Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Usapambadza Zvinhu

Zvaungaita Kuti Usapambadza Zvinhu

MAZUVA ese tinoshandisa magetsi pakubika nekuita zvimwe zvinhu. Kuti mota dzifambe, dzinotoda mafuta. Asi pasi rese zvinhu izvi zvava kushomeka.

Gary wekuSouth Africa anoti, “kudhura kwemafuta emota” kuri kuita kuti upenyu huome. Jennifer wekuPhilippines, ari kunetsekawo “nekuenda kunogara kuchiita magetsi.” Fernando wekuEl Salvador ari kunetsekawo nenyaya “yekusvibiswa kwenharaunda.” Nzvimbo dzakawanda pasi rese dziri kusvibiswa nezvinhu zvinogadzira magetsi kana kuti mafuta emota.

Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndingaita sei nedambudziko iri?’

Tese tinogona kuchengetedza magetsi uye mafuta emota. Kuita izvi kune zvakunobatsira. Kunochengetedza mari, kunoita kuti nharaunda isanyanya kusvibiswa uye dambudziko rekushayikwa kwezvinhu izvi harizonyanyi kukura.

Ngatimbokurukurai zvatinogona kuita pamba pedu, patinoita nzendo uye patinoitawo zvimwe zvinhu.

PAMBA

Ngwarira mashandisiro aunoita hita nefeni. Imwe ongororo yakaitwa kune imwe nyika kuEurope yakaratidza kuti kuderedza zvishoma kudziya kwehita munguva yechando kunobatsira chaizvo pakuchengetedza magetsi. Derek anogara kuCanada anobvumirana nazvo. Anoti, “kana kuchitonhora, zviri nani kupfeka majuzi pane kuisa hita. Izvi zviri kuita kuti tichengetedze magetsi.”

Izvi zvinoshandawo kunyange kune vanogara kunzvimbo dzinopisa. Rodolfo wekuPhilippines, paanoshandisa feni anowanzoita kuti isanyanya kutonhora. Anozviitirei? Anoti, “Zvinochengetedza mari nemagetsi acho.”

Vhara mahwindo nemadhoo paunenge uchishandisa hita kana kuti feni. * Izvi zvinobatsira kuti mhepo inodziya kana kuti inotonhorera inenge iri mumba isabuda. Semuenzaniso, kusiya dhoo rakavhurika kana kuchitonhora kunoita kuti hita idye magetsi akawanda kuti mumba muzotanga kudziya.

Kunze kwekuvhara mahwindo nemadhoo, vamwe vanhu vakaisa dzimba dzavo zvinhu zvinoita kuti mhepo inodziya kana kuti inotonhorera isabuda.

Shandisa magirobhu asingadyi magetsi. “Panzvimbo pekushandisa magirobhu atakajaira, tava kushandisa magirobhu asingadyi magetsi,” anodaro Jennifer, ambotaurwa. Magirobhu aya asingadyi magetsi anogona hawo kunge achidhura asi nekusadya kwaanoita magetsi, unozoona kuti unenge wachengetedza mari yakawanda.

NZENDO

Unogona kukwira mabhazi. “Pandinoenda kubasa ndinowanzokwira chitima kana kuti kuchovha bhasikiro,” anodaro Andrew wekuGreat Britain. Bhuku rinonzi Energy: What Everyone Needs to Know rinotiyeuchidza kuti “kushandisa mota kunodhura zvakapetwa katatu kana uchienzanisa nemunhu anenge akwira bhazi kana kuti chitima.”

Ronga nzendo dzako. Kugara waronga zvinhu zvako kunoderedza nzendo dzaunoita, zvoita kuti usashandisa mafuta akawanda uye uchengetedze mari.

Jethro wekuPhilippines, ane mari yaanoti haafaniri kupfuura pamwedzi kana akashandisa mota yake. “Izvi zvinoita kuti ndichengetedze mari.”

ZVIMWE ZVATINOITA

Usanyanya kushandisa mvura inopisa. Imwe ongororo yakaitwa mumaguta ari kuAustralia, yakaratidza kuti ‘pamagetsi anoshandiswa nemhuri imwe neimwe, inenge 27% ndeyekudziyisa mvura.’

Sezvo kudziyisa mvura kuchidya magetsi akawanda, zviri nani kuti usanyanya kushandisa mvura inopisa. Victor wekuSouth Africa, anotsigira izvi achiti: “Tinoshandisa mvura inopisa shomanana patinogeza.” Imwe nyanzvi yesainzi inonzi Steven Kenway yakati, ‘kushandisa mvura shoma inopisa kunobatsira chaizvo nekuti kunochengetedza magetsi, vanhu havazoshandisi mvura yakawanda uye zvinochengetedzawo mari.’

Dzima zvinhu zvinoshandisa magetsi. Izvi zvinosanganisira maraiti, zvitofu, maTV, makombiyuta nezvimwewo. Zvinhu izvi kunyange ukazvidzima, zvinogona kuramba zviri pastandby uye zvinenge zvichitodya magetsi. Dzimwe nyanzvi dzinokurudzira kuti utobvisa mudziyo wacho pamagetsi kana kuti ushandise adaptor inokwanisa kudzimwa. Fernando, ambotaurwa ndizvowo zvaanoita. Anoti, “Ndinodzima maraiti uye zvinhu zvandanga ndichishandisa ndinobva ndazvibvisa pamagetsi.”

Tinogona hedu kunge tisina zvikuru zvatingaita pakuderedza kukanganiswa kwenharaunda uye mari inodiwa pakugadzira magetsi, asi tinokwanisa kuachengetedza nemashandisiro atinoaita. Pasi rese, pane zvakasiyana-siyana zviri kuitwa panyaya iyi. Kuchengetedza magetsi hakusi nyore uye zvinotoda kushanda nesimba, asi yeuka chazvakanakira. Valeria wekuMexico, anoti, “Izvi zvinoita kuti ndichengetedze mari uye ndisasvibisa nharaunda.”

^ ndima 10 Tevedzera mirayiridzo yevakagadzira hita kana kuti feni yauri kushandisa. Semuenzaniso, dzimwe dzacho dzinofanira kushandiswa hwindo kana kuti dhoo rakavhurika kuitira kuti mhepo ipinde.