Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uori Hunoitwa Muhurumende Huchazombopera Here?

Uori Hunoitwa Muhurumende Huchazombopera Here?

 Uori hunoitwa nevanhu vanoshanda muhurumende idambudziko rakapararira pasi rese uye hunokonzera matambudziko akakura. a Semuenzaniso, panguva yechirwere cheCOVID-19 vakuru vakuru vemunyika dzakawanda vakapomerwa mhosva yekuba mari dzaifanira kubatsira vanhu panguva yechirwere ichi. Uori ihwohwo hwakaita kuti pashayike mari yekuti vanhu varapwe uye zvakaita kuti vanhu vakawanda vatambure uye vafe.

 Uori hunoitwa nevashandi vehurumende huri kuvhiringidza vanhu kwese kwese. David Cameron, uyo aimbova mutungamiriri wehurumende yekuUnited Kingdom, akati: “Nyika dzese dzine vashandi vehurumende vane uori.”

 Asi tine chokwadi chekuti munguva pfupi iri kutevera uori hwese hunoitwa nevashandi vehurumende huchapera. Nei tichidaro? Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri zvichaitwa naMwari.

Chii chinoita kuti titi Mwari achabvisa uori?

 Bhaibheri rinoti: “Ini Jehovha, ndinoda zvakarurama; Ndinovenga ugororo uye kusarurama.” b (Isaya 61:8) Mwari anoona matambudziko anosangana nevanhu anokonzerwa neuori hunoitwa nevamwe. (Zvirevo 14:31) Anovimbisa kuti: “Nekuti vanotambudzika vakadzvinyirirwa, . . . Ndichasimuka kuti ndiite chimwe chinhu.”—Pisarema 12:5.

 Mwari achaitei? Mwari haasi kuzochinja zvinhu muhurumende dziripo asi achatodzibvisa oisa hurumende yake yekudenga, inonzi “Umambo hwaMwari.” (Mako 1:14, 15; Mateu 6:10) Bhaibheri rinoti: “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo . . . huchapwanya, hwogumisa [humwe] umambo hwese uhwu, uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Izvi ndizvo zvichaitwa naMwari kuti agumise uori huripo mazuva ano.

Hurumende isina uori

 Tinoziva sei kuti Umambo hwaMwari hahuzotangi kuita uori? Funga nezvezvinhu zvinotevera.

  1.  1. Simba. Simba reUmambo hwacho rinobva kuna Mwari Wemasimbaose.—Zvakazarurwa 11:15.

     Nei kuziva izvi kuchikosha? Hurumende dzinowana mari yekushandisa kubva kuvanhu vadzinotonga. Kakawanda kacho izvi zvinoita kuti vashandi vehurumende vave nemukana wekuti vapiwe chiokomuhomwe, vabe uye vanyepe. Asi Umambo hwaMwari hunotsigirwa naMwari Wemasimbaose saka hahuzombokundikani kupa vanhu vahunotonga zvese zvavanoda.—Pisarema 145:16.

  2.  2. Mutungamiriri. Mwari akagadza Jesu Kristu kuti ave Mutungamiriri weUmambo hwake.—Dhanieri 7:13, 14.

     Nei kuziva izvi kuchikosha? Kunyange vanhu vanotonga zvakanaka vanogona kufurirwa kuita zvakaipa. (Muparidzi 7:20) Asi Jesu akaratidza kuti haabvumi kunyengedzwa. (Mateu 4:8-11) Uye anoita zvinhu nekuti anoda vanhu vaanotonga uye anoda kuti vagare zvakanaka.—Pisarema 72:12-14.

  3.  3. Mitemo. Mitemo yeUmambo hwaMwari yakarurama uye inoita kuti vanhu vafare.—Pisarema 19:7, 8.

     Nei kuziva izvi kuchikosha? Mitemo yevanhu yakaoma, inorema kana kuti haishandiswi zvakanaka uye izvi zvinoita kuti pave nemikana yekuita uori. Asi kana iri mitemo yaMwari inoshanda uye inobatsira. (Isaya 48:17, 18) Uye mitemo iyi inobatsirawo kuti munhu ade kuita zvinhu zvakanaka. (Mateu 22:37, 39) Mwari anoona zviri pamwoyo uye mitemo yake yaanopa inoratidza tsitsi.—Jeremiya 17:10.

 Tinokukumbira kuti udzidze zvakawanda zvinovimbiswa neBhaibheri nezveupenyu huri mberi hunenge husina hurumende dzine uori.

  •   Kuti unzwe zvimwe zvikonzero zvitatu zvinoita kuti Umambo hwaMwari husazomboita uori, verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Ihurumende Isina Uori.”

  •   Kuti unzwe zvimwe nezvehurumende yaMwari uye zvaichaita panyika, ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Chii?

  •   Dzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha usingabhadhari kuti uone zvaungaita kuti uzoraramawo munyika ichange ichitongwa neUmambo hwaMwari.

a Imwe tsanangudzo inoti, “uori” kushandisa zvisiri izvo simba raunenge wapiwa uchiitira kuti zvinhu zvikunakire.

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?