Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kunyengetera Muzita raJesu?

Nei Tichifanira Kunyengetera Muzita raJesu?

JESU aigara achidzidzisa nezvomunyengetero. Panguva yaakararama, vatungamiriri vechitendero vechiJudha vainyengetera vari “pamharadzano dzenzira dzakafara.” Vaizviitirei? “Kuti vaonekwe nevanhu.” Zviri pachena kuti vaida kurumbidzwa zvichinzi vanonamata. Vazhinji vaiita mirabaraba yeminyengetero vachingodzokorora mashoko sezvainzi “kushandisa kwavo mashoko mazhinji” ndiko kwaiita kuti minyengetero yavo inzwiwe. (Mateu 6:5-8) Jesu akaratidza kusabatsira kwemaitiro akadaro, uye izvi zvakabatsira vane mwoyo yakatendeseka kuti vazive zvavaisafanira kuita kana vonyengetera. Zvisinei, haana kungodzidzisa zvisingafaniri kuitwa pakunyengetera.

Jesu akadzidzisa kuti minyengetero yedu inofanira kuratidza chido chedu chokuona zita raMwari richitsveneswa, Umambo Hwake huchiuya, uye zvaanoda zvichiitwa. Akadzidzisawo kuti zvakakodzera kukumbira Mwari kuti atibatsire muzvinhu zvine chokuita noupenyu hwedu somumwe nomumwe. (Mateu 6:9-13; Ruka 11:2-4) Achishandisa mienzaniso, Jesu akaratidza kuti zvinokosha kuti tigare tichinyengetera, tive nokutenda, uye tizvininipise kuti minyengetero yedu inzwiwe. (Ruka 11:5-13; 18:1-14) Akazadzisa zvaaidzidzisa nezvaaiita iye pachake.—Mateu 14:23; Mako 1:35.

Hapana mubvunzo kuti murayiro uyu wakabatsira vadzidzi vaJesu kuti vavandudze minyengetero yavo. Asi Jesu akamirira kusvika pausiku hwake hwokupedzisira ari panyika kuti ape vadzidzi vake chidzidzo chinonyanya kukosha pakunyengetera.

“Chinhu Chitsva Pakunyengetera”

Nguva yakawanda pausiku hwake hwokupedzisira Jesu akanga achikurudzira vaapostora vake vakatendeka. Yaiva nguva yakakodzera kuti avaratidze chimwe chinhu chitsva. Jesu akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” Gare gare akavavimbisa kuti: “Zvose zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vakudzwe pachishandiswa Mwanakomana. Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.” Ava kunopedza kukurukurirana navo, akati: “Kusvikira panguva ino hamuna kumbokumbira chinhu chimwe chete muzita rangu. Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadziswe.”​—Johani 14:6, 13, 14; 16:24.

Mashoko aya aikosha zvikuru. Rimwe bhuku rinotsanangura izvi richiti “chinhu chitsva pakunyengetera.” Jesu akanga asingarevi kuti minyengetero ichirega kuenda kuna Mwari yoenda kwaari. Asi akanga ari kuzarura nzira itsva yokusvika nayo kuna Jehovha Mwari.

Chokwadi, Mwari agara achiteerera minyengetero yevashumiri vake vakatendeka. (1 Samueri 1:9-19; Pisarema 65:2) Zvisinei, kubvira apo vaIsraeri vakava vanhu vaMwari vaakaita sungano navo, vaya vaida kuti minyengetero yavo inzwiwe vaifanira kuziva kuti Israeri rwaiva rudzi rwakasarudzwa naMwari. Gare gare, kubvira panguva yaSoromoni, vaifanira kuona temberi senzvimbo yakasarudzwa naMwari yokupa zvibayiro. (Dheuteronomio 9:29; 2 Makoronike 6:32, 33) Asi kunamata kwakadaro kwakanga kuri kwenguva iyoyo chete. Sezvakanyorwa nomuapostora Pauro, Mutemo wakapiwa vaIsraeri uye zvibayiro zvaipiwa patemberi zvakanga zviri “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya, asi kwete zvinhu zvacho chaizvo.” (VaHebheru 10:1, 2) Mumvuri wacho waifanira kuvhurira nzira zvinhu chaizvo. (VaKorose 2:17) Kubvira muna 33 C.E., ukama hwomunhu naJehovha hwakanga husisabvi pakuteerera Mutemo waMosesi. Asi hwaibva pakuteerera uya airehwa noMutemo, iye Kristu Jesu.​—Johani 15:14-16; VaGaratiya 3:24, 25.

Zita “Rinopfuura Mamwe Mazita Ose”

Jesu akatanga nzira inokosha yokusvika kuna Jehovha achizviti ishamwari ine simba, munhu anoita kuti minyengetero yedu inzwiwe uye kuti ipindurwe naMwari. Chii chinoita kuti Jesu agone kutiitira izvi?

Sezvo tose takaberekwa tiine chivi, hapana mabasa atingaita kana kuti zvibayiro zvatingapa zvingatichenesa pachivi ichi kana kuita kuti tikodzere kuva noukama naMwari wedu mutsvene Jehovha. (VaRoma 3:20, 24; VaHebheru 1:3, 4) Zvisinei, Jesu akapa upenyu hwake hwomunhu akakwana ndokubhadhara zvivi zvevanhu vanogona kuyanana naMwari. (VaRoma 5:12, 18, 19) Saka vose vanoda kuchenesa zvivi zvavo vane mukana wokuva vakachena pamberi paJehovha vova ‘norusununguko rwokutaura’ naMwari, chero bedzi vakava nokutenda muchibayiro chaJesu uye vakanyengetera muzita rake.​—VaEfeso 3:11, 12.

Patinonyengetera muzita raJesu, tinenge tichiratidza kutenda mumabasa ake anenge matatu anoita kuti chinangwa chaMwari chizadziswe: (1) Iye i“Gwayana raMwari,” rine chibayiro chinoita kuti zvivi zvikanganwirwe. (2) Akamutswa naJehovha uye iko zvino iye “mupristi mukuru” ari kutungamirira kuti tibatsirwe norudzikinuro. (3) Iye chete ndiye “nzira” yokuti tisvike kuna Jehovha mumunyengetero.​—Johani 1:29; 14:6; VaHebheru 4:14, 15.

Kunyengetera muzita raJesu kumuremekedza. Kumuremekedza kwakadaro kwakarurama, nokuti Jehovha anoda kuti “muzita raJesu mabvi ose apfugame, . . . , uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.” (VaFiripi 2:10, 11) Uye chinotonyanya kukosha ndechokuti zita raJesu rinokudza Jehovha, uyo akatibatsira nokutipa Mwanakomana wake.​—Johani 3:16.

Tinofanira kunyengetera “nomwoyo wose,” kwete kuita zvokuimba minyengetero

Bhaibheri rinoshandisa mazita akasiyana-siyana okuremekedza parinotsanangura Jesu kuti tinyatsonzwisisa kukwirira kwakaita chinzvimbo chake. Mazita aya anotibatsira kunzwisisa zvikomborero zvakawanda zvatinowana nemhaka yezvakaitwa naJesu, zvaari kuita uye zvaachatiitira. (Ona bhokisi rinoti “ Basa raJesu Rinokosha”) Chokwadi, Jesu akapiwa “zita rinopfuura mamwe mazita ose.” * Akapiwa simba rose kudenga nepanyika.​—VaFiripi 2:9; Mateu 28:18.

Haisi Tsikawo Zvayo

Chokwadi, tinofanira kunyengetera muzita raJesu kana tichida kunzwiwa naJehovha. (Johani 14:13, 14) Asi hatidi kudzokorora mashoko okuti “muzita raJesu” setsikawo zvayo. Nei tisingafaniri kudaro?

Chimbofunga muenzaniso unotevera. Paunogamuchira tsamba inobva kuna muzvinabhizimisi, inogona kunge iine mashoko anogaronyorwa okuti “ndini wenyu.” Unofunga kuti mashoko aya anoratidza manzwiro echokwadi amuzvinabhizimisi uyu here, kana kuti ari kungotevedzera manyorerwo anoitwa tsamba? Kutaura zvazviri, kushandisa zita raJesu muminyengetero yedu kunofanira kuva nezvakunoreva kupfuura kutevedzera zvinonyorwa kumagumo etsamba. Kunyange zvazvo tichifanira ku‘ramba tichinyengetera,’ tinofanira kuzviita ‘nomwoyo wedu wose,’ kwete kuita zvokuimba minyengetero.​—1 VaTesaronika 5:17; Pisarema 119:145.

Ungadzivisa sei kushandisa mashoko okuti “muzita raJesu” zvechipameso? Wadii kufungisisa nezvounhu hwaJesu hunoyemurika? Funga nezvezvaakatokuitira uye zvaanoda kukuitira. Paunonyengetera, tenda Jehovha uye murumbidze nemhaka yenzira inoshamisa yaakashandisa nayo Mwanakomana wake. Kana ukadaro, uchava nechokwadi chezvakavimbiswa naJesu zvokuti: “Kana mukakumbira Baba chimwe chinhu vachakupai muzita rangu.”​—Johani 16:23.

^ ndima 14 Maererano neVine’s Expository Dictionary of New Testament Words, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “zita” rinogona kureva “zvose zvinorehwa nezita, chiremera, unhu, chinzvimbo, ukuru, simba, [uye] kuremekedzwa.”