Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?

Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?

 Vabereki vako vanokubvumira here kuti ushandise social media? Kana zvakadaro, nyaya ino ichakubatsira pazvinhu zvitatu.

Zviri munyaya ino

 Social media iri kundipedzera nguva here?

 Kushandisa social media kwakafanana nekutasva bhiza rakasimba chaizvo, ukasagona kuridzora rinokudonhedza.

 “Ndinenge ndaronga kuenda pasocial media kwemaminitsi mashoma, asi ndinotozoona ndaita maawa ndiripo! Social media inogona kukupinda muropa uye kukupedzera nguva.”—Joanna.

 Waizviziva here? Social media inopinda muropa nekuti vakaigadzira ndizvo zvavanotoda kuti iite. Vanhu vakagadzira social media vanoziva kuti kana website ichipindwa nevanhu vakawanda uye vanhu vachipedza nguva yakawanda vari ipapo, vachawana mari yakawanda nekuti makambani achabhadhara mari yakawanda kuti ashambadzire zvinhu zvawo pawebsite iyoyo.

 Zvibvunze kuti: ‘Ndinozongoona nguva yafamba ndiri pasocial media here? Ndinogona kushandisa imwe nguva iyoyo kuita zvinhu zvinokosha here?’

 Zvaungaita. Gara wakaronga kuti uchaita nguva yakawanda sei uri pasocial media, wobva waita zvawakaronga.

Gara wakaronga kuti uchaita nguva yakawanda sei uri pasocial media

 “Ndakaita kuti foni yangu isavhure mamwe maapplication panongokwana nguva yandinenge ndakaronga kuashandisa. Pashure pekunge ndaita izvi kwekanguva, ndakaona kuti zvakandibatsira kuti ndisapedza nguva yakawanda ndiri pasocial media uye ndiwane nguva yekuita zvimwe zvinhu zvinokosha.”—Tina.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Shandisa nguva yako nekuchenjera.’—VaEfeso 5:16.

 Social media iri kunditadzisa kurara here?

 Nyanzvi dzakawanda dzinoti vechidiki vari kuyaruka vanofanira kurara kwemaawa 8 kana kupfuura, asi vakawanda vari kurara kwemaawa mashoma. Chimwe chinogona kunge chiri kukonzera izvi kushandisa social media panguva yavanenge vachifanira kunge vakarara.

 “Ndisati ndaenda kunorara ndinotarisa foni yangu kuti ndione kana paine zvinhu zvinokosha, asi ndinozopedzisira ndaita maawa ndichitarisa zvinhu zvakaiswa nevamwe pasocial media. Ndiri kutorwisa kuti ndisiye katsika ikako kakaipa.”—Maria.

 Waizviziva here? Kusawana nguva yakakwana yekurara kunogona kuita kuti uve nedambudziko rekuzvidya mwoyo uye uve nechirwere chedepression. Mumwe purofesa anoona nezvepfungwa anonzi Jean Twenge akataura kuti chimwe chezvikonzero zvakakura zvinoita kuti vanhu varware uye vasuruvare kusawana nguva yakakwana yekurara. Anotiwo kana ukaita “nguva yakareba” usingarari zvakakwana, “pfungwa dzako dzinogona kupedzisira dzisingachanyatsoshandi zvakanaka uye usingachafari.” a

 Zvibvunze kuti: ‘Ndinorara kwemaawa mangani zuva rega rega?’ ‘Ndinoenda pasocial media panguva yandinenge ndava kufanira kugadzirira kurara here?’

 Zvaungaita. Edza kuita kuti usava nefoni muimba yaunorara kana yava nguva yekurara. Kana zvichiita, usashandisa foni yako kana pasara maawa maviri kuti uende kunorara. Kana uchida aramu inokumutsa, funga nezvekushandisa isiri yepafoni kana yepatablet.

Mira kushandisa social media paunenge wava kuda kurara

 “Dzimwe nguva ndinononoka kurara ndichishandisa foni, asi ndiri kuedza kusiya tsika iyi. Ndinoda kutanga kufunga semunhu mukuru uye kuva munhu akarongeka. Ndinoda kukurumidza kurara kuitira kuti ndizokwanisa kuita zvese zvandinenge ndichifanira kuita zuva rinotevera.”—Jeremy.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Iva nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’—VaFiripi 1:10.

 Social media iri kuita kuti ndisafare here?

 Mune imwe ongororo yakaitwa, inenge hafu yevasikana vekusekondari vakabvunzwa vakati “vanogara vakasuwa kana kuti vasina tariro.” Social media ndiyo imwe inogona kunge iri kukonzera izvozvo. Dr. Leonard Sax vanoti: “Paunopedza nguva yakawanda uri pasocial media uchizvienzanisa nevamwe, kakawanda kacho unosara wakasuwa.” b

 “Zvakajairika kuti vechidiki vazvienzanise nevamwe, uye social media inogona kuita kuti vatonyanya kuva netsika iyoyo. Unogona kutarisa mapikicha anotumirwa nevamwe pasocial media wotanga kuenzanisa upenyu hwako nehwavo, kana kuti unogona kutarisa zvinhu zvinonakidza zvinenge zvichiitwa neshamwari dzako wotanga kunzwa sekuti uri kusaririra.”—Phoebe.

 Waizviziva here? Kunyange zvazvo uchikwanisa kutaura neshamwari dzako pasocial media, hazvifanani nekukurukura navo muchinyatsoonana. Dr. Nicholas Kardaras vanoti: “Patinokurukura nevamwe tichishandisa foni, hatiwani mufaro watinowana patinoita zvekukurukura navo tichinyatsoonana nemhaka yekuti takasikwa tiine chido chekukurukura nevamwe tichionana chiso nechiso.” c

 Zvibvunze kuti: ‘Pandinotarisa zvinenge zvichiitwa neshamwari dzangu pasocial media ndinosara ndasurukirwa here?’ ‘Ndinonzwa sekuti upenyu hwangu hausi kunakidza here kana ndichihuenzanisa nezviri kuitwa neshamwari dzangu pamapikicha avanoisa pasocial media?’ ‘Ndinoora mwoyo here kana pakaita vanhu vashoma kana kuti pakashaya munhu anenge aratidza kuti afarira zvandaisa pasocial media?

 Zvaungaita. Edza kusashandisa social media kwemazuva, vhiki, kana kuti mwedzi. Wedzera nguva yaunoita uchitaura neshamwari dzako muchinyatsoonana kana kuti uchiita zvekuvafonera. Unogona kutotanga kuona kuti wava kufara uye hauchanetseki sezvawaiita pawaishandisa social media.

Unogona kuita nguva yakawanda uchionana neshamwari dzako here?

 “Pandaishandisa social media, ndainyanya kuisa pfungwa dzangu pane zvaiitwa nevamwe. Pandakavhara maakaundi angu epasocial media, ndakanzwa kurerukirwa uye ndakanga ndava nenguva yakawanda yekuita zvinhu zvinokosha.”—Briana.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

a Kubva mubhuku rinonzi iGen.

b Kubva mubhuku rinonzi Why Gender Matters.

c Kubva mubhuku rinonzi Glow Kids.