Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Shepi Yematemhe Ehozhwa

Shepi Yematemhe Ehozhwa

MATEMHE ehozhwa dzemugungwa ndiwo anodzichengetedza kuti dzisakuvadzwa nemvura ine simba inenge iri pasi pegungwa. Mainjiniya ari kuongorora zvakaita matemhe aya kuti vagadzirewo mota nedzimba dzinogona kudzivirira vanhu kana pakaitika njodzi.

Chimbofunga izvi: Mainjiniya akaongorora mhando mbiri dzematemhe aya. Imwe mhando ine mativi maviri akafanana (bivalve), uye imwe ine shepi yescrew.

Pademhe rakaita bivalve, zvakaonekwa kuti mvura ine simba painorovera pariri, simba racho rinobva rapararira nedemhe racho uye nepajoini. Asi kana riri demhe rine shepi yescrew, zvakaonekwa kuti simba remvura rinoperera nechekuzasi kwakapamhamha. Pamhando dzese idzi dziri mbiri, simba remvura rinoperera kwakanyanya kusimba pademhe racho zvichiita kuti hozhwa isakuvadzwa.

Mainjiniya akaongororawo matemhe chaiwo vachiaenzanisa neavakagadzira. Zvakaonekwa kuti matemhe chaiwo akasimba zvakapetwa kaviri kupfuura ekugadzira.

Magazini inonzi Scientific American yakazoti: “Kana ukaita mota ine shepi yedemhe rehozhwa, unenge uine mota yakanaka uye ukaita tsaona haumbokuvari.”

Unofungei?: Shepi yematemhe ehozhwa yakangoerekana yavako here kana kuti yakaita zvekusikwa?