Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | VECHIDIKI

Kunakidzwa Nekuita Zvinhu Zvinotyisa Kwakaipa Here?

Kunakidzwa Nekuita Zvinhu Zvinotyisa Kwakaipa Here?

DAMBUDZIKO

“Ndaifarira kumira pedyo nechitima chaimhanya zvisingaiti. Zvandainzwa mumuviri mangu zvaiita kuti nditi kanganwei nhamo dzangu.”​—Leon. *

“Pandaidhaivhira mumvura ndichibva padenga denga, ndainzwa moyo wangu kugadzikana pandinenge ndichiri mumhepo. Zvaindinakidza, asi dzimwe nguva ndaitya.”​—Larissa

Vechidiki vakawanda vanonakidzwa nekuita zvinhu zvavasati vamboita, dzimwe nguva vachiita zvinhu zvinotyisa. Unonzwawo uchida kuzviita here? Kana uchizvifarira, nyaya ino inogona kukubatsira.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kunakidzwa nezvinhu zvinotyisa kunogona kupedzisira kwatokupinda muropa. Unogona kunakidzwa zvekunakidzwa zviya kwenguva pfupi asi wosara uchinzwa kuda kuita zvinotopfuura ipapo. Mumwewo aifarira kuenda kunjanji dzezvitima ndiMarco. Anoti: “Zvaityisa asi zvaindinakidza zvekuti ndakanga ndisingachakwanisi kuregedza. Ndaida kutoita zvinopfuura ipapo.”

Justin, uyo aiita skating achibatirira pamota dzinenge dzichipfuura anoti: “Ndainakidzwa zvekuti ndaida kuzviita futi. Ndaifarira kuyemurwa kwandaiitwa nevanhu, asi ndakazopedzisira ndava muchipatara.”

Shamwari dzinogona kukufurira kuita zvisina musoro. Mumwe mukomana anonzi Marvin anoti: “Shamwari dzangu dzakandimanikidza kukwira chivako chakareba dzichiti: ‘Kwira kani. Unozvigona.’ Ndainzwa kutya. Pandaikwira mudhuri wacho, ndaidedera.” Larissa, ambotaurwa anoti: “Ndaingotevedzerawo zvaiitwa nevamwe.”

Paindaneti, vamwe vanorumbidza vanhu vanoita zvinhu zvinotyisa asi havatauri kuti kuita zvinhu izvozvo kwakaipirei. Vamwe vanotumira ari mavhidhiyo, zvoita kuti vanhu vanenge vachiita zvinhu zvinotyisa vaite mukurumbira.

Semuenzaniso, mamwe mavhidhiyo anobudisa vanhu vanenge vachimhanya, vachikwira kana kuti vachijamba zvinhu zvakadai semidhuri, dzimba kana kuti masitepisi, vasina kana chekuzvidzivirira nacho. Izvi zvinogona kuita kuti ufunge kuti: (1) Haumbonyanyi kukuvara. (2) Munhu wese ari kuzviita. Pakupedzisira, unenge wava kuda kuitawo zvinhu izvozvo.

Pane zvimwe zvinhu zvekuita zvisingakuvadzisi. Bhaibheri rinoti, “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma.” (1 Timoti 4:8) Asi rinotiudzawo kuti “tirarame nepfungwa dzakanaka.” (Tito 2:12) Ungazviita sei?

ZVAUNGAITA

Ziva njodzi dzinogona kuvapo. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose ane njere achaita nezivo, asi benzi richaparadzira upenzi kwose kwose.” (Zvirevo 13:16) Usati waita chimwe chinhu, ziva njodzi dzinogona kuvapo. Zvibvunze kuti, ‘Zvandiri kuda kuita izvi hazvizondiremadzi here kana kuti kutondiurayisa?’​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 14:15.

Sarudza shamwari dzinokoshesa upenyu. Shamwari dzechokwadi hadzikukurudziri kuita zvinhu zvinokuvadzisa kana kukumanikidza kuita zvinhu zvausingadi. Larissa anoti: “Shamwari dzakanaka dzakandibatsira kusarudza zvinhu zvisingakuvadzisi. Upenyu hwangu hwakachinja pandakasiya shamwari dzandaimbotamba nadzo.”​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 13:20.

Zvibvunze kuti, ‘Zvandiri kuda kuita izvi hazvizondiremadzi here kana kuti kutondiurayisa?’

Budisa unyanzvi hwako asi usingaiti zvinokukuvadzisa. Bhuku rinonzi Adolescent Risk Behaviors rinoti, kukura kunoonekwa “nekuziva kuti chakanaka ndechipi uye kuziva pekugumira.” Unogona kuedza kuita zvinhu zvausati wamboita asi uchizviita nenzira yekuti haukuvari.

Ita zvinhu zvinoita kuti uremekedzwe. Kugona kugadzirisa matambudziko eupenyu ndiko kuchaita kuti vanhu vakuremekedze, kwete kushamisira nekuita zvinhu zvinokuvadzisa. Larissa anoti: “Pandakatanga zvekudhaivha ndichibva padenga denga, ndakabva ndatanga kuitawo zvimwe zvinhu zvakawanda zvaityisa. Ndinodemba kuti dai ndakaramba zvandaikurudzirwa neshamwari dzangu.”

Chinonyanya kukosha: Pane kuti uite zvinhu zvinokuvadzisa, ratidza kuti unoshandisa pfungwa pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 15:24.

^ ndima 4 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.