Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvine Basa Here Kutaura Mashoko Akaora?

Zvine Basa Here Kutaura Mashoko Akaora?

“Ndajaira kunzwa vanhu vachingotaura mashoko akaora zvekuti handitomborohwi nehana.”—Christopher, ndine makore 17.

“Pandaiva mudiki ndaigara ndichitaura mashoko akaora. Mashoko acho aiita zvekungouya asi kuti ndizozvirega zvakanga zvakaoma.”—Rebecca, ndine makore 19.

 Mibvunzo panyaya yekutaura mashoko akaora

  •   Paunonzwa vamwe vachitaura mashoko akaora unonzwa sei?

    •  Handitomboiti hanya nazvo, ndatozvijaira.

    •  Zvinombonditi netsei, asi hapana zvekuzviita.

    •  Zvinondigumbura, handitombozvidi.

  •   Unowanzotaura mashoko akaora here?

    •  Aiwa

    •  Pano neapo

    •  Kakawanda

  •   Unofunga kuti kutaura mashoko akaora kwakanaka here?

    •  Hakuna basa

    •  Hakuna kunaka

 Nei zvichikosha kuziva nezvenyaya iyi?

 Unofunga kuti nyaya yekutaura mashoko akaora inyaya hombe here? Unogona kuti, ‘Haa hazvina basa izvo, panotori nenyaya dzine musoro dzekuti munhu unofanira kufunga nezvadzo. Uye vanhu vese vanotaura mashoko akaora!’ Ichokwadi here ichocho?

 Chokwadi chiripo ndechekuti kune vanhu vakawanda vasingatauri mashoko akaora. Uye pane zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti vasadaro. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  •  Mashoko aunotaura ane zvaanoratidza. Mashoko aunotaura anoratidza zvakaita pfungwa dzako. Kutaura mashoko akaora, kunogona kuratidza kuti hauna basa nekuti vamwe vanonzwa sei. Ungada here kuva munhu akadaro?

     Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo.”—Mateu 15:18.

    Kutaura mashoko akaora kwakafanana nechiutsi chinobuda mumaindastiri. Ungadirei hako kuchifema kana kufemesa vamwe?

  •  Kutaura mashoko akaora kunogona kuita kuti vamwe vasakufarira. Bhuku rinonzi Cuss Control rinoti: “Matauriro atinoita ndiwo anoratidza kuti tichava neshamwari dzakaita sei, ticharemekedzwa zvakadini nehama dzedu uye nevatinoshanda navo, tichayemurwa zvakadini nevamwe, tichawana basa here kana kuti kupuromotwa, uye kuti vanhu vasingatizivi vanotiona sei.” Bhuku iri rinotiwo: “Zvibvunze kuti kudai ndisingatauri mashoko akaora ndingadai ndichinyatsowirirana nevamwe here?”

     Bhaibheri rinoti: ‘Musatuka.’—VaEfeso 4:31.

  •  Kutaura mashoko akaora kunoita kuti usaremekedzwa. Bhuku raDr. Alex Packer rinonzi How Rude! rinoti: “Vanhu vanogara vachitaura mashoko akaora havanakidzi kuteerera.” Rinotiwo kutaura mashoko akaora “kunotadzisa munhu kutaura zvinhu zvine musoro, zvinovaka, kana zvinoratidza kunzwira vamwe tsitsi. Kana uchitaura zvinhu usina kufunga, zvisinganzwisisiki uye zvisinganakidzi, zvinokanganisa mafungiro aunoita.”

     Bhaibheri rinoti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu.”—VaEfeso 4:29.

 Zvaungaita

  •  Zvipe nguva. Wadii kuedza kumborega kutaura mashoko akaora kwemwedzi mumwe chete kana kuti kwemavhiki? Nyora pakarenda kuti uone kuti uri kugona zvakadii. Asi kuti urambe uchiita zvawakaronga, pane zvimwe zvinogona kukubatsira. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  •  Usazvivaraidza nezvinhu zvine mashoko akaora. Bhaibheri rinoti: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) “Ushamwari” uhwu hahungogumiri pavanhu vaunotamba navo, hunosanganisirawo mafirimu aunoona, mavideo game aunotamba, uye mimhanzi yaunoteerera. Kenneth ane makore 17, anoti: “Dzimwe nguva unogona kuvarairwa nokuteerera rwiyo rune mashoko akaora nokuti rune mutinhimira unonakidza.”

  •  Ratidza kuti wakura. Vamwe vanhu vanotaura mashoko akaora vachifunga kuti ndiko kuti vanzi vakura. Asi hazvisi izvo. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vakura “vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Havazvidzikisiri nokutaura mashoko akaora vachingoitira zvokuda kuonekwa.

 Kutaura mashoko akaora kunotokanganisa iwe nevamwe vanokunzwa. Munyika makazara vanhu vanotaura mashoko akaora! Bhuku rinonzi Cuss Control rinoti, ‘Kutaura mashoko akaora kunotowedzera kuipisa nyika. Ita zvose zvaunogona kuti uchenese nyika. Uchanzwa uri munhu anoremekedzeka uye vamwe vanhu vachakuremekedzawo.’