro uye asingateereri.”

     Zvokufunga nezvazvo: Kuva nehasha kunoita kuti vamwe vakufarire here? Kana ukagumburwa, unonyanya kushandisa simba rako rakawanda pakubudisa hasha dzako here kana kuti pakudzidzora? Pazviviri izvi ndechipi chinoratidza kuti uri murume chaiye?

     Bhaibheri rinoti: “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba, uye anodzora hasha dzake ari nani pane anokunda guta.”​—Zvirevo 16:32.

    Kana uchigona kudzora hasha dzako, wakasimba kupfuura musoja

  •   TV inowanzoratidza vanhurume sevanonyanya kufarira zvebonde. Chris ane makore 17 anoti, “Mumafirimu nemuTV, vakomana vanochinjanisa vasikana sehembe.” Gary ane makore 18, anowedzera achiti, “Mumafirimu, kazhinji mukomana anenge achinyanya kufarira zvebonde.” Mamwe mafirimu, anoratidza sokuti hapana chinokosha kuvakomana kunze kwemapati, kunwa doro uye kurara nevasikana.

     Zvokufunga nezvazvo: Zvinoitwa nevakomana vemumafirimu ndizvo zvaunoda kuita here? Murume chaiye anoona vakadzi sevokungorara navo here kana kuti anovaremekedza?

     Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete pakuda kurara nomumwe munhu kworuchiva.”​—1 VaTesaronika 4:4, 5.

  •   TV inoratidza vakomana sevane pfungwa dzouhwana. Mumafirimu akawanda, vakomana vanowanzobudiswa dziri simbe dzisingabatsiri chinhu. Pamwe ndosaka vamwe vachiona vana vechikomana sevanhu vasina basa ravanogona. Gary, ambotaurwa nezvake anoti: “Pandakasvitsa makore 16, zvaindiomera kuwana basa nokuti vanhukadzi ndivo vaingodiwa. Zvinenge zvichingonzi vakomana havazivi zvavanoita uye havana kutendeseka!”

     Zvokufunga nezvazvo: Zvine musoro here kuti titi zvinoitwa nevakomana vomuTV ndizvo zvinoitwa nevakomana vese? Ungaratidza sei kuti iwe hazvisi izvo zvauri?

     Bhaibheri rinoti: “Ngaparege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwako. Asi, iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.”​—1 Timoti 4:12.

Ndezvipi zvaunofanira kuziva?

  •    Zvinobudiswa paTV zvine simba rokuchinja mafungiro ako. Somuenzaniso, zvinogona kuita kuti unzwe sokuti unotofanira kuva nezvinhu zviri mufashoni kuti uenderanewo nevamwe. Colin ane makore 17 anoti, “Zvinoshambadzwa paTV zvinoratidza mapfekero anonzi ndiwo anofanira kuita vakomana zvobva zvaita kuti vadiwe nevasikana vakawanda. Izvi zvinoita kuti munhu abve aenda kunotenga hembe idzodzo. Ndakatombozviitawo!”

     Zvokufunga nezvazvo: Mapfekero aunoita anoratidza zvauri chaizvo here kana kuti wava kungotevedzera vamwe? Paunoshandisa mari yakawanda uchimhanyidzana nefashoni, ndiani anonyanya kufara?

     Bhaibheri rinoti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.”​—VaRoma 12:2.

  •   Kutevedzera vanhu vomuTV kunotoita kuti vasikana vasanyanya kukufarira. Inzwa zvakataurwa nevamwe vavo:

    •  “Ini ndinoda hangu mukomana anobudisa zvaari kwete anoita zvokunyepedzera. Mukomana anonyepedzera anopedzisira ava kutozvinyadzisa!”​—Anna.

    •  “Vanoshambadza zvinhu vanoita kuti vakomana vafunge kuti kana vasina zvinhu zvakadai semafoni anodhura, kana kuti chimiro chinoyemurika, vasikana havazovadi. Vasikana pavanokura, havanyanyi kufunga nezvezvinhu izvi, asi vanotanga kutarisa zvakaita unhu hwemukomana uye kuti anogara sei nevamwe. Somuenzaniso, vasikana vanofarira vakomana vanotaura chokwadi uye vakavimbika.”​—Danielle.

    •  “Kakawanda, mukomana ane chimiro chakanaka anenge achizvida, uye ini handidi vanhu vakadaro. Unogona kunge wakanaka kudarika vanhu vese panyika, asi unenge wakashata kana uine unhu husingaenderani nokunaka kwawakaita.”​—Diana.

     Zvokufunga nezvazvo: Bhaibheri rinorondedzera mukomana ainzi Samueri richiti akaramba ‘achikura pamumhu uye achidiwa zvikuru naJehovha nevanhu.’ (1 Samueri 2:26) Ndezvipi zvaunofanira kugadzirisa kuti uve neunhu hwakaita kuti Samueri afarirwe naMwari nevanhu?

     Bhaibheri rinoti: “Rambai muchiita sevarume.”​—1 VaKorinde 16:13.

Zvii zvaungaita?

  •    Shandisa pfungwa. Inzwa mashoko aya anotaurwa muBhaibheri: “Zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.”​—1 Johani 2:16.

     Vemabhizimisi vanoita kuti ufunge kuti hapana chakaipa nokuita izvi. Saka dzidza kushandisa pfungwa pane zvaunoona. Kakawanda kacho, chinangwa chevanhu vemabhizimisi ndechokuti vaite mari.

  •   Usasarudzirwa zvokuita nevamwe. Bhaibheri rinoti: ‘Pfekai unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika pachishandiswa zivo yakarurama’​—kwete unhu hunobudiswa mumaTV.​—VaKorose 3:10.

     Kuti zvikuitire nyore kushandisa zano iri, funga nezveunhu hwawasarudza kwokutanga kwenyaya ino, unhu hwaunoda kuzivikanwa nahwo. Wadii kutanga iye zvino kudzidzira kuva neunhu ihwohwo asi kana wagara uinahwo, wedzera kuhunatsiridza!

  •   Tevedzera vanhu vane tsika dzakanaka. Bhaibheri rinoti, “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” (Zvirevo 13:20) Ndevapi varume vaunoziva vaunoyemura? Vanogona kunge vari baba vako kana kuti sekuru kana vamwewo. Musangano reZvapupu zvaJehovha mune varume vakawanda vane tsika dzakanaka. Bhaibheri rinewo mienzaniso yakanaka yevanhu vakadai saTito, uyo akasiyira majaya muenzaniso wakanaka.​—Tito 2:6-8.

     Zvimwe zvaungaita: Verenga bhuku rinonzi Tevedzera Kutenda Kwavo kuti uone varume vaiva netsika vanotaurwa muBhaibheri vakadai saAbheri, Noa, Abrahamu, Samueri, Erisha, Jona, Josefa naPetro.